bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Jeremiah 50
Jeremiah 50
Shona 2009?
← Chapter 49
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 51 →
1
Shoko, rakataurwa naJehovha pamusoro peBhabhironi, napamusoro penyika yavaKaradhea nomuporofita Jeremiya.
2
"Paridzirai pakati pamarudzi, muzvizivise, musimudze mureza,muzvizivise murege kuvanza muti "Bhabhironi rakundwa, Bheri wanyadziswa, Merodhaki wavhunduswa; zvifananidzo zvavo zvanyadziswa, matanda avo avhunika.'
3
"Nokuti rudzi ruriko runobva kurutivi rwomusoro kuzorwa naro, ruchaita nyika yaro dongo, hakuna uchagaramo; vatiza, vaenda, vanhu nezvipfuwo.
4
"Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, vana vaIsiraeri vachauya, ivo navana vaJudha pamwechete; vachafamba vachingochema, vachitsvaka Jehovha Mwari wavo.
5
Vachabvunza Ziyoni, vakaringira zviso zvavo ikoko, vachiti, `Uyai tizviise kuna Jehovha nesungano isingaperi, isingakanganikwi.'
6
"Vanhu vangu akanga ari makwai akarashika, vafudzi vavo vakavarashisa, vakavatsausira kumakomo, vakafamba vachibva kumakomo vachienda kuzvikomo, vakakangamwa nzvimbo yavo yokuzorora.
7
"Vose vaivawana vaivadya, navadzivisi vavo vaiti, `Hatina mhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, ihwo hugaro hwokururama, iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.'
8
Tizai mubve pakati peBhabhironi, budai panyika yavaKaradhea, muve senhongo pamberi pamapoka amakwai.
9
"Nokuti tarirai, ndichamutsira Bhabhironi nokuuyisira boka ramarudzi makuru anobva kunyika yokumusoro; vachazvigadzira kuzorwa naro, richakundwa noko; miseve yavo ichava seyemhare yakangwara, isingadzoki isina chayakabata.
10
Nyika yeKaradhea ichava chinhu chakapambwa; vose vanoipamba vachaguta ndizvo zvinotaura Jehovha.
11
"Kunyange makafara, kunyange muchifarisisa, iyemi munoparadza nhaka yangu, kunyange muchikwakuka setsiru rinopura zviyo, muchirira samabhiza ane simba,
12
mai venyu vachanyadziswa kwazvo, ivo vakakuberekai vachakanganiswa; tarirai, vachava rudzi ruri shure kwaose, nesango, nenyika yakaoma, nerenje.
13
Nemhaka yokutsamwa kwaJehovha haringagarwi, asi richava dongo chose; mumwe nomumwe unopfuura napaBhabhironi uchashamiswa, ucharidza muridzo pamusoro pamatambudziko aro ose.
14
"Muzvigadzire imwi mose munofura nohuta kuzorwa neBhabhironi kumativi ose, rifurei, regai kuchengeta miseve, nokuti rakatadzira Jehovha.
15
Pururudzai kumativi aro ose, razvirega, shongwe dzaro dzawa, masvingo aro akoromorwa; nokuti ndiko kutsiva kwaJehovha; zvitsivei pamusoro paro, sezvarakaita muriitirewo.
16
Paradzai mudzvari paBhabhironi, naiye unobata nejeko panguva yokukohwa; nemhaka yokutya munondo unomanikidza, mumwe nomumwe uchatendeukira kunowokwake, mumwe nomumwe uchatizira kunyika yake.
17
"Isiraeri igwai rakadzingwa-dzingwa, shumba dzakaridzinga; pakutanga mambo -weAsiria wakamudya, zvino pakupedzisira Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakavhuna mapfupa ake.
18
Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndicharova mambo weBhabhironi nenyika yake, sezvandakarova mambo weAsiria.
19
Ndichadzosera Isiraerizve kumafuro avo, vachafura paKarimeri napaBhashani, mweya wavo uchagutiswa pazvikomo zvaEfuremu napaCireadhi.'
20
Namazuva iwayo nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha zvakaipa zvaIsiraeri zvichatsvakwa, asi hazvingavipo, nezvivi zvaJudha, asi hazvingawanikwi; nokuti ndichakangamwira vandakasiya.
21
"Endai mundorwa nenyika yeMerataimu, murwe nayo uye navagere Pekodhi; urayai, muparadze chose zviri shure kwavo, muite zvose zvandakakurairai ndizvo zvinotaura Jehovha.
22
Mubvumo wokurwa uri munyika, nowokuparadza kukuru.
23
Nyundo yenyika yose yagurwa-gurwa nokuvhuniwa sei! Bhabhironi rava dongo sei pakati pamarudzi!
24
Ndakakuteyera musungo, ukabatwawo, iwe Bhabhironi, ukasazviziva; wakawanikwa, ukabatwawo, nokuti wakarwa naJehovha.
25
Jehovha wakazarura chivigiro chefuma yake, akabudisa nhumbi dzokurwa dzokutsamwa kwake, nokuti Ishe Jehovha wehondo une basa raanofanira kubata panyika yavaKaradhea.
26
Uyai murwe nayo muchibva kumativi ose, zarurai matura aro, muite mirwi, muriparadze chose, regai kusiya chinhu charo.
27
Urayai nzombe dzaro dzose, ngadziburukire kundourawa. Vane nhamo, nokuti zuva ravo rasvika, iyo nguva yokurohwa kwavo.
28
"Inzwai inzwi ravanotiza navano pukunyuka panyika yebhabhironi, kundoparidzira paZiyoni kutsiva kwaJehovha Mwari wedu, iko kutsiva kwetemberi yake.
29
"Kokerai vafuri varwe neBhabhironi, ivo vose vanofura novuta; rikomberedzei nemisasa yenyu yokurwa, kurege kuva nomumwe unopukunyuka; muritsive parakabata napo, zvose zvarakaita iro muriitire saizvozvo nokuti rakaita manyawi pamberi paJehovha, pamberi poMutsvene waIsiraeri.
30
Naizvozvo majaya aro achawira pasi munzira dzaro, navarwi varo vose vachanyarara nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha.
31
"Tarira, ndine mhosva newe, iwe wokuzvikudza, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha wehondo; nokuti zuva rako rasvika, nguva yandichakurova nayo.
32
Unozvikudza uchagumburwa nokuwira pasi, hakuna ungamusimudza; ini ndichabatidza moto mumaguta ake, uchapedza vose vakamupoteredza.
33
"Zvanzi naJehovha wehondo, `Vana vaIsiraeri navana vaJudha vakamanikidzwa pamwechete; vose, vakavatapa, vakavabata, vanoramba kuvaregedza.'
34
Asi Mudzikunuri wavo une simba, Jehovha wehondo ndiro zita rake; iye uchavareverera mhaka yavo kwazvo, kuti azorodze nyika, nokushaisa vagere Bhabhironi zororo.
35
Munondo uri pamusoro pavaKaradhea, napamusoro pavagere Bhabhironi, napamusoro pamachinda aro, napamusoro pavachenjeri varo ndizvo zvinotaura Jehovha.
36
Munondo uri pamusoro pavana manyawi, vachava mapenzi; munondo uri pamusoro pemhare dzaro, vachavhunduka.
37
Munondo uri pamusoro pamabhiza avo, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavanhu vose vakavhengana mukati maro, vachava savakadzi; munondo uri pamusoro pefuma yaro, ichapambwa.
38
Kuoma kuri pamusoro pemvura yaro, ichapwa; nokuti inyika yemifananidzo yakavezwa, vanopengera zvifananidzo.
39
"Naizvozvo zvikara zvamarenje zvichagaramo, pamwechete namapere, nemhou dzichagaramo; hapangazogarwi nokusingaperi, hakuna ungagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.
40
"Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora namamwe maguta akanga akabatana nawo ndizvo zvinotaura Jehovha saizvozvo hakuna munhu ungagaramo hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa.
41
"Tarirai, rudzi rwavanhu runobva kurutivi rwokumusoro, rudzi rukuru namadzimambo mazhinji achamutswa abve kumigumo yenyika.
42
"Vakabata huta nepfumo, vane hasha, havane nyasha; manzwi avo anotinhira segungwa, vakatasva mabhiza, mumwe nomumwe wakashongedzwa somurwi, kuzorwa newe, iwe mukunda weBhabhironi.
43
Mambo weBhabhironi wakanzwa guhu ravo, maoko ake akashaiwa simba, wabatwa nokutambudzika nokurwadziwa sokomukadzi unosurumuka.
44
"Tarirai, uchauya seshumba achibva kumatenhere aJorodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani?
45
Naizvozvo chinzwai chirevo chaJehovha chaakatema pamusoro peBhabhironi, nemifungo yake yaakafunga pamusoro penyika yavaKaradhea, `Zvirokwazvo vachavakwekweredza, ivo vaduku vamapoka avo; zvirokwazvo mafuro avo achashamiswa pamusoro pavo.
46
Nyika inodedera nomubvumo wokukundwa kweBhabhironi, kuchema kunonzwika pakati pamarudzi ose.' "
← Chapter 49
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 51 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52