bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Nehemiah 13
Nehemiah 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
1
Pazuva iroro vakaverengera vanhu bhuku raMosesi vachizvinzwa. Mubhuku iroro vakawana pakanga pakanyorwa kuti, hakuna munhu wechiAmoni kana wechiMoabhu anobvumirwa kupinda mugungano raMwari,
2
nokuti havana kundochingura vaIsiraeri nechingwa nemvura asi kutoti vakatovakokera Bhiriamu kuti avarengerere achivashurikidzira rushambwa. Zvakadaro zvazvo Mwari wedu akapindura kurengerera nokuvarengerera rushambwa ikoko achikuita kuti kuve chikomborero.
3
Vanhu pavakanzwa mutemo iwoyo vakabvisa muIsiraeri vanhu vose vechirudzi.
4
Zvisati zvaiitika izvozvi, mupristi Eriyashibhu ndiye akasarudzirwa basa rokuchengetedza dzimba dzomumba yaMwari. Ainzwanana naTobhiya.
5
Akagadzirira Tobhiya imba huru maaiisa mbesenwa dzomupiro norusenzi nemidziyo nechegumi chembesanwa nechewaini nechamafuta eorivhi zvakanga zvakatemwa nomutemo kuti zvipiwe vaRevhi navaimbi navachengeti vapamisuo mikuru nemipirowo yaipiwa kuvapristi.
6
Paiitika zvose izvozvi, ini ndakanga ndisiri muJerusaremu, nokuti mugore ramakumi matatu nechipiri rokutonga kwaAtakizesesi, mambo weBhabhironi ndakaenda kwamambo iyeyo. Kwati perei mazuva akati kuti ndakakumbira mambo kuti ndichimbosuduruka zvangu,
7
ndokubva ndadzokera kuJerusaremu. Ndopandakachizoziva uipi hwakanga hwaitwa naEriyashibhu hokugadzirira Tobhiya imba munhandare dzemba yaMwari.
8
Zvakandishatirisa kwazvo, ndikakanda kunze kwemba iyoyo midziyo yose yaTobhiya yomumba.
9
Ndakaudza vanhu kuzochenura dzimba idzodzo ndokuzodzoreramo kwandakaita midziyo yemba yamwari pamwechete nomupiro wembesanwa newerusenzi.
10
Chimwewo chandakaona ndechokuti, vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo zvokuti vaRevhi navaimbi vanoita basa vakanga vatotizira kuminda yavo.
11
Nokudaro ndakapopotera vakuru vakuru ndichivabvunza kuti, “Ko imba yaMwari yavakushairwa hanya kudai seiko?” Ndokubva ndaunganidza vaRevhi ndikavaisa panzvimbo dzavo.
12
Vose vokwaJudha vakaunza zvegumi zvavo zvembesanwa nezvewaini nezvemafuta erorivhi maichengeterwa zvinhu.
13
Ndakasarudza vanhu vandakapa basa rousahomwe ava vanoti: mupristi Sheremiya naZadhoki nyanzvi yomutemo naPedhaya muRevhi. Mutevedzeri wavo aiva Hanani mwanakomana waZakuri mwanakomana wokwaMataniya nokuti vaizivikanwa kuti vanhu vakatendeka. Basa ravo raiva rokugovera zvinhu kuhama dzavo.
14
Mwari wangu ndiyeukeiwo pane zvizvi murege kupfudza zvandakaita zvakanaka zvandakaitira imba yaMwari wangu nebasa rake.
15
Pamazuva iwayo ndakaona vamwe varume vokwaJudha vachisvina zvavo waini muchisviniro nomusi weSabata vachitounza zvavo mirwi yembesanwa vachidzitakudza pamadhongi avo, vaitakurawo waini namagirepisi namakuyu nemimwewo mitoro yakasiyana — siyana yavaiuya nayo muJerusaremu musi weSabata. Ndakavatsiura nezvezuva ravaitengesa zvokudya.
16
Vamwe vanhu vokuTire vaigara muguta umu vaiuyawo nehove nezvimwewo zvinhu vachizvitengesa nemusi weSabata kuvanhu vokwaJudha muJerusaremu.
17
Ndakapopotera vokumbahuru vokwaJudha ndikavati, “Zviiko zvamuri kuita, zvakaipa zvakadai zvinon'oresa Sabata?
18
Handizvo here zvakaitwa namadzibaba enyu izvozvi? Mwari wedu haana kuunza here zvose zvakaipa izvi patiri nokuguta rino, asi imi ndopamava kutopinza Isiraeri mumhosva huru nokun'oresa Sabata.”
19
Kwakati kwava kuda kusvipa, pamisuo mikuru yeJerusaremu, Sabata ravakusvika ndakatiwo misuo inofanira kuzarirwa; ndikati haifaniri kuzarurwa kusvikira Sabata rapera. Ndakapa vamwe vashandi vangu basa rokuchengetedza pamisuo mikuru kuitira kuti pasave nezvinhu zvinotakurwa zvichipindwa nazvo pamusi weSabata.
20
Vemhindu dzokutengesa zvinhu navatengi vakatomborara kunze kweJerusaremu kamwechete kana kaviri kose.
21
Ndakavayambira ndichiti, “Chamunorarira muberere memasvingo chii? Mukapamhidzazve ndinokutumirai vokukubatai.” Kubvira ipapo havana kuzouyazve nomusi weSabata.
22
Ndakaudza vaRevhi kuti vanofanira kuzvichenura vogouya vochengetedza pamisuo mikuru kuitira kuti Sabata riereswe. Mwari wangu mundiyeukewo pamusana penyaya iyi mundiitirewo mwoyochena wenyu.
23
Ndakaonawo pamazuva iwayo, vaJudha vakanga varoora vakadzi vokuAshidhodhi, nokwaAmoni nokuMoabhu.
24
Chimwe chikamu chavana vavo chaitaura mutauro wokuAshidhodhi kana mumwewo mutauro wamamwe marudzi, asivasingakwanisi kutaura chiJudha.
25
Ndakavatsiura ndikavarengerera rushambwa ndikarova vamwe varume pakati pavo, ndikavadzura vhudzi. Ndakaita kuti vapike mhiko muzita raMwari yokuti, “Hamufaniri kuroodza vanasikana venyu kuvanakomana vavo kana kuzviroorera imi pachenyu
26
Soromoni haana kutadza here pamusana pevakadzi vakadai? Kunyange pakati pamarudzi akawanda kwakanga kusina mambo akaita saiye uye aidiwa kwazvo naMwari wake. Mwari akamuita mambo weIsiraeri yose, asi vakadzi vechirudzi vakamuita kuti kunyange iyeyu atadze.
27
Tinzwe here zvakare kuti, imiwo mavakuita zvinhu zvakaipa zvikadai! Hamuchatendeki kuna Mwari wedu nokuroora kwamava kuita vakadzi vechirudzika imi?”
28
Mumwe wavana vaJoyadha mwanakomana waEriyashibhu mupristi mukuru akanga achitova zvake mukuwasha waSanibharati muHoroni. Naizvozvo ndakamudzinga pandiri.
29
Varangarirei, Mwari wangu pamusana pokuti vakan'oresa upristi nechitenderano choupristi nechavaRevhi.
30
Naizvozvo ndakavachenesa kuzvinhu zvose zvisiri zvechiJudha ndikatema mabasa avapristi navaRevhi kuti mumwe nomumwe ave nebasa rake.
31
Ndakaronga zvokuuiswa kwehuni dzomupiro panguva dzakatarwa uye nezvemichero yokutanga. Ndiyeukeiwo Mwari wangu mundizivewo.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13