bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Chronicles 17
1 Chronicles 17
Shona 2009?
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 18 →
1
Zvino Dhavhidhi akati agere mumba make, Dhavhidhi akati kumuporofita Natani, "Tarira, ini ndigere muimba yomusidhari, asi areka yesungano yaJehovha igere pasi petende."
2
Natani akati kuna Dhavhidhi, "Itai henyu zvose zviri mumoyo menyu, nokuti Mwari anemi."
3
Zvino nousiku uhwo shoko raMwari rakasvika kuna Natani, richiti,
4
"Enda unoudza Dhavhidhi muranda wangu, uti, `Iwe haungandivakiri imba mandingagara,
5
nokuti handina kugara mumba kubva pazuva randakandotora vaIsiraeri, kusvikira zuva ranhasi; asi ndakabva patende rimwe ndichienda kune rimwe, napatabhenakeri imwe ndichienda kune imwe.
6
Pose pandakafamba navaIsiraeri vose, ndakatongotaura here shoko rimwe kune mumwe wavatongi vaIsiraeri vose, vandakaraira kufudza vanhu vangu,' ndichiti `Makaregereiko kundivakira imba yomusidhari?' "
7
Naizvozvo zvino, unofanira kuti kumuranda wangu Dhavhidhi, "Zvanzi naJehovha wehondo, `Ndakakutora kumafuro, kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mubati wavanhu vangu vaIsiraeri;
8
ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita ringafanana namazita avakuru vari panyika.
9
Ndichagadzirira vanhu vangu valsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavaparadzizve sapakutanga,
10
nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu valsiraeri; uye ndichakunda vavengi vako vose. Uye ndinokuudza kuti Jehovha achakumisira imba.'
11
"Zvino kana nguva yako yasvika, yaunofanira kuenda nayo kunamadzibaba ako, ndichamutsa mumwe worudzi rwako ruchakutevera, uchava mumwe wavanakomana vako; ndichasimbisa ushe hwake.
12
"Iye achandivakira imba, neni ndichasimbisa chigaro chake choushe nokusingaperi.
13
Ini ndichava baba vake, naiye achava mwanakomana wangu; handingabvisi nyasha dzangu kwaari, sezvandakadzibvisa kuna iye wakakutangira;
14
asi ndichamugarisa mumba mangu nomuushe hwangu nokusingaperi; chigaro chake choushe chichasimbiswa nokusingaperi."
15
Natani akaudza Dhavhidhi mashoko awa ose, nezvose zvaakaratidzwa.
16
Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, "Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chinyiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?
17
"Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Mwari, asi makataura pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya, mukandiitira sezvinoitirwa munhu anokudzwa kwazvo, Jehovha Mwari.
18
Dhavhidhi angareveikozve kwamuri pamusoro pokukudzwa komuranda wenyu? Nokuti munoziva muranda wenyu.
19
Jehovha makaita izvi zvikuru zvose nokuda komuranda wenyu, uye nokuda komoyo wenyu, kuti muzivise zvinhu izvi zvose zvikuru.
20
Jehovha, hakuna mumwe akafanana nemi, hakuna mumwe Mwari asi imwi moga, sezvatakanzwa zvose nenzeve dzedu.
21
Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikunurwa naMwari, vave vanhu vake, kuti imwi mukurumbire nezvinhu zvikuru nezvinotyisa, zvamakadzinga ndudzi pamberi pavanhu venyu, vamakadzikunura paljipiti?
22
Nokuti vanhu venyu vaIsiraeri makavaita vanhu venyu pauzima nokusingaperi; imwi Jehovha mukava Mwari wavo.
23
"Zvino Jehovha shoko ramakataura pamusoro pomuranda wenyu napamusoro peimba yake ngarisimbiswe nokusingaperi, muite sezvamakataura.
24
Uye zita renyu ngarisimbiswe nokukudzwa nokusingaperi, zvichinzi, `Jehovha wehondo ndiye Mwari waIsiraeri; ndiye Mwari kuna Isiraeri;' imba yaDhavhidhi muranda wenyu ichamiswa pamberi penyu.
25
Nokuti imi, Mwari wangu, makazivisa muranda wenyu kuti muchamumisira imba; saka muranda wenyu akatsunga kunyengetera pamberi penyu.
26
Zvino Jehovha, ndimi Mwari, makapikira muranda wenyu chinhu ichi;
27
zvino makafara nazvo kuropafadza imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi; nokuti imwi Jehovha makairopafadza zvino icharopafadzwa nokusingaperi."
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29