bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Jeremiah 42
Jeremiah 42
Shona 2009?
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 43 →
1
Zvino vakuru vose vehondo, naJohwanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaia, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, vakaswedera,
2
vakati kumuporofita Jeremiya, "Tinokumbira kuti munyengetero wedu usvitswe pamberi penyu, mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu, munyengeterere ava vose vakasara (nokuti takasara tiri vashoma kuna vaiva vazhinji, sezvamunotiona nameso enyu),
3
kuti Jehovha Mwari wenyu atiratidze nzira yatinofanira kufamba nayo nechinhu chatinofanira kuita."
4
Ipapo muporofita Jeremiya akati kwavari, "Ndakunzwai; tarirai, ndichanyengetera kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakareva namashoko enyu; zvino chinhu chipi nechipi chamunopindurwa naJehovha, ndichakuzivisai icho, handingatongokuvanziriyi chinhu."
5
Ipapo vakati kuna Jeremiya, "Jehovha ngaave chapupu chazvokwadi chakatendeka pakati pedu, kana tikarega kuita mashoko ose amunozotumwa nawo kwatiri naJehovha Mwari wenyu.
6
Kana richinge rakanaka, kana richinge rakaipa, tichateerera inzwi raJehovha Mwari wedu, watinokutumirai kwaari; kuti tive nomufaro, kana tichiteerera inzwi raJehovha Mwari wedu."
7
Zvino mazuva ane gumi akati apera, shoko raJehovha rikasvika kuna Jeremiya.
8
Ipapo akadana Johwanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye navanhu vose, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru,
9
akati kwavari, "Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse munyengetero wenyu pamberi pake.
10
`Kana muchinge muchada kugara munyika ino, ini ndichakuvakai, handingakukoromoriyi, ndichakusimai, handingakudzuriyi; nokuti ndinozvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakakuitirai.'
11
"Musatya henyu mambo weBhabhironi, iye wamunotya; musatya henyu, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemwi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruoko rwake.
12
Ndichakunzwirai nyasha, kuti iye ave nenyasha nemi, akudzosei kunyika yenyu.
13
Asi kana mukati, `Hatidi kugara munyika ino,' saizvozvo musingateereri inzwi raJehovha Mwari wenyu,
14
muchiti, `Kwete, tichaenda kunyika yeIjipiti, kwatisingazooni kurwa, kana kunzwa inzwi rehwamanda, kana kunzwa nzara yezvokudya, tichandogarako;'
15
naizvozvo zvino chinzwai shoko raJehovha, imwi vakasara vaJudha, `Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kana muchiramba makarinzira zviso zvenyu kuti muende Ijipiti, kundogarako muri vatorwa;
16
ipapo munondo wamunotya uchakubataipo panyika yeIjipiti; nenzara yamunotya ichakutevererai kwazvo paIjipiti, ndipapo pamuchandofira.
17
Ndizvo zvichaitirwa varume vose vanorinzira zviso zvavo kuti vaende Ijipiti, kundogarako vari vatorwa; vachafa nomunondo, nenzara, uye nehosha; hakuna mumwe wavo uchasara kana kupukunyuka pazvakaipa zvandichauyisa pamusoro pavo.'
18
"Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Kutsamwa kwangu nehasha dzangu sezvazvakadururwa pamusoro pavagere Jerusaremu, saizvozvo hasha dzangu dzichadururwa pamusoro penyu, kana muchipinda Ijipiti; muchava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa; nenzvimbo ino hamungazoionizve.'
19
"Jehovha wakataura pamusoro penyu, imwi vakasara vaJudha, achiti, `Regai kuenda Ijipiti; zivai kwazvo kuti ndakakupupurirai nhasi.'
20
Nokuti makanyengera mweya yenyu; nokuti makanditumira kuna Jehovha Mwari wenyu, muchiti, `Tinyengetererei kuna Jehovha Mwari wedu, zvose zvicharehwa naJehovha Mwari wedu, mutizivise izvozvo, tichazviita.'
21
Zvino nhasi ndakuzivisai izvozvo, asi hamuna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu pachinhu chimwe chaakanditumira nacho kwamuri.
22
Naizvozvo zvino zivai kwazvo kuti muchafa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa panzvimbo iyo yamunoda kuenda kwairi kundogarako muri vatorwa."
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 43 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52