bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Nehemiah 12
Nehemiah 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
1
Vapristi navaRevhi vaya vakasimuka vakauya pamwechete naZerubhabhero mwanakomana waShearitieri naJeshua ndavava ava vanoti: Seraya naJeremiya naEzira
2
naAmariya naMaruki naHatushi
3
naShekaniya naRehumu naMeremoti
4
naIdho naGinetoi naAbhiya
5
naMijamini naMaadhiya naBhiriga
6
naShemaya naJoyaribhu naJedhaya
7
naSaru naAmoki naHirikiya naJedhaya. Ivava ndivo vaiva vakuru vakuru vavapristi nevehama dzavo mumazuva aJeshua.
8
KuvaRevhi uku paiva navava vanoti: Jeshua naBhinui naKadhimieri naSherebhiya naJudha naMataniya iyeyu nehama dzake vaiva varivo vokuona nezvenziyo dzokutenda
9
uku Bhakibhukiya naUno hama dzavo vainge vachimira pakadaro apo vakatarisana navo pavainge vari pabasa irori.
10
Jeshua aiva baba vaJohakimu Johakimu ari baba vaEriyashibhu Eriyashibhu ariwo baba vaJoyadha
11
Joyadha ariwo baba vaJonatani. Jonatani ndibaba vaJadhua.
12
Mumazuva aJoyakimu, vapristi vakanga vari vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakamira vakadai: Seraya aiva wokwaMeraya Jeremiya ari wokwaHananiya
13
Ezira ari wokwaMeshuramu Amariya ari wokwaJehohanani
14
Maruki ndewokwaJonatani Shekaniya aiva wokwaJosefi
15
Harimu ari wokwaAdhina Meremoti ari wokwaHerikai
16
Idho ari wokwaZekariya Ginetoni ndewokwaMeshuramu
17
Abhiya ari wokwaZikiri Miniyamini naMoadhiya vaiva vokwaPiritai
18
Bhiriga ari wokwaShamua Shamaya ari wokwaJehonatani
19
Joyaribhu ndewokwaMatenai Jedhaya aiva wokwaUzi
20
Sarai ari wokwaKarai Amoki ari wokwaEbheru
21
Hirikiya ndewokwaHashabhiya, Jedhaya aiva wokwaNetaneri.
22
KuvaRevhi uku, mumazuva aEriyashibhu naJohanani naJadhua, kwakanga kuna mazita akanyorwa avatungamiriri vedzimba dzamadzibaba acho pamwechetewo navapristi kusvikira mugore rokutonga kwaDhariusi muPezhiya.
23
Vanakomana vokwaRevhi, kusvikira mumazuva aJohanani mwanakomana waEriyashibhu, vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba acho, vakanga vakanyorwa mazita muBhuku reNhoroondo.
24
Vakuru vakuru vevaRevhi ava vanoti: Hashabhiya naSherebhiya naJeshua mwanakomana waKadhimieri nehama dzavo vaiva vokumira pakatarisana navo vachitenda Mwari nokurumbidza maererano nezvakanga zvanzi zviitwe naDhavhidhi munhu waMwari, chikwata chichidairana nechimwe.
25
Mataniya naBhakibhukiya naObhadhiya naMeshuramu naTarimoni naAkubhu vaiva vachengetedzi vepamisuo mikuru vaimira vachigaririra padzimba dzokuchengetera zvinhu dzokumisuo mikuru yacho.
26
Ivava ava vaivepo mumazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, Jeshua mwanakomana waJozadhaki nomumazuva aNehemiya gavhuna neemupristi Ezira nyanzvi yomutemo iya.
27
Pakuteketererwa kuna Mwari kwakaitwa rusvingo rweJerusaremu, vakakokorodza vaRevhi kunzvimbo dzavo dzose vachiunza muJerusaremu kuzopembera nokufarira kuteketerera kuna Mwari ikoku vachimutenda vachiimba vaine makwakwakwa outare namadimbwa nezvipendhani.
28
Vanakomana vevaimbi vakaungana pamwechete vachibva munharaunda yeJerusaremu nokumisha yevanhu vokuNetofa
29
nevaibvawo kuBhetigirigari nokuruwa rweGebha nokuAzimavheti. Chakanga chavepo ndechokuti, vaimbi vakanga vazvivakira misha munharaunda yeJerusaremu.
30
Vapristi nevaRevhi vakazvichenura vakabva vachenurawo vanhu nemisuo mikuru norusvingo.
31
Ndakazokwidza machinda emaJudha umu parusvingo ndikasarudza mapoka maviri evanhu vakuru vaiva vari vokuzotenda Mwari vakaita dungwerungwe kuenda. Rimwe boka rakaenda kurudyi kwacho riri pamusoro porusvingo ipapo rakananga kusuo guru rokuMarara
32
richiteverwa mushure naHoshaya pamwechete nechimwe chikamu chamachinda emaJudha umu ava vanoti:
33
Azariya naEzira naMeshuramu
34
naJudha naBhenjamini naShemaya naJeremiya
35
nevamwe vanakomana vevapristi vaine mabhosvo ava vanoti: Zekariya mwanakomana waJonatani Jonatani mwana waShemaya Shemaya ari mwana waMataniya Mataniya ariwo mwana waMikaya Mikaya akaberekwa naZakuri Zakuri aberekwa naAsafu
36
nehama dzake dzomumba dzinoti: Shemaya naAzareri naMirarai naGirarai naMaai naNetaneri naJudha naHanani. Vaine zvokuimbisa zvinoridzwa zviya zvaDhavhidhi munhu waMwari, Ezira nyanzvi yomutemo iya, ndiye aivatungamirira.
37
Kusuo guru reChisipiti, vakati tande kuenda vakananga kumberi kwavo vachikwidza napamadanho rapaGuta raDhavhidhi pamukwidza worusvingo nechepamusoro pemba yaDhavhidhi vachienda kusuo guru rokuMvura kumabvazuva.
38
Rimwewo boka ravaya vokutenda Mwari rakaenda kurubhoshwe. Ndakavatevera nechimwe chikamu chavanhu pamusoro porusvingo ipapo nochokumusoro kweNharire yeZvoto takananga kurusvingo Rwakapamhama
39
napamusoro pesuo guru rokwaEfuremu nepasuo guru reChinyakare nepasuo guru reHove nokuNharire yokwaHananeri nokunharire yeZana nokusuo guru reHwai. Vakazosvikomirira pasuo guru revaGaririri.
40
Nokudaro mapoka maviri aye okutenda Mwari, akamira mumba maMwari, izvozvo ndakanga ndine chimwe chikamu chavakuru vakuru
41
chevapristi vaiva namabhosvo ava vaiti: Eriyakimu naMaaseya naMiniamini naMikaya naErieonai naZekariya naHananiya
42
kwozouyawo Maaseya naShemaya naEreazaru naUzi naJehoHanani naMarikiya naEramu naEzero. Vaimbi vakaimba zvokunzwika zviye vachitungamirirwa naJezirahiya.
43
Vakapira zvibayiro zvikuru musi iwoyo vakafara zvikuru kwazvo nokuti Mwari akanga aita kuti vafare chaizvo zvokufara zviya. Vakadzi navana vakazofarawo. Kufara kweJerusaremu kukanzwika kure kure.
44
Pazuva iroro vamwe varume vakaiswa pabasa rokuona nezvedzimba dzokuchengetera zvinhu izvi zvinoti: mipiro nemichero yokutanga nezvegumi. Ndivo vaiva nebasa rokuunganidzamo migove yainzi nomutemo ive yavapristi nevaRevhi zvichibva muminda yomumaguta pamusana pokuti Judha yaifarira vapristi nevaRevhi vaishandamo.
45
Vakaita basa raMwari wavo nebasawo rokuzvichenura sezvakangoitawo vaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru maererano nomurao waDhavhidhi nomwanakomana wake Soromoni.
46
Nokuti kare mumazuva aDhavhidhi neaAsafu kwaiva nomukuru mukuru wavaimbi, kwaivawo nedzimbo dzokurumbidza nokutenda Mwari.
47
Isiraeri yose mumazuva aZerubhabhero nomumazuva aNehemiya vanhu, vaibvisa mugove wokupa vaimbi navachengetedzi vepamisuo mikuru, vaibvisawo zvevaRevhi, vaRevhiwo vachibvisawo chikamu chaifanirwa kupiwawo kuvanakomana vokwaAroni.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13