bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Nehemiah 7
Nehemiah 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
1
Kuzoti zvino rusvingo rwavakwa kudaro, ndaisawo magonhi acho navachengetedzi vapamisuo mikuru, navaimbi navaRevhi vasarudzwa,
2
ndakapa munun'una wangu Hanani naHananiya mutongi wakamuzinda kavarwi vehondo basa rokuona nezveJerusaremu pamusana pokuti aiva munhu ari pachokwadi uye anotya Mwari kupinda vazhinji.
3
Ndakavati, “Misuo mikuru yeJerusaremu ngairege kuzarurwa kusvikira kwadziya. Pavanengewo vachiri kuchengetedza kudaro ngavapfige vaise mazariro kumagonhi acho. Sarudzai vokuchengetedza muvagari vomuJerusaremu mumwe nomumwe pake pokugaririra mumwe nomumwe ari pakatarisana nemba yake.”
4
Guta rakanga rakafara riri guru, asi vanhu vakanga varimo vaiva vashoma kusina dzimba dzakanga dzati dzavakwa.
5
Mwari wangu akaisa pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndiunganidze vokumba huru namakurukota navanhu kuti vanyorwe mazita chizvarwa nezvizvarwa. Ndakawana bhuku rina mazita ezvizvarwa zvavanhu zvavakatanga kuuya vaye, ndikawana makanyorwa kunzi:
6
Havanoi vanhu venyika ino vakakwira kuuya vachibva kuutapwa panhapwa dziya dzakanga dzambotapwa dzikatamisirwa kusi kwadzo naNebhukadhinezari mambo weBahabhironi, vakadzokera muJerusaremu nokwaJudha, munhu wose kuguta rokwake.
7
Vakauya naZerubhabhero naJeshua naNehemiya naAzariya naRaamiya naNahamani naModhekai naBhirishani naMisipereti naBhigivhai naNehumu naBhaana. Uhu ndihwo huwandi hwavarume vokwaIsiraeri:
8
Vanakomana vokwaParoshi zviuru zviviri zvavanhu zvina makumi manomwe ana vaviri
9
vokwaShefatiya mazana matatu ane makumi manomwe ane vaviri
10
vokwaAra mazana matanhatu ane makumi mashanu ana vaviri
11
Vanakomana vokwaPahatimoabhu vari vokwaJeshua naMoabhu zviuru zviviri zvina mazana masere ane gumi navasere
12
vokwaEramu chiuru china mazana maviri ana makumi mashanu ana vana
13
vokwaZatu mazana masere ana makumi mana navashanu
14
vokwaZakai mazana manomwe ana makumi matanhatu
15
vanakomana vokwaBhinui mazana matanhatu ana makumi mana navasere
16
vokwaBhebhai mazana matanhatu ana makumi maviri navasere
17
vokwaAzigadhi zviuru zviviri zvina mazana matatu ane makumi maviri ana vaviri
18
vanakomana vokwaAdhomikamu mazana matanhatu ana makumi matanhatu navanomwe
19
vokwaBhigivhai zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe
20
vokwaAdhini mazana matanhatu ana makumi mashanu ane vashanu
21
vanakomana vokwaAteri vari vokwaHezekiya makumi mapfumbamwe navasere
22
vokwaHashumu mazana matatu ana makumi maviri ana vasere
23
vokwaBhezai mazana matatu ana makumi maviri ana vana
24
vokwaHarifi zana negumi navaviri
25
vanakomana vokwaGibheoni makumi mapfumbamwe ana vashanu
26
vokuBheterehemu nevokuNetofa zana namakumi masere ana vasere
27
vokuAnatoti zana namakumi maviri ana vasere
28
vokuBhetiazimavheti makumi mana ana vaviri
29
vokuKiraitijearimu nokuKepfira nokuBheeroti mazana manomwe ane makumi mana navatatu
30
vokuRama nokuGebha mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete
31
vokuMikimashi zana namakumi maviri ana vaviri
32
vokuBhetieri neAi zana namakumi maviri ana vatatu
33
vokune imwe Nebho makumi mashanu navaviri
34
vokune imwe Eramu chiuru china mazana maviri ane makumi mashanu navana
35
vokuHarimu mazana matatu ana makumi maviri
36
vokuJeriko mazana matatu ane makumi mana navashanu
37
vokuRodhi nokuHadhidhi nokuOno mazana manomwe ana makumi maviri nomumwechete
38
vokuSenaa zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe ana makumi matatu.
39
Vapristi: vana vokwaJedhaya vakomana vari vemba yokwaJeshua vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu
40
vokwaImero chiuru namakumi mashanu ana vaviri
41
vokwaPashihuru chiuru namazana maviri ana makumi mana navanomwe
42
vokwaHarimu chiuru negumi navanomwe.
43
VaRevhi: vana vokwaJeshua vakomana vemba yokwaKadhimieri vari vokwaHodhevha vaiva makumi manomwe ana vana.
44
Vaimbi: vana vokwaAsafu: zana namakumi mana ana vasere.
45
Vachengetedzi vapamisuo mikuru: vana vokwaSharumu vakomana naAteri naTarimoni naAkubhu naHatita naShobhai vaiva zana rimwechete rine makumi matatu nevasere.
46
Vashandi vapaTemberi vaiva vanakomana vaava vanoti: Ziha naHasufa naTabhaoti
47
naKerosi naSiya naPadhoni
48
naRebhana naHagabha naSharumai
49
naHanani naGidheri naGaheru
50
naReaya naResini naNekodha
51
naGazamu naUza naPesea
52
naBhesai naMeunimu naNefusimu
53
naBhakibhuku naHakufa naHarihuru
54
naBhaziruti naMehidha naHarisha
55
naBharikosi naSisera naTema
56
naNezi naHatifa.
57
Vanakomana vavaranda vokwaSoromoni paiva nevokwaSotai naSofereti naPeridha
58
novokwaJaara naDharikoni naGidheri
59
novokwaShefatiya naHatiri naPokeretihazibhaimu naAmoni.
60
Ivava vashandi vapaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ane makumi mapfumbamwe navaviri.
61
Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhoni nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzemadzibaba avo uye kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete.
62
Vakanga vari vanakomana vaava vanoti: Deraya naTobhiya naNekodha. Ivava ava vaiva vari mazana matanhatu ane makumi mana navaviri.
63
Pakati pavapristi paivawo navanakomana vaava vanoti: Hobaya naHakozi naBhazirai (Bhazirai uyu ndiye uya wokuroora mwana waBhazirai wokuGireadhi akazenge ava kudaidzwa nezita rake).
64
Ivava ava vakatsvaka mazita avo pamazita akanga akanyorwa chizvarwa nechizvarwa, asi haana kuwanikwapo. Ipapo paupristi apa, vakanzi vakan'ora.
65
Sadunhu akavati varege kudya zvokudya zvinoeresesa kusvikira patova nomupristi wokunzwa kuti Mwari anoti kudii achishandisa Urimu neTumimu.
66
Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri zvine mazana matatu ana makumi matanhatu avanhu.
67
Tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaina vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri ana makumi mana navashanu.
68
Vaiva namabhiza avo mazana manomwe ana makumi matatu ana matanhatu, nemanyurusi avo mazana maviri ana makumi mana namashanu.
69
Kwozouya ngamera dzavo mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri.
70
Zvino vamwe vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo vakapa zvipo zvokubatsira pabasa iri. Gavhuna akabvisawo ndarama inorema makirogiramu angangoita masere nembenge makumi mashanu namagemenzi mazana mashanu ane makumi matatu avapristi zvikaendeswa maichengeterwa upfumi.
71
Izvozvo vamwe vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakabvisa ndarama yainge yoda kuita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu namasere, nesirivha yainge tani rimwechete rina makirogiramu mazana maviri namakumi mashanu, namagemenzi makumi matanhatu ana manomwe avapristi, vakaendesa maichengeterwa upfumi hwainge hwakanangana nebasa iroro.
72
Zvakabviswawo nevamwe vanhu vose ndezvizvi izvi zvinoti: ndarama ingangoita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu ana masere, nesirivha yainge makirogiramu zana nemakumi mana, namagemenzi makumi matanhatu namanomwe avapristi.
73
Naizvozvo vapristi navaRevhi navachengetedzi vapamisuo mikuru navaimbi navamwewo vanhu navashandi vapaTemberi neIsiraeri yose vakagara mumaguta okwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe, vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta avo.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13