bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Chronicles 22
1 Chronicles 22
Shona 2009?
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 23 →
1
Dhavhidhi akati, "Iyi ndiyo imba yaJehovha Mwari, neyiyi ndiyo aritari yokupisira zvipiriso zvaIsiraeri."
2
Zvino Dhavhidhi akaraira kuti vatorwa vakanga vari panyika yaIsiraeri vaunganidzwe; akagadza vavezi vamabwe, kuti vaveze mabwe okuvaka nawo imba yaMwari.
3
Dhavhidhi akagadzirawo matare mazhinji okupfura nawo mbambo dzamagonhi amasuo nezvikorekedzo; uye ndarira zhinji isina kuidzwa kurema kwayo.
4
Namatanda emisidhari asina kuverengwa; nokuti vaZidhoni naveTire vakauya nemisidhari yakawanda kuna Dhavhidhi.
5
Dhavhidhi akati, "Soromoni mwanakomana wangu achiri muduku asine simba, uye imba, inofanira kuvakirwa Jehovha, inofanira kuva huru kwazvo, ingarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndichaigadzirira." Naizvozvo Dhavhidhi akagadzira zvizhinji asati afa.
6
Ipapo akadana Soromoni mwanakomana wake, akamuraira kuti avakire Jehovha Mwari walsiraeri imba.
7
Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, "Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumoyo mangu ndichavakira zita raJehovha Mwari wangu imba.
8
Asi shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, `Iwe wakateura ropa rakawanda, uye wakarwa zvizhinji; iwe haungavakiri zita rangu imba, nokuti wakateura ropa rakawanda panyika pamberi pangu;
9
asi tarira, uchaberekerwa mwanakomana, achava munhu wezororo; ndichamuzorodza pavavengi vake vose vanomupoteredza; nokuti zita rake richanzi Soromoni, ndichapa Isiraeri rugare nokunyarara namazuva ake;
10
iye achavakira zita rangu imba; iye achava mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake; ini ndichasimbisa chigaro chake choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi.'
11
"Zvino, mwana wangu, Jehovha ngaave newe; ufambiswe zvakanaka iwe, uvake imba yaJehovha Mwari wako, sezvaakataura pamusoro pako.
12
Asi Jehovha ngaakupe kungwara nokuchenjera, akuraire pamusoro paIsiraeri; kuti saizvozvo uchengete murayiro waJehovha Mwari wako.
13
Nokudaro uchafambiswa zvakanaka, kana uchichenjera kuita mitemo nezvakatongwa, zvakarairwa Mozisi naJehovha pamusoro paIsiraeri; simba, utsunge moyo; usatya kana kuvhunduswa.
14
Zvino tarira, ndakatambura ndichigadzirira imba yaJehovha matarenda ane zviuru zvine zana zvendarama, namatarenda ane chiuru chezviuru esirivha; nendarira namatare zvisina kuidzwa, nokuti zvakawanda kwazvo; ndakagadzirawo matanda namabwe; newe ungawedzera hako pazviri.
15
Uye vabati unavo vazhinji, vaputsi navavezi vamabwe namatanda, navarume vose vakangwara pamabasa ose;
16
nendarama, nesirivha, nendarira, namatare hazvingaverengwi; simuka, ubate Jehovha ave newe,"
17
Dhavhidhi akarairawo machinda ose aIsiraeri kuti vabatsire Soromoni mwanakomana wake, akati,
18
"Ko Jehovha Mwari wenyu haazi nemwi here? Haana kukuzorodzai kumativi ose here? Nokuti akaisa vanhu vagere panyika iyi muruoko rwangu; zvino nyika yakundwa pamberi paJehovha napamberi pavanhu vake.
19
Zvino shingairai nemoyo yenyu uye nemweya yenyu kutsvaka Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo simukai muvake imba tsvene yaJehovha Mwari, kuti mugoisa areka yesungano yaJehovha nenhumbi tsvene dzaMwari muimba inofanira kuvakirwa zita raJehovha."
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29