bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Nehemiah 8
Nehemiah 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
1
Vanhu vose vakazoungana vaine chinangwa chimwe munhandare pamberi pesuo guru rokuMvura. Vakataurira Ezira nyanzvi yomutemo kuti aunze bhuku romutemo waMosesi wakanga wapiwa kuvaIsiraeri naTenzi.
2
Mupristi Ezira akaunza mutemo iwoyo pamusi wechiposhi wemwedzi wechinomwe kugungano revanhu, varume navakadzi, nevaigona kunzwisisa.
3
Akariverenga akatarisa munhandare iri pamberi pesuo guru rokumvura kubvira kuchangoedza kudzamara masikati makuru munzeve dzavarume navakadzi nevaigona kunzwisisa, izvozvo vanhu vose vakanga vakateya kwazvo nzeve kunzwa bhuku romutemo.
4
Ezira nyanzvi yomutemo akamira padara rakanga ravakirwa izvozvi izvi. Vakanga vamire naye kurudyi ndaava vanoti: Matatiya naShema naAnaya naUriya naHirikiya naMaaseya; kuruboshwe: ndiPedhaya naMishaeri naMarikiya naHashumu naHashibhadhana naZekariya naMeshuramu.
5
Ezira akazarura bhuku racho vanhu vose vachiona, nokuti akanga ari nechapamusoro pavanhu vose. Paakangoriti zarurei vanhu vose vakabva vati nyandanu kusimuka.
6
Ezira akarumbidza Tenzi, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ameni! Ngazvive saizvozvo,” vachisimudza mudenga maoko avo. Vakakotamisa misoro yavo vachipfugamira Tenzi, uso hwavo vakati pasi kota kota.
7
Kwouya Jeshua naBhani naSherebhiya naJamini naAkubhu naShabhetai naHodhiya naMaaseya naKerita naAzariya naJozabhadhi naHanani naPeraya vokwaRevhi, vakatsanangurira vanhu mutemo iwoyo. Vanhu vakaramba vamire munzvimbo dzavo.
8
Vakanyatsoverenga mubhuku romutemo waMwari, ndokutsanangurira vanhu kuti vanzwisise zvaiverengwa.
9
Nehemiya aiva ari gavhuna, nomupristi Ezira nyanzvi yomutemo, nevaRevhi vaifundisa vanhu vakati kuvanhu vose, “Zuva irori izuva raTenzi, Mwari wenyu rinoera, regai kuchema kana kuungudza.” Chaivapo ndechokuti vanhu vose vakachema pavakanzwa mashoko omutemo.
10
Akavati, “Chiendai zvenyu munodya kudya kwakanaka, munwe zvenyu waini inonaka, mupewo vasina chavanacho chakagadzirirwa, nokuti zuva ranhasi izuva raTenzi wedu rinoera. Musasuruvare nokuti rufaro rwaTenzi ndiro simba renyu.”
11
Saizvozvo vaRevhi vakanyaradza vanhu vose vachiti, “Nyararai zvenyu nokuti zuva ranhasi izuva rinoera, zvokusuruvara, chiregai.”
12
Vanhu vose vakazoenda zvavo kundodya nokunwa nokutumirana zvipo vachipembera kwazvo nokufara pamusana pokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakanga vaudzwa.
13
Pazuva rechipiri racho, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba evanhu vose ivavo pamwechete navapristi nevaRevhi vakaunganidzana kuna Ezira nyanzvi yomutemo kuzodzidza zvinorehwa nomutemo.
14
Vakawana mumutemo wakapiwa naTenzi nokuna Mosesi uya makanyorwa kuti: Vanhu veIsiraeri vanofanira kugara mumatumba panguva yemazuva makuru omumwedzi wechinomwe,
15
uye vanofanira kutaurira vanhu nokuzivisa mumaguta avo ose nomuJerusaremu kuti, “Endai muzvikomo muuye namasanzu emiorivhi neemiorivhi yomusango neomumirite neemurara neemimwewo miti ine mashizha mazhinji okugadzirisa matumba sokunyorwa kwazvakaitwa.”
16
Saizvozvo vanhu vakabuda vakandouya nawo, munhu woga woga akazvigadzirira dumba vamwe pamatenga emba dzavo nomunhandare yokusuo guru rokuMvura nomunhandarewo yokuSuo Guru rokwaEfuremu.
17
Gungano rose revanhu vakadzoka vachibva kuutapwa vaye vakazvigadzirira matumba vakagara mumatumba imomo nokuti kubvira mumazuva aJoshuwa mwanakomana waNuni kusvikira musi iwoyo, vanhu veIsiraeri vakanga vasati vambozviita, pakafarwa zvokufara zviya.
18
Zuva nezuva kubvira pamusi wokutanga kusvikira pane wokupedzesera aiverenga muBhuku roMutemo waMwari. Vakachengeta mazuva makuru iwayo kwemazuva manomwe, pazuva rechisere pakaitwa musangano mutsvene wezvokunamata maererano nezviri pamurao.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13