bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Jeremiah 3
Jeremiah 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 4 →
1
Zvinonzi, "Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akabva kwaari, akandowanikwa nomumwe murume, ko murume ungadzokera kwaarizve here? Ko nyika yakadai haingasvibiswi kwazvo here? Asi iwe wakafeva navadikamwa vako vazhinji; zvino woda kudzokera kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
2
"Ringira meso ako kuzvikomo zvisina miti, uone; pavasina kupombora newe ndapapi? Wakavagarira panzira somuArabhia parenje; wasvibisa nyika nokufeva kwako nezvakaipa zvako.
3
Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha, nemvura yokupedzisira yakanga isipo; kunyange zvakadaro wakanga une huma yechifeve, ukaramba kunyadziswa.
4
"Ko haungatangi zvino uchidana kwandiri here, uchiti, `baba vangu, ndimi muperekedzi wohuduku hwangu?'
5
Ko uchagara akatsamwa nokusingaperi here? Uchagara nako kusvikira pakupedzisira here? Tarira, wakataura izvozvo ukaita zvinhu zvakaipa, ukazvipedzisa."
6
Zvino Jehovha wakatizve kwandiri, namazuva amambo Josiya, "Waona here zvakaitwa naIsiraeri pakudzokera kwavo shure? Vakakwira pagomo rimwe nerimwe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumwe nomumwe mutema, ndokundofevapo.
7
Zvino vakati vapedza kuita izvozvo zvose, ini ndakati, vachadzokera kwandiri, asi havana kudzokera; kwandiri nomunun'una wavo, Judha, wokusatendeka, vakazviona.
8
Zvino ndakaona kuti panguva yandakaramba VaIsiraeri, vokudzokera shure, ndikavapa rugwaro rwokuvaramba nemhaka yokufeva kwavo, kunyange zvakadaro munun'una wavo, ivo vaJudha, vokusatendeka, havana kutya; asi naivo vakandofevawo.
9
Zvino nokusarangarira kwavo nyika yakasvibiswa nokufeva kwavo, vakafeva namabwe namatanda.
10
Kunyange zvinhu izvi zvakadaro zvose, munun'una wavo, Judha, havana kudzokera kwandiri nomoyo wavo wose, asi nokunyengera" ndizvo zvinotaura Jehovha.
11
Zvino Jehovha akati kwandiri, "Isiraeri wokudzokera shure, vakaita zvakarurama kukunda Judha wokusatendeka.
12
Enda unoparidza mashoko awa kurutivi rwokumusoro, uti, `Dzokai, imwi Isiraeri wokudzokera shure ndizvo zvinotaura Jehovha; handingakutaririyi ndakatsamwa, nokuti ndine nyasha, handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi ndizvo zvinotaura Jehovha.
13
Asi muzive zvakaipa zvenyu bedzi, kuti makadarikira Jehovha Mwari wenyu, mukafamba-famba muchitevera vatorwa pasi pemiti yose mitema, mukasateerera inzwi rangu ndizvo zvinotaura Jehovha.'
14
"Zvanzi naJehovha, `Dzokai imwi vana vokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndichakutorai, mumwe paguta rimwe, vaviri parudzi rumwe, ndichikuisai Ziyoni.'
15
"Ndichakupai vafudzi vanofadza moyo wangu, vachakufudzai nezivo nenjere.
16
"Zvino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuva iwayo ndizvo zvinotaura Jehovha havangazoti, `Areka yesungano yaJehovha;' havangaifungi, havangairangariri, havangaitsvaki, havangaiitizve.
17
Panguva iyo vachatumidza Jerusaremu chigaro choushe chaJehovha; marudzi ose achaunganidzirwapo, paJerusaremu, nokuda kwezita raJehovha; havachazofambi nohukukutu bwemoyo yavo yakashata.
18
Namazuva iwayo imba yaJudha ichafamba pamwechete neimba yaIsiraeri, vachauya pamwechete vachibva kunyika yokumusoro kunyika yandakapa madzibaba enyu ive nhaka yavo."
19
Asi ndakati, "Ndichakuisai sei pakati pavana vangu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaisvonaka yamarudzi akawanda," ndikati, "Imi muchanditumidza zita rokuti, `Baba vangu, hamungazotsauki pakunditevera.'
20
Zvanzi naJehovha, Zvirokwazvo, mukadzi sezvaanosiya murume wake achinyengera, saizvozvo imwi makandinyengera, imwi imba yaIsiraeri.' "
21
Inzwi rinonzwika kuzvikomo zvisina miti, kuchema nokunyengetera kwavana vaIsiraeri; nokuti vakaminamisa nzira dzavo, vakakangamwa Jehovha Mwari wavo.
22
Dzokai, imwi vana vokudzokera shure, ndichapodza kudzokera kwenyu. Tarirai, tauya kwamuri, nokuti imwi muri Jehovha Mwari wedu.
23
Zvirokwazvo, zvinobva kuzvikomo nemhere-mhere inobva kumakomo hazvina maturo; zvirokwazvo kuponeswa kwaIsiraeri kuri kuna Jehovha Mwari wedu.
24
Asi chinhu chinonyangadza chakaparadza basa ramadzibaba edu kubva pahuduku bwedu, makwai avo nemombe dzavo, vanakomana vavo navanasikana vavo.
25
Ngativatei pasi nokunyadziswa kwedu, kunyara kwedu ngakutifukidze; nokuti takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu namadzibaba edu, kubva pahuduku bwedu kusvikira pazuva ranhasi; hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52