bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Chronicles 14
1 Chronicles 14
Shona 2009?
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 15 →
1
Zvino Hirami mambo weTiro akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda emisidhari, navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba.
2
Dhavhidhi akaona kuti Jehovha akamusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri, nokuti ushe hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Isiraeri.
3
Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi paJerusaremu, Dhavhidhi akabereka vamwe vanakomana navanasikana.
4
Zvino ndiwo mazita avana vaakanga anavo paJerusaremu: Shamua, naShobhabhi, naNatani, naSoromoni;
5
naIbhari, naErishua, naEripereti;
6
naNoga, naNefegi, naJafia;
7
naErishama, naBheriyadha, naErifereti.
8
Zvino vaFirisitia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri vose, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akabuda kuzorwa navo.
9
Zvino vaFirisitia vakanga vasvika, vakapararira pamupata weRefaimu.
10
Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, "Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here?" Jehovha akati kuna Dhavhidhi, " Kwira, nokuti ndichavaisa mumaoko ako."
11
Vakasvika paBhaariperazimi, Dhavhidhi akavaparadzapo; Dhavhidhi akati, "Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu, sokupwanya kwemvura." Naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Bhaariperazimi.
12
VaFirisitia vakasiya vamwari vavopo, Dhavhidhi akaraira, vakavapisa nomoto.
13
VaFirisitia vakapararirazve pamupata uyo.
14
Ipapo Dhavhidhi akabvunza Mwari zve; Mwari akati kwaari, "Usandovatevera; tsauka ubve kwavari, ugovavamba pakatarisana nemiti yemibharisami.
15
Zvino kana uchinzwa kutinhira kokufamba pamisoro yemiti yemibharisami, ipapo unofanira kundorwa; nokuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia."
16
Dhavhidhi akaita sezvakarairwa naMwari; vakaparadza hondo yavaFirisitia kubva paGibhiyoni kusvikira paGezeri.
17
Mbiri yaDhavhidhi ikabudira kunyika dzose; Jehovha akavhundusa marudzi ose pamusoro pake.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29