bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Nehemiah 1
Nehemiah 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
1
Zvino idzi ndidzo nyaya dzaNehemiya mwanakomana waHakariya. Zvino zvakaitika kuti mumwedzi waKisirevhu mugore rechimakumi maviri ndiri muguta guru reSusa,
2
hama yangu Hanani akasvikako achibva kwaJudha aina vamwe varume. Ini ndakamubvunza nezvevaJudha vakanga vachiri vapenyu vaye vakapunyuka muutapwa uyewo nezveJerusaremu.
3
Iye akandipindura achiti, “Vapenyu vacho vari uku kunyika iyoyo vakapunyuka muutapwa vaye, vari munhamo huru kwazvo inonyadzisa. Rusvingo rweJerusaremu rwakapazirwa pasi, misuo yaro mikuru ikaroromeswa nomoto.”
4
Pandakanzwa mazwi iwaya ndakagara pasi ndikahwihwidza kuchema ndichiungudza kwamazuva akati kuti. Ndakaramba ndichitsanya ndichinamata kuna Mwari Wedenga
5
ndichiti, “Tenzi, Mwari Wedenga. Muri Mwari mukuru anotyisa anochengeta chitenderano chake navanomuda vanochengeta mitemo yenyu.
6
Tarisaiwo nemeso enyu muone, murerekere zvenyu nzeve yenyu munzwe munamato wangu ini muranda wenyu wandava kuita mberi kwenyu siku nesikati ndichinamatira vanhu veIsiraeri varanda venyu ndichireurura zvitadzo zvavanhu veIsiraeri zvatakakutadzirai nazvo, zviri zvokutadza izvi ini namadzibaba emhuri yokwangu, takatadza.
7
Takakutadzirai zvokutadza zviya. Hatina kuchengeta mitemo nemirao nezvirevo zvamakaudza muranda wenyu Mosesi.
8
Moyeukawo chirevo chamakareva kune muranda wenyu Mosesi muchiti, ‘Kana imi mukazova vanhu vasina kutendeka, ini ndichazokumwararidzai mukati memarudzi.
9
Asi mukange mazotendeukira kwandiri mukateerera mitemo yangu moichengeta kunyange zvazvo manga makamwararidzirwa kure kwakaperera denga chaiko; ndichazovakokorodza ikoko ndouya navo kunzvimbo yandakasarudza kuti ndiise zita rangu ipapo.’
10
Varanda venyu ava, vanhu venyu vamakanunura namasimba enyu makuru noruoko rune simba.
11
Nhai Tenzi rerekeraiwo nzeve yenyu kumunamato weni muranda wenyu nokumunamato wavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu. Muitewo kuti ini muranda wenyu ndibudirire nhasi uno, mupewo kuti ndiitirwe tsiye nyoro nomurume iyeyu.” Izvozvo ndini ndaiva wokuona nezvewaini yokwamambo.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13