bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Nehemiah 11
Nehemiah 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
1
Vatungamiriri vavanhu vaigara muJerusaremu. Vamwe vanhu vose vaitoita zvokusarudza nechin'ange munhu mumwechete pagumi ravanhu wokundogara muJerusaremu raiva riri iro guta rinoera, vamwe vapfumbamwe ava vachigara muna mamwe maguta.
2
Vanhu vakarumbidza varume vakazvipira zvavo kundogara muJerusaremu.
3
Ava ndivo madzishe enyika iyi aigara muJerusaremu asi mumaguta okwaJudha munhu wose aigara pamusha pake mumaguta avo imomo. Paiva navaIsiraeri navapristi nevaRevhi navashandi vapaTemberi navana vavaranda vaSoromoni.
4
MuJerusaremu maigarawo vamwe vanakomana vokwaJudha navamwe vanakomana vokwaBhenjamini. Kuvanakomana vokwaJudha paiva: naAtaya mwanakomana waUziya, Uziya mwana waZekariya, Zekariya mwanawo waAmariya, Amariya akaberekwa naShefatiya Shefatiya mwanakomana waMaharareri Mahararerei mwana waFeresi
5
naMaaseya mwanakomana waBharuku Bharuki akaberekwa naKoruhozeni, Koruhozeni mwana waHazaya, Hazaya mwanawo waAdhaya Adhaya mwanakomana waJoyaribhu, Joyaribhu akaberekwa naZekariya ari mwanakomana womunhu wokuShiro.
6
Vanakomana vose vokwaPeresi, vaigara muJerusaremu vaiva varume mazana mana ana makumi matanhatu navasere dziri mvumba chaidzo dzokurwa hondo.
7
Ava ndivo vanakomana vedzinza rokwaBhenjamini: kwaiti, Saru mwanakomana waMeshuramu Meshuramu ari mwanakomana waPedhaya, Pedhaya ari mwanakomana waKoraya Koraya mwanakomana waMaaseya Maaseya wakaberekwa naItieri, Itieri mwanakomana waJeshaya.
8
Saru uyu aitevedzerwa naGabhai naSarai vari mazana mapfumbamwe avanhu ana vanhu makumi maviri navasere.
9
Joeri mwanakomana waZikiri ndiye aiva mutariri mukuru wokuona nezvavo. Judha mwanakomana waHasenua aiva mutevedzeri womutongi weguta iri.
10
Kuvapristi kwaiva naava vanoti: Jedhaya mwanakomana waJoyaribhu uye Jakini
11
naSeraya mwanakomana waHirikiya; Hirikiya uyu mwanakomana waMeshuramu, Meshuramu akaberekwa naZadhoki, Zadhoki ari mwana waMerayoti, Merayoti mwanakomana waAhitubhu mutongi wapamba paMwari.
12
Nehama dzavo vaiva vari vokuita basa rapamba ipapo vakanga vari mazana masere namakumi maviri ana vaviri kwouya Adhaya mwanakomana waJehoramu Jehoramu mwana waPerariya Perariya ari mwanawo waAmuzi Amuzi ari waZekariya Zekariya ariwo waPashihuru Pashihuru mwanakomana waMarikiya
13
nehamawo dzake, vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba acho vari mazana maviri ane makumi mana navaviri kwozouya Amashisai mwanakomana waAzareri. Azareri mwana waAhizai Ahizai ari mwana waMeshiremoti Meshiremoti akaberekwawo naImero
14
nehama dzavowo mvumba chaidzo dzevarume magamba chaiwo okurwa hondo vari zana namakumi maviri ana vasere, mutariri wavo ari Zabhudhieri mwanakomana waHagedhorimu.
15
KuvaRevhi kwaivawo naava vanoti: Shemaya mwanakomana waHashubhu Hashubhu mwana waAzirikamu Azirikamu ari mwana waHashabhiya, Hashabhiya ari waBhuni
16
Bhuni naShabhetai naJozabhadhi vamwe vevakuru vakuru vevaRevhi vaiona nezvebasa rokunze repamba yaMwari kwouyawo Mataniya mwanakomana waMika, Mika mwana waZabhudhi
17
Zabhudhi mwanakomana waAsafu aiva mutungamiriri wokuvamba munamato wokutenda uyewo Bhakibhukiya mwana wechipiri pakati pehama dzake kwozouya Abhudha mwanakomana waShamua mwanakomana waGarari, Garari mwanakomana waJedhutuni.
18
VaRevhi vomuGuta Rinoera iri vose vaiva mazana maviri namakumi masere ana vana.
19
Vachengetedzi vepamisuo mikuru, vana Akubhu naTarimoni nehama dzavo, vakanga vari vokuchengetedza pamisuo mikuru, vaiva zana revanhu rine vanhu makumi manomwe navaviri.
20
Vamwe vose veIsiraeri navamwe vose vevapristi navavaRevhi vaiva mune mamwe maguta ose amaJudha munhu wose agere pake penhaka.
21
Asi vashandi vepaTemberi vaigara paOferu, Ziha naGishipa ndovaiva vakuru vakuru vevashandi vepaTemberi.
22
Mutariri wevaRevhi muJerusaremu akanga ari Uzi mwanakomana waBhani Bhani mwana waHashabhiya, Hashabhiya ari mwana waMataniya, Mataniya akaberekwa naMika Mika wokuvanakomana vokwaAsafu vaimbi, aiona nezvebasa repamba yaMwari,
23
nokuti kwakanga kwabva chirevo kuna mambo chakanangana nezvavo nomugove wakatemwa wevaimbi sezvainge zvichidiwa zuva nezuva
24
kwoti Petahiya mwanakomana waMeshezabheri, Meshezabheri mumwe wevana vokwaZera, Zera mwanakomana waJudha aiva nhume yamambo panyaya dzose dzainangana nezvevanhu.
25
Panyaya yemisha namafuro ayo, vamwe vanhu vamaJudha umu vaigara mumaguta aya anoti: muKiriatiaribha nemisha yaro nomuDhibhoni nemisha yaro nomuJekabhuzieri nemisha yaro
26
nomuJeshua nomuMoradha nomuBhetipereti
27
nomuHazarishuaru nomuBheerishebha nemisha yaro
28
nomuZikiragi nomuMekona nemisha yaro
29
nomuEnirimoni nomuZora nomuJarimuti
30
nomuZanowa neAdhuramu nemisha yawo neRakishi nemisha yaro neAzeka nemisha yaro. Saizvozvo vakadzika matendhe kubvira kuBheerishebha kusvikira kuBani rokwaHinomu.
31
Vanhu vokwaBhenjamini vaigarawo kubvira Gebha zvichienda mberi kuMikimashi nokuAiya nokuBhetieri nemisha yaro
32
nokuAnatoti neNobhu neAnaniya
33
neHazori neRama neGitaimu
34
neHadhidhi neZebhoimu neNebharirati
35
neRodhi neOno bani remhizha dzezvoutare.
36
Zvimwe zvikwata zvevaRevhi maJudha umu zvakanga zvakabatanidzwa kune vokwaBhenjamini.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13