bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Jeremiah 31
Jeremiah 31
Shona 2009?
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 32 →
1
"Nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichava Mwari wamarudzi ose aIsiraeri, naivo vachava vanhu vangu.
2
`Vanhu vakapukunyuka pamunondo, ivo vaIsiraeri, vakawana nyasha murenje, panguva yandakandovazorodza.'
3
Jehovha wakazviratidza kwandiri ari kure, akati, `Zvirokwazvo, ndakabuda norudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukweva nohunyoro.
4
Ndichakuvakazve, ipapo uchava wakavakwa, iwe mhandara yaIsiraeri; uchashongedzazve ngoma dzako, uchabuda kundotamba navanofara.
5
Uchasimazve minda yemizambiringa pamakomo eSamaria; vasimi vachasima nokudya zvibereko zvayo.'
6
Nokuti zuva richasvika, naro nharirire dzichadana pamakomo aEfuremu, dzichiti, `Simukai imi, tikwire Ziyoni kuna Jehovha Mwari wedu.' "
7
Nokuti zvanzi naJehovha, "Imbirai Jakobho nomufaro, pururudzirai mukuru wamarudzi; paridzirai, rumbidzai muti, `Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsiraeri
8
Tarirai ndichavavuyisa vachibva kunyika yokumusoro, ndichavaunganidza kumigumo yenyika, pamwechete namapofu, nemhetamakumbo, navakadzi vava nomuviri pamwechete navanosurumuka; vachadzokera kuno riri boka guru.
9
Vachauya vachichema, ndichavaperekedza vachinyengetera; ndichivafambisa panzizi dzemvura zhinji, nenzira yakarurama, pavasingazogumburwi; nokuti ndiri baba kuna Isiraeri, Efuremu idangwe rangu."
10
Inzwai shoko raJehovha, imwi marudzi, muriparidzire pazviwi zviri kure, muti, "Wakaparadzira Isiraeri, ndiye uchavaunganidza, nokuvachengeta, sezvinoita mufudzi boka rake.
11
Nokuti Jehovha wakadzikunura Jakobho, akamurwira muruoko rwounopfuura nesimba.
12
Vachauya vachiimba panzvimbo yakakwirira yeZiyoni, vachayerera semvura kune zvakanaka zvaJehovha, kuzviyo, nokuwaini itsva, nokumafuta, nokuzvibereko zvamakwai nemombe; mweya wavo uchava somunda wakadiridzwa, havangatongovi nokusuwazve.
13
Ipapo mhandara ichafara nokutamba, namajaya navatana pamwechete; nokuti ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro, ndichavanyaradza, nokuvafadza pakusuwa kwavo.
14
"Ndichagutisa mweya yavaprista namafuta, uye vanhu vangu vachaguta nezvakanaka zvangu ndizvo zvinotaura Jehovha."
15
Zvanzi naJehovha, "Inzwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Rakeri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nokuti havachipo.
16
Zvanzi naJehovha, `Dzora inzwi rako pakuchema, nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vachadzokazve vachibva kunyika yavavengi vavo.
17
Mugumo wako une tariro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vana vako vachadzokerazve kumiganho yavo.'
18
Zvirokwazvo ndakanzwa Efuremu achizvichema, achiti, 'Imi makandirova, ndikarohwa semhuru isina kupingudzwa; ndidzoserei imi, ipapo ndichadzoka, nokuti imwi muri Jehovha Mwari wangu.'
19
Zvirokwazvo, ndakati ndadzoka, ndikatendeuka, ndakati ndarairirwa, ndikazvirova pahudyu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo, ndakanyara, nokuti ndakatakura kushoorwa kohuduku hwangu.
20
Ko Efuremu ndiye mwanakomana wangu unodikamwa here? Ndiye mwana unondifadza here? Nokuti nguva dzose kana ndichimutuka, ndinoramba ndichimurangarira kwazvo; naizvozvo moyo wangu unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha, ndizvo zvinotaura Jehovha.
21
"Zvimisirei shongwe dzenzira, zviitirei zvino; rerekerai moyo yenyu kunzira huru, iyo nzira yamakafamba nayo; dzokazve, mhandara yaIsiraeri, dzokerazve kumaguta ako awa.
22
Ucharamba uchifambiramo kusvikira rinhiko, iwe mukunda wokudzokera shure? Nokuti Jehovha wakasika chinhu chitsva panyika, chokuti mukadzi uchambundikira murume."
23
Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, "Vachataurazve shoko iri munyika yaJudha nomumaguta ayo, kana ndichidzosazve kutapwa kwavo, vachiti, `Jehovha ngaakuropafadze, iwe hugaro hwokururama, iwe gomo rohutsvene.'
24
"Judha namaguta avo ose vachagaramo pamwechete, varimi navanofamba namapoka avo.
25
Nokuti ndakagutsa mweya wakaneta, nomweya mumwe nomumwe, unokusuwa, ndakausimbisa.
26
Ipapo ndakamuka, ndikaona; hope dzangu dzingandizipira.
27
"Zvanzi naJehovha, `Tarirai, mazuva anouya, andichadzvara paimba yaIsiraeri napaimba yaJudha mbeu dzavanhu nembeu dzezvipfuwo.
28
Zvino sezvandakavarindira, ndichidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saizvozvo ndichavarindira ndivake nokusima ndizvo zvinotaura Jehovha.'
29
Namazuva awo havangazoti, `Madzibaba akadya mazambiringa anovava; meno avana ndokurwadzira.'
30
Asi mumwe nomumwe uchafira zvakaipa zvake; mumwe nomumwe, unodya mazambiringa anovava, meno ake achabwadzira."
31
"Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita sungano itsva neimba yaIsiraeri, neimba yaJudha.
32
Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeIjipiti, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha.
33
Asi heyi sungano yandichaita neimba yalsiraeri shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Jehovha, `Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.'
34
Havangazodzidzisani, mumwe nomumwe nowokwake, mumwe nomumwe nehama yake, achiti, `Ziva Jehovha; nokuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo, kusvikira kuvakuru pakati pavo, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichakangamwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.'
35
Zvanzi naJehovha, iye unopa zuva rive chiedza masikati, nemirairo yomwedzi neyenyeredzi zvive chiedza vusiku, iye unomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire, Jehovha wehondo ndiro zita rake.
36
Kana mirairo iyi ikabva pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ipapo vana vaIsiraeriwo vangagumawo kuva rudzi pamberi pangu nokusingaperi.
37
Zvanzi naJehovha, `Kana denga kumusoro richibvira kuyerwa, nenheyo dzenyika pasi dzichibvira kunzverwa, ipapo neniwo ndicharasha vana vose vaIsiraeri nokuda kwezvose zvavakaita, ndizvo zvinotaura Jehovha.'
38
"Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, achavakirwa Jehovha guta kubva pashongwe yaHananeri kusvikira kusuo rekona.
39
Uye rwonzi rwokuyera narwo ruchapfuura ruchiruramira kuchikomo cheGarebhi, ndokudzoka kusvikira paGoa.
40
Mupata wose wezvitunha nowamadota, neminda yose kusvikira kurukova Kidhironi, kusvikira kukona resuo ramabhiza kurutivi rwamabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi, kana kuparadzwa nokusingaperi."
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52