bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Chronicles 23
1 Chronicles 23
Shona 2009?
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 24 →
1
Zvino Dhavhidhi akanga akwegura, ava namazuva mazhinji; akaita Soromoni mwanakomana wake mambo walsiraeri.
2
Akaunganidza machinda ose aIsiraeri pamwechete navaprista navaRevhi.
3
VaRevhi vakaverengwa vanamakore makumi matatu navakapfuura ipapo; pakuwanda kwavo, vachiverengwa musoro womurume mumwe nomumwe, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvisere.
4
Pakati pavo vane zviuru zvina makumi maviri nezvina vaitarira mabasa eimba yaJehovha; vane zviuru zvitanhatu vaiva vatariri navatongi;
5
vane zviuru zvina vaiva vatariri vemikova; vane zviuru zvina vairumbidza Jehovha nezvokuridza zvandakaita (ndizvo zvakareva Dhavhidhi) kuti arumbidzwe nazvo.
6
Dhavhidhi akavakamura, akaita mapoka akaenzana navanakomana vaRevhi, Gerishoni, naKohati, naMerari.
7
VokwaGerishoni: Radhani naShimei.
8
Vanakomana vaRadhani: Jehieri mukuru, naZerami, naJoeri, vose vatatu.
9
Vanakomana vaShimei: Sheromoti, naHazieri, naHarani, vose vatatu. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba aRadhani.
10
Vanakomana vaShimei: Jahati, naZina, naJeushi, naBheriya. Ava vana vakanga vari vanakomana vaShimei.
11
Jahati akanga ari mukuru, wechipiri Ziza; asi Jeushi naBheriya vakanga vasina vanakomana vazhinji saka vakaverengwa vachiita imba imwe yamadzibaba.
12
Vanakomana vaKohati: Amirami, naIshari, naHebhuroni, naUzieri, vose vana.
13
Vanakomana vaAmirami: Aroni, naMozisi; Aroni ndiye akatsaurwa, kuti anatse zvinhu zvitsene-tsvene, iye navanakomana vake, nokusingaperi; kuti vapise zvinonhuhwira pamberi paJehovha,nokumushumira, nokuropafadza vanhu nezita rake nokusingaperi.
14
Asi kana ari Mozisi munhu waMwari, vanakomana vake vakaverengwa kurudzi rwaRevhi.
15
Vanakomana vaMozisi: Gerishomi naEriezeri.
16
Vanakomana vaGerishomi: Shebhueri mukuru.
17
Vanakomana vaEriezeri: Rehabhia mukuru. Eriezeri akanga asina vamwe vanakomana; asi vanakomana vaRehabhia vakanga vari vazhinji-zhinji.
18
Vanakomana valshari: Sheromiti mukuru.
19
Vanakomana vaHebhuroni: Jeria mukuru, Amaria wechipiri, Jahazieri wechitatu, Jekameami wechina.
20
Vanakomana vaUzieri: Mika mukuru, naIshia wechipiri.
21
Vanakomana vaMerari: Mari naMushi. Vanakomana vaMari: Eriazari naKishi.
22
Eriazari akafa asina vanakomana, asi vanasikana voga; hama dzavo, vanakomana vaKishi, dzikavawana.
23
Vanakomana vaMushi: Mari, naEdheri, naJeremoti, vose vatatu.
24
Ndivo vaiva vanakomana vaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba vakaverengwa pakati pavo, vachiverengwa namazita avo musoro womumwe nomumwe, vaibata basa paimba yaJehovha, vanamakore makumi maviri navakapfuura ipapo.
25
Nokuti Dhavhidhi wakati, "Jehovha Mwari waIsiraeri wakazorodza vanhu vake; iye anogara Jerusaremu nokusingaperi,
26
uye vaRevhi havachazofaniri kutakura tabhenekari nenhumbi dzayo dzokubata mabasa ayo."
27
Nokuti namashoko aDhavhidhi okupedzisira vanakomana vaRevhi vakaverengwa, vanamakore makumi maviri navakapfuura ipapo.
28
Nokuti basa ravo rakanga riri rokubatsira vanakomana vaAroni pakushumira paimba yaJehovha, pavazhe, napamakamuri, napakusuka zvinhu zvitsvene, riri basa rokushumira paimba yaMwari;
29
nokugadzira zvingwa zvokuratidza, noupfu hwakatsetseka bwechipiriso choupfu, kana chezvingwa zvitete zvisina mbiriso, kana zvakabikwa mugango, kana zvakakanyiwa namafuta, marudzi ose ezviyero nezvitanda zvokuera
30
nazvo, nokumira mangwanani ose vachivonga nokurumbidza Jehovha, uye madekwanawo saizvozvo;
31
nokubayira Jehovha zvipiriso zvose zvinopiswa, pamaSabata, napakugara kwemwedzi, napamitambo yakatarwa panguva dzose dzakarairwa, mazuva ose pamberi paJehovha.
32
Uye kuti vachengete tende rokusangana, nokuchengeta nzvimbo tsvene, nokuchengeta vanakomana vaAroni, hama dzavo, pabasa reimba yaJehovha.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29