bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Leviticus 1
Leviticus 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 2 →
1
Zvino Jehovha wakadana Mozisi, akataura naye ari mutende rokusangana, akati,
2
"Taura navana vaIsiraeri, uti, kwavari, `Kana mumwe wenyu achida kuvigira Jehovha chipo chake, munofanira kumuvigira zvipo zvenyu zvezvipfuwo, kana zvemombe kana zvamakwai.'
3
"Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chemombe, anofanira kuvigira mukono usina mhosva; ngaachibayire pamukova wetende rokusangana, kuti agamuchirwe pamberi paJehovha.
4
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire.
5
Ngaabaye nzombe pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni, vaprista, vagouya neropa, vasase ropa kunhivi dzose dzearitari, iri pamukova wetende rokusangana.
6
Zvino ngaavhiye chipiriso chinopiswa, nokuchigura-gura.
7
"Zvino vanakomana vaAroni, muprista, ngavaise moto paaritari, nokugadzirawo huni pamusoro pomoto.
8
Ipapo vanakomana vaAroni, vaprista, vanofanira kugadzira nhindi, nomusoro, namafuta pamusoro pehuni dziri pamoto uri pamusoro pearitari.
9
Asi ngaasuke ura hwacho namakumbo acho nemvura, muprista agopisa zvose paaritari, chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
10
"Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chezvipfuwo zviduku zvamakwai kana mbudzi, anofanira kuvigira mukono usina mhosva.
11
"Ngaachibaye parutivi rwearitari nechokumusoro pamberi paJehovha; zvino vanakomana vaAroni, vaprista, vanofanira kusasa ropa racho kunhivi dzose dzearitari.
12
Ipapo anofanira kugura-gura nhindi pamwechete nomusoro wacho namafuta acho, muprista agozvigadzira pamusoro pehuni dziri pamoto pamusoro pearitari.
13
Asi ura namakumbo ngaazvisuke nemvura, muprista agozvibayira zvose, nokuzvipisira paaritari, kuti chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
14
"Kana chipo chake kuna Jehovha chiri chipiriso chinopiswa cheshiri, ngaavigire chibayiro chake chenjiva, kana twana twenjiva.
15
Zvino muprista anofanira kuchiisa paaritari, agodonhedzera ropa racho parutivi rwearitari;
16
zvino anofanira kutora chihururu chayo neminhenga yayo, ndokuzvirasa kurutivi rwearitari kumabudazuva kunoraswa madota.
17
Ipapo anofanira kuibvambura namapapiro ayo asingaiparadzanisi, muprista agoipisa paaritari pamusoro pehuni dziri pamoto; icho chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27