bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Chronicles 4
1 Chronicles 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 5 →
1
Vanakomana vaJudha: Perezi, naHezironi, naKarimi, naHuri, naShobhari.
2
Reaya mwanakomana waShobhari akabereka Jahati, Jahati akabereka Ahumai naRahadhi. Ndiwo marudzi avaZorati.
3
Uye ava ndivo vaiva vanakomana vababa vaEtami: Jezireeri, naIshima, naIdhibhashi; uye zita rehanzvadzi yavo rakanga riri Hazereponi;
4
naPenueri baba vaGedhori, naEzeri baba vaHusha. Ndivo vana vaHuri, wedangwe waEfurata, baba vaBheterehemu.
5
Zvino Ashuri baba vaTekoa akanga ana vakadzi vaviri, Hera naNaara.
6
Naara akamuberekera Ahuzami, naHeferi, naTemeni, naHaahashitari. Ndivo vaiva vanakomana vaNaara.
7
Vanakomana vaHera vaiva Zereti, naIzhari, naEtinani.
8
Hakozi akabereka Anubhi, naZobhebha, nehama dzaAhareri mwanakomana waHarumi.
9
Jabhezi akakudzwa kukunda vanun'una vake, mai vake vakamutumidza zita rinonzi Jabhezi, vachiti, "Nokuti ndakamubereka ndichitambudzika.
10
Jabhezi akadana kuna Mwari waIsiraeri, akati, "Haiwa, dai muchindiropafadza henyu, nokukurisa nyika yangu, nokundifambisa noruoko rwenyu, nokundichengeta kune zvakaipa, kuti zvirege kundiwira!" Mwari akamupa zvaakakumbira.
11
Kerubhi munun'una waShuha akabereka Mehiri, iye akanga ari baba vaEshitoni.
12
Eshitoni akabereka Bhetirafa, naPasea, naTehina baba vaIrinahashi. Ndivo vana vaReka.
13
Vanakomana vaKenazi: Otineri, naSeraya; vanakomana vaOtineri: Hatati.
14
Meonotai akabereka Ofira; Seraya akabereka Joabhu baba vaGeharashimi; nokuti dzaiva mhizha.
15
Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune: Iru, naEra, naNaami; vanakomana vaEra: Kenazi.
16
Vanakomana vaJehareri: Zifi, naZifa, naTiria, naAsareri.
17
Vanakomana vaEzira: Jeteri, naMeredhi, naEferi, naJaroni. Bhitia, mukunda waFarao, akabereka Miriami, naShamai, naIshabha baba vaEshitemoa.
18
Mukadzi wake muJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, naHebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanowa. Ndivo vanakomana vaBhitia mukunda waFarao, akanga akawanikwa naMeredhi.
19
Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vakanga vari baba vaKeira muGarimi, naEshitemba muMaakati.
20
Vanakomana vaShimoni: Amunoni, naRina, naBhenihanani, naTironi. Vanakomana vaIshi; Zoheti, naBhenizoheti.
21
Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha: Eri baba vaReka, naRaadha baba vaMaresha, nehama yedzimba dzaivo vairuka mucheka wakaisvonaka, veimba yaAshibhiya;
22
naJokimi, navarume veKozebha, naJoashi, naSarafi, vaibata ushe hwaMoabhi, naJashubhirehemi. Mashoko awa ndeekare.
23
Ndivo vaiva vaumbi vehari, uye vaigara paNetaimi neGedhera; ndipo pavaigara namambo kuzobata basa rake.
24
Vanakomana vaSimiyoni: Nemueri, naJamini, naJaribhi, naZera, naShauri;
25
mwanakomana wake Sharumi, mwanakomana wake Mibhisami, mwanakomana wake Mishima.
26
Vanakomana vaMishima: Mwanakomana wake Haumueri, mwanakomana wake Zakuri, mwanakomana wake Shimei.
27
Zvino Shimei akanga ana vanakomana vatanhatu; asi vanun'una vake vakanga vasina vana vazhinji, uye rudzi rwavo rwose haruna kuwanda, savana vaJudha.
28
Ivo vakagara paBheerishebha, neMoradha, naHazarishuari;
29
napaBhiriha, napaEzemi, napaToradhi;
30
napaBhetueri, napaHorima, napaZikiragi;
31
napaBhetimarikabhoti, napaHazarisusimi napaBhetibhiri, napaShaaraimi. Ndiwo aiva maguta avo kusvikira Dhavhidhi achibata ushe.
32
Misha yavo yakanga iri Etami, neAini, neRimoni, neTokeni, neAshani, maguta mashanu;
33
nemisha yavo yose, yakanga yakakomba maguta iwayo, kusvikira paBhaari. Ndipo pavaigara, uye mazita amarudzi avo aripo.
34
NaMeshobhabhi, naJamireki, naJosha mwanakomana waAmazia;
35
naJoseri, naJehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri;
36
naErioenai, naJaakobha, naJeshohaya, naAsaya, naAdhieri, naJeshimieri, naBhenaya;
37
naZiza mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni, mwanakomana waJedheiya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya;
38
ava vakarehwa mazita avo, vaiva machinda pamarudzi avo; dzimba dzamadzibaba avo dzikawanda kwazvo.
39
Vakaenda pavanopinda paGedhori, kusvikira parutivi rwamabvazuva rwomupata, kutsvakira makwai avo mafuro.
40
Vakawana mafuro akanaka kwazvo, uye nyika yakanga iri mhami, ino rugare nokunyarara; nokuti vaigarapo kare vaiva vana vaHamu.
41
Ava, vakanyorwa mazita avo, vakasvika pamazuva aHezekia mambo waJudha, vakaputsa matende avo uye vaMeunimi vakavawanapo, vakavaparadza chose, kusvikira nhasi, vakagara panyika yavo; nokuti kwakanga kuna mafuropo amakwai avo.
42
Vamwe vavo, ivo vanakomana vaSimiyoni, vaiva varume vana mazana mashanu, vakaenda kugomo reSeiri, vakatungamirirwa naPeratia, naNearia, naRefaia, naUzieri, vanakomana valshi.
43
Vakakunda vakanga vasara vavaAmareki, vakapukunyuka, vakagarapo kusvikira zuva ranhasi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29