bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Jeremiah 2
Jeremiah 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 3 →
1
Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
2
"Enda, undodana munzeve dzaveJerusaremu, uti zvanzi naJehovha, `Ndakarangarira pamusoro pako hunyoro hwohuduku hwako norudo rwenguva yokuwanikwa kwako, kuti wakanditevera murenje, munyika yakanga isina kudzvarwa.
3
Isiraeri vakanga vari rudzi rutsvene kuna Jehovha, zvibereko zvitsva zvaakazviwanira; vose vanomudya vachava nemhosva; vachawirwa nezvakaipa' " ndizvo zvinotaura Jehovha.
4
Inzwai shoko raJehovha, imwi imba yaJakobho, nemhuri dzose dzeimba yaIsiraeri,
5
Zvanzi naJehovha, "Madzibaba enyu akawana zvisakarurama zvipiko kwandiri, zvavakaenda kure neni, zvavakatevera zvisina maturo, ivo vamene vakava vasina maturo?
6
Uye havana kureva, vachiti, `Uripiko Jehovha wakatibudisa panyika yeIjipiti, akatifambisa murenje, munyika ina masango namakomba, munyika yakaoma neyomumvuri worufu, munyika isingafambi nomunhu achipfuurapo, musingagari munhu?'
7
Ndakakusvitsai munyika ineminda yakaorera, kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo; asi makati mapinda, mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu chinhu chinonyangadza.
8
Vaprista havana kuti, `Jehovha uripiko?' Vaifambisa mirairo vakanga vasingandizivi, vafudzi vaindidarikira, vaporofita vaiporofitira Bhaari, vachitevera zvinhu zvisingabatsiri.
9
"Saka zvanzi naJehovha, `Ndicharamba ndichikakavara nemi, ndichakakavara navana vavana venyu.'
10
Nokuti yambukirai kuzviwi zveKitimi, muone; tumai vanhu Kedhari, mufungisise zvakanaka, muone kana kwakambovapo chinhu chakadai. "
11
Ko rudzi ruripo rwakatsinhanhisa vamwari varwo, ivo vasati vari vamwari here? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvinhu zvisingabatsiri.
12
Shamiswa nechinhu ichi, iwe denga rose, utye zvikuru, uvhunduswe kwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha.
13
Nokuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa. Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, vakazvivezera zvirongo, zvirongo zvakaputsika, zvisingagoni kuchengeta mvura. '
14
Isiraeri muranda here? Ko ndiye muranda wakaberekerwa mumba matenzi wake here? Ko zvino wapambwa seiko?
15
Vana veshumba vakamuombera, vakarira, nokuparadza nyika yake; maguta ake akapiswa, hakuna unogaramo.
16
Vana veNofi naveTapanesi vakapedza vhudzi romusoro wako.
17
Ko hauna kuzvitsvaira izvozvo, zvawakasiya Jehovha Mwari wako panguva yaakakufambisa panzira yake here?
18
Zvino unondotsvakei panzira inoenda Ijipiti, kundomwa mvura yeSihori here? Unondotsvakei panzira inoenda Asiria, kundomwa mvura yoRwizi here?
19
Zvakaipa zvako zvinokurova, kudzokera kwako shure kunokutuka; naizvozvo zvanzi nalshe Jehovha wehondo, `Ziva, uone kuti chinhu chakaipa chinovava kuti wakasiya Jehovha Mwari wako, uye kuti haundityi.'
20
"Nokuti yatova nguva huru yawakavhuna joko nokudambura zvisungo zvako ukati,"handidi kubatira;"nokuti wakafugama pachikomo chipi nechipi chakakwirira pasi pomuti upi noupi mutema uchifeva.
21
kunyange zvakadaro ndakanga ndakusima uri muzambiringa wakaisvonaka, mbeu kwayo yazvokwadi; zvino wandishandukira sei ukava matavi akaipa omuzambiringa worumwe rudzi?
22
"Nokuti kunyange ukashamba nesoda, ukatora sipo zhinji, kunyange zvakadaro zvakaipa zvako zvakaita segwapa pamberi pangu; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
23
"Ungareva seiko, uchiti, `Handina kusvibiswa, handina kutevera vaBhaari?' Cherekedza nzira yako pamupata, uzive chawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo;
24
uri hadzi yembizi yakarovera renje, inofembedza mhepo nokushuva kwayo; ndiani ungaidzora pakuviga kwayo? Dzose, dzinoitsvaka, hadzinganeti; pamwedzi wayo dzinoiwana.
25
Usatendera rutsoka rwako kufamba usina shangu, nehuro dzako kuva nenyota. Asi iwe wakati, `Hazvina maturo; kwete, nokuti ndakada vatorwa, ndivo vandichatevera.' "
26
Mbavha sezvainonyadziswa kana yaonekwa, saizvozvo imba yaIsiraeri yanyadziswa, ivo, namadzimambo avo, namachinda avo, navaprista vavo, navaporofita vavo;
27
ivo, vanoti kudanda, "Uri baba vangu;" nokubwe, "Ndiwe wakandibereka;" nokuti vakandifuratira, havana kunditarira nezviso zvavo; asi panguva yokutambudzika kwavo vachati, "Simukai, mutiponese."
28
"Zvino varipiko vamwari venyu vamakazviitira? Ngavasimuke kana vachigona kukuponesai panguva yokutambudzika; nokuti kuwanda kwavamwari vako, iwe Jakobho, kwakaenzana namaguta ako.
29
"Munokakavara neni neiko? imwi mose makandidarikira ndizvo zvinotaura Jehovha.
30
Ndakarova vana venyu pasina, havana kuteerera kurangwa; munondo wenyu ndiwo wakauraya vaporofita venyu, seshumba inoparadza.
31
Haiwa, imwi rudzi rwakadai! Wonai shoko raJehovha. Ko ini ndakanga ndiri renje kuna Isiraeri here? Kana nyika yerima guru here? Vanhu vangu vanorevereiko vachiti, `Tinotekeshera hedu, hatichazouyizve kwamuri?'
32
mhandara ingakangamwa zvishongo zvayo, kana mwenga mukonde wake here? Asi vanhu vangu vakandikangamwa mazuva asingaverengwi.
33
Haiwa, unoziva zvakanaka sei kunatsa nzira yako, kuti utsvake kudikamwa! Saka wakadzidzisa navakadzi vakaipawo nzira dzako.
34
"Pamipendero yenguvo dzako pakawanikwawo ropa ravarombo vasina mhaka; handina kuriwana pakapaziwa imba, asi pane zvizvi zvose.
35
Kunyange zvakadaro iwe wakati, `Handina mhaka; zvirokwazvo kutsamwa kwake kwakadzorwa kwandiri.' Tarira, ndichakutonga, zvaunoti, `Handina kutadza.'
36
Unofambireiko pose-pose, uchishandura nzira yako? Uchanyadziswa neIjipiti, sezvawakanyadziswa neAsiria.
37
Naipapowo uchabva wakaisa maoko ako pamusoro wako; nokuti Jehovha wakaramba vaunovimba navo, newe haungabatsirwi navo."
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52