bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Jeremiah 26
Jeremiah 26
Shona 2009?
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 27 →
1
Zvino pakuvamba kokubata ushe hwaJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, shoko iri rakabva kuna Jehovha, richiti,
2
" Zvanzi naJehovha, `Mira paruvazhe rweimba yaJehovha, uudze maguta ose aJudha, anouya kuzonamata mumba maJehovha, mashoko ose andinokuraira kuti uvaudze; usatapudza kunyange neshoko rimwe.
3
Zvimwe vangateerera, vakadzoka mumwe nomumwe panzira yake yakaipa; kuti ndizvidembe pamusoro pezvakaipa zvandinofunga kuvaitira nokuda kwezvakaipa zvavo zvavanoita.' "
4
Uti kwavari, "Zvanzi naJehovha, `Kana musingadi kundinzwa, kuti mufambe nomurayiro wangu, wandakaisa pamberi penyu,
5
kuti munzwe mashoko avaranda vangu vaporofita, vandinotuma kwamuri, ndichimuka mangwanani ndichivatuma, asi hamuna kunzwa;
6
zvino ndichaita imba ino ive seShiro, neguta rino ndichariita chinhu chinotukwa namarudzi ose enyika.' "
7
Vaprista navaporofita navanhu vose vakanzwa Jeremiya achitaura mashoko awa mumba maJehovha.
8
Zvino Jeremiya wakati apedza kutaura zvose zvaakanga arairwa naJehovha kuti audze vanhu vose, vaprista navaporofita navanhu vose vakamubata, vachiti, "Zvirokwazvo, uchafa iwe.
9
Wakaporofitirei nezita raJehovha, uchiti, 'Imba ino ichava seShiro, guta rino richava dongo, risina unogaramo?' " Vanhu vose vakaunganira Jeremiya mumba maJehovha.
10
Zvino machinda aJudha akati anzwa zvinhu izvi, vakauya vachibva kuimba yamambo vakaenda kuimba yaJehovha, vakagara pasi panopindwa pasuo idzva reimba yaJehovha.
11
Ipapo vaprista navaporofita vakataura namachinda uye navanhu vose, vachiti, "Munhu uyu wakafanira rufu, nokuti wakaporofitira guta rino zvakaipa, sezvamakanzwa nenzeve dzenyu."
12
Ipapo Jeremiya wakataura namachinda ose uye navanhu vose, achiti, "Jehovha ndiye wakandituma kuti ndiporofitire imba ino neguta rino mashoko ose amakanzwa.
13
Naizvozvo zvino natsai nzira dzenyu nezvamunoita, muteerere inzwi raJehovha Mwari wenyu; ipapo Jehovha uchazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakareva pamusoro penyu.
14
"Asi kana ndirini, tarirai, ndiri mumaoko enyu; ndiitirei zvakanaka nezvakarurama pakuona kwenyu.
15
Asi muzive zvirokwazvo, kuti kana mukandiuraya ini, muchauyisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu, napamusoro peguta rino, napamusoro pavageremo; nokuti zvirokwazvo Jehovha wakandituma kwamuri kuti nditaure mashoko awa ose munzeve dzenyu."
16
Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvaprista navaporofita, "Munhu uyu haafaniri rufu, nokuti wakataura nesu nezita raJehovha Mwari wedu."
17
Zvino vamwe vavakuru venyika vakasimuka, vakataura neungano yose yavanhu, vachiti,
18
"Mikaya muMorashitiri wakaporofita pamazuva aHezekia mambo waJudha; akataura navanhu vose vaJudha, achiti, `Zvanzi naJehovha wehondo, Ziyoni richarimwa somunda, neJerusaremu richava mirwi yamabwe, negomo reimba richaita senzvimbo dzakakwirira dzedondo.'
19
"Ko Hezekia mambo waJudha, navaJudha vose vakamuuraya here? Ko haana kutya Jehovha, akanyengetera Jehovha, Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga areva pamusoro pavo here? Saizvozvo tingatadzira mweya yedu kwazvo."
20
Uyezve, kwakanga kuno munhu waiporofita nezita raJehovha, wainzi Uriya, mwanakomana waShemaia weKiriati-jearimi; iye wakaporofita zvakaipa pamusoro peguta rino nenyika ino zvakafanana namashoko ose aJeremiya.
21
Zvino mambo Jehoiakimu, navakuru vake vose, namachinda ose, vakati vanzwa mashoko ake, mambo akatsvaka kumuuraya; asi Uriya wakati achizvinzwa akatya, akatizira Ijipiti.
22
Mambo Jehoiakini akatuma vanhu Ijipiti, vaiti Erinatani mwanakomana waAkibhori, navamwe vanhu naye, vaende Ijipiti,
23
akandotora Uriya Ijipiti, vakauya naye kuna mambo Jehoiakimu, iye ndokumuuraya nomunondo, akakandira chitunha chake mumarinda avanhu vasingakudzwi.
24
Asi ruoko rwaAhikami mwanakomana waShafani rwakabatsira Jeremiya, vakasamuisa mumaoko avanhu kuti vamuuraye.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52