bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Nehemiah 4
Nehemiah 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
1
Zvino pakanzwa Sanibharati kuti tavakuvaka rusvingo akashatirwa akapaka nehasha akashora vaJudha.
2
Akataura pameso pehama dzake nehondo yeSamaria achiti, “Ko tundonda twechiJudha twavakuiteiko izvozvi? Tungagadziredzewo chinhu here? Kutozopirawo nhai chaizvo chibayiro chaicho? Vanozvipedza nezuva rimwechete izvozvi? Vangagadziridze nhai mabwe akangoti pamwechete nemarara mirwi chu namamwe akatsva aya?”
3
Tobhiya muAmoni waakanga anaye akati, “Zvavari kuvaka zvachoka kana gava zvaro rikakwirapo rinotokoromotsera pasi masvingo iwayo.”
4
“Nhai Mwari wedu, chinzwaiwoka munzwe. “Kushorwa kwatiri kuitwa. Itai kuti rushambwa rwacho rwavareva ruvapfukire ivo vakare muite kuti vapambwe kunyika yavanenge vari muutapwa.
5
Regai kuti mhosva dzavo dzifusirwe kana kumbodzima zvako pameso penyu chitadzo chavo nokuti zvavaita izvi kutodenha hasha dzenyu ikoku pana vavaki.”
6
Takazovaka isu rusvingo. Rusvingo rwacho rwose rwakazobatanidzwa pamwechete, kureba kwarwo kukwira mudenga rwakanga rwatosvitswa pahafu chaipo nokuti zvebasa izvi vanhu vakanga vanyatsozvida.
7
Kuzoti Sanibharati naTobhiya navaArabhu navaAmoni navokuAshidhodhi vanzwa kuti basa rokugadziridza masvingo eJerusaremu riri kufambira mberi uye kuti makanga mapazika muri kutodzivirwa-dzivirwa, vakaviruka kwazvo nehasha.
8
Vose pamwechete vakaita bangano rokundorwisa Jerusaremu nokumutsa manyongori imomo.
9
Takanamata kuna Mwari wedu tikaisa vagariri siku nesikati vokudzivirira.
10
Asi Judha yakati: “Vabasa vokutakura, simba rava kuita shoma, ukuwo mavhu okukoromoka aye kuungana hewo matutu matutu, kuti tivake rusvingo, tava kutozvitadzirira isu.”
11
Vavengi vedu vaiti, “Ngativasvikirei pasina chavari kuziva vasingatione tingoerekana tava pakati pavo chaipo tigovauraya basa rimire.”
12
Kuzoti kwauya vaJudha vainge vari vavakidzani navo vakatiudza kagumi kagumi vachiti, “Chero kupi nokupi zvako kwamunotendeukira vanotimukira.”
13
Ipapo ndakaisa vanhu vokugaririra kuseri kwerusvingo panzvimbo dzorusvingo dzakanga dzakanyanyisa kuderera vaina mapakatwa avo namapfumo avo nouta hwavo.
14
Ndakati nde-e kutarisa ndikasimuka ndokutaurira vokumba huru namakurukota navamwewo vanhu vose kuti, “Regai zvenyu kumbovatya. Rangarirai kuti Tenzi, iyeyu mukuru, anotyisa murwire hama dzenyu navana venyu vakomana navasikana navakadzi venyu nemisha yenyu.”
15
Vavengi vedu pavakanzwa kuti bangano racho takange tariziva uye kuti Mwari akanga arikangaidza, takadzokera tose kurusvingo munhu wose pabasa rake.
16
Kubvira musi iwoyo chimwe chikamu chavashandi vokwangu vechirume ndovakange vava vokuita basa rokuvaka chimwewo chikamu chavo vava vokunge vakabipitira mapfumo nenhoo nouta namademautare zvokuzvidzivirira nazvo muhondo. Vatungamiriri vakatsigira vose vemba yokwaJudha vainge vachivaka parusvingo.
17
Vaye vebasa rokutakura zvinhu vainge vakati uku ruoko rumwe ruri pabasa rokuvaka uku rumwe rwakabata chombo chokurwa.
18
Muvaki wose ainge aine bakatwa rake mumuhara muchiuno. Achivaka wokuridza hwamanda aingewo ari parutivi pangu.
19
Ndakataurira vokuimbahuru namakurukota navamwewo vanhu vose kuti, “Basa iguru iri uye takatarangana kwazvo tiri kure nakure parusvingo pacho apa takati uyu uko uyu uko.
20
Kwamunenge manzwa kuti ndokuri kurira hwamanda imi unganai ikoko kwatinenge tiri. Mwari wedu achatirwira.”
21
Saizvozvo takaita basa chimwe chikamu chavo chaiswera chakabipitira mapfumo kubvira mambakwedza kudzamara nyenyedzi dzabuda.
22
Panguva iyoyo ndakataurirawo vanhu kuti, “Munhu ngaarare mukati meJerusaremu nomushandiwo wake kuitira kuti usiku huve hwokuchengetedza, masikati ave okushanda.”
23
Sokudaro ini nehama dzangu navashandi vangu navarume vokundichengetedza vaya vainditevera hapana akabvisa hanzu dzake munhu wese aigara akabatira muruoko zvombo zvokurwa nazvo.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13