bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Jeremiah 18
Jeremiah 18
Shona 2009?
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 19 →
1
Shoko rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, richiti,
2
"Simuka, uburukire kuimba yomuumbi wehari; ipapo ndichakuzivisa mashoko angu."
3
Zvino ndakaburukira kuimba yomuumbi wehari, ndikamuwana achibata basa pamakuyo.
4
Zvino mudziyo waakanga achiita nevhu wakati washatiswa mumaoko omuumbi, akaumbazve naro mumwe mudziyo, sezvaakafunga iye muumbi wehari.
5
Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti,
6
"Zvanzi naJehovha, `Nhai, imwi imba yaIsiraeri, handingagoni kuita nemwi sezvinoita muumbi uyu wehari here? Tarirai, ivhu sezvarakaita muruoko rwomuumbi wehari, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imwi imba yaIsiraeri.
7
Nenguva yandichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharudzura, nokuruputsa, nokuruparadza;
8
kana rudzi urwo, rwandakataura zvinhu izvi pamusoro parwo, rukazvidzora pazvakaipa zvarwo, ini ndichazvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakafunga kuvaitira.
9
Uye nenguva yandichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharuvaka nokurusima;
10
kana vakaita zvinhu zvakaipa pamberi pangu, vakasateerera inzwi rangu, ipapo ndichazvidemba pamusoro pezvakanaka zvandakanga ndichiti ndichavaitira.'
11
Naizvozvo zvino, taura navanhu vaJudha navagere Jerusaremu, uti, `Zvanzi naJehovha, tarirai, ndinokufungirai zvakaipa, ndinorangana mano akaipa pamusoro penyu; zvino dzokai mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, mugadzire nzira dzenyu namabasa enyu.'
12
"Asi ivo vanoti, `Hazvina maturo, nokuti tichafamba sezvatinofunga, mumwe nomumwe wedu uchaita nohukukutu hwomoyo wake wakaipa.' "
13
Naizvozvo zvanzi naJehovha, "Zvino bvunzai pakati pamarudzi, kuti ndiani wakambonzwa zvakadai; mhandara yaIsiraeri yakaita chinhu chakaipa kwazvo.
14
"Ko chando chakachena chapaRebhanoni chingashaikwa padombo rokusango here? Mvura inotonhora, inoyerera ichibva kure ingapwa here?
15
nokuti vanhu vangu vakandikangamwa, vakapisira vamwari venhema zvinonhuhwira; ivo vakagumbuswa panzira dzavo, pamakwara akare-kare, kuti vafambe nenzira dzinotsauka, panzira isina kugadzirwa.
16
"Kuti vaite nyika yavo chishamiso nechinoridzirwa murudzi nokusingaperi; mumwe nomumwe unopfuurapo uchashamiswa, nokudzungudza musoro wake.
17
Ndichavaparadzira pamberi pavavengi vavo sezvinoita mhepo inobva kumabvazuva; ndichavafuratira, handingavatariri nechiso, nezuva rokutambudzika kwavo."
18
Ipapo vakati, "Uyai, tirangane mano akaipa pamusoro paJeremiya; nokuti murayiro haungashaikwi kumuprista, kana kurairira kunowakachenjera, kana shoko kumuporofita. Uyai, timurove norurimi, tirege kuva nehanya nerimwe ramashoko ake.
19
"Jehovha, nditeererei, munzwe inzwi ravanokakavara neni.
20
Zvakaipa zvingatsihwa nezvakanaka here? Nokuti vakacherera mweya wangu gomba. Rangarirai kumira kwangu pamberi penyu kuti ndivareverere zvakanaka, kuti nditsause kutsamwa kwenyu kwavari.
21
Saka sundirai vana vavo panzara, muvaregere pasimba romunondo; vakadzi vavo ngavatorerwe vana vavo, vave chirikadzi; varume vavo ngavaurawe norufu, namajaya avo aurawe nomunondo pakurwa.
22
"Kuchema ngakunzwike padzimba dzavo, kana muchivauyisira kamwe kamwe boka ravarwi; nokuti vakachera gomba, kuti vandibate; vakavanzira tsoka dzangu misungo.
23
Asi imwi Jehovha munoziva mano avo ose avakada kundiuraya nawo; musavakangamwira zvakaipa zvavo, kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu; asi ngavawisirwe pasi pamberi penyu; muvaitire zvamunoda nenguva yokutsamwa kwenyu."
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52