bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Leviticus 8
Leviticus 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 9 →
1
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2
"Tora Aroni, navanakomana vake, namafuta okuzodza nawo, nenzombe yechipiriso chezvivi, namakondobwe maviri nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa;
3
uunganidze ungano yose pamukova wetende rokusangana."
4
Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha, ungano ikaunganidzwa pamukova wetende rokusangana.
5
Zvino Mozisi akati kuungano, "Ndizvo zvakarairwa naJehovha kuti zviitwe."
6
Mozisi akauya naAroni navanakomana vake, akavashambidza nemvura,
7
akamufukidza jasi, ndokumusunga chiuno nebhanhire, akamufukidza nguvo, akamuisa efodhi, nokumusunga chiuno nebhande reefodhi rakarukwa nouchenjeri, ndokurisungira kwaari naro.
8
Akamuisa hombodo yechipfuva, ndokuisa Urimi neTumimi muhombodo yechipfuva.
9
Akaisawo ngowani pamusoro wake; pangowani nechemberi akaisa bwendefa rendarama, ndiyo korona tsvene; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
10
Zvino Mozisi akatora mafuta okuzodza nawo, akazodza tabhenakeri, nezvose zvakanga zvirimo, akazvitsaura.
11
Akasasa mamwe kanomwe paaritari, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo, kuti azvitsaure.
12
Akadirawo mamwe mafuta okuzodza nawo pamusoro waAroni, akamuzodza kuti amutsaure.
13
Ipapo Mozisi akauya navanakomana vaAroni, akavafukidza majasi, akavasunga zviuno namabhanhire, akavaisa ngowani, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
14
Akauya nenzombe yechipiriso chezvivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wenzombe yechipiriso chezvivi;
15
akaibaya; Mozisi ndokutora ropa, ndokuriisa panyanga dzearitari kunhivi dzose nomumwe wake, akanatsa aritari, ndokudururira ropa mujinga mearitari, akaitsaura, kuti aiyananisire.
16
Akatora mafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, Mozisi akazvipisa paaritari.
17
Asi nzombe nedebwe rayo, nenyama yayo, namazvizvi ayo, wakazvipisa nomoto kunze kwemisasa, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
18
Akauya negondobwe rechipiriso chinopiswa; Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondobwe.
19
Akariuraya; Mozisi akasasa ropa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
20
Akagura-gura gondobwe, Mozisi akapisa musoro nenhindi namafuta.
21
Akasuka ura namakumbo nemvura, Mozisi akapisa gondobwe rose paaritari, chikava chipiriso chinopiswa chainhuhwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
22
Zvino akauyawo nerimwe gondobwe, gondobwe rokugadza naro, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondobwe.
23
Akaribaya, Mozisi akatora rimwe ropa raro, akariisa pamucheto wezasi wenzeve yaAroni yorudyi, napagumwe roruoko rwake rworudyi, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi.
24
Akauyisa vanakomana vaAroni, Mozisi akaisa rimwe ropa pamicheto yezasi yenzeve dzavo dzorudyi, napamagumwe amaoko avo orudyi, napamagumwe etsoka dzavo dzorudyi; Mozisi akasasa ropa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
25
Akatora mafuta nebemhe, namafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, nebandauko rorudyi;
26
akatora mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zvaiva pamberi paJehovha, chingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa, nechingwa chimwe chiduku chezvingwa zvakazodzwa mafuta, nechingwa chitete chimwe, akazviisa pamusoro pamafuta, napamusoro pebandauko rorudyi;
27
akaisa zvose pamaoko aAroni, napamaoko avanakomana vake, akazvizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa.
28
Ipapo Mozisi akazvitora zvose pamaoko ake, akazvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa; zvikava zvokugadza nazvo, zvikanhuhwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto.
29
Zvino Mozisi akatora chityu akachizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa; ndiwo waiva mugove waMozisi pagondobwe rokugadza naro; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
30
Ipapo Mozisi akatora mamwe mafuta okuzodza nawo, nerimwe ropa rakanga riri paaritari, akarisasa pamusoro paAroni napamusoro penguvo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napamusoro penguwo dzavanakomana vake pamwechete naye; akatsaura Aroni nenguvo dzake, navanakomana vake, nenguvo dzavanakomana vake pamwechete naye.
31
Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, "Bikai nyama pamukova wetende rokusangana, muidyirepo nechingwa chiri mudengu rokugadza naro, sezvandakaraira ndichiti, `Aroni navanakomana vake vanofanira kuzvidya.'
32
Asi zvakasara zvenyama nechingwa munofanira kuzvipisa nomoto.
33
Musabuda pamukova wetende rokusangana mazuva manomwe, kusvikira mazuva okugadza kwenyu apera; nokuti iye uchakugadzai mazuva manomwe.
34
Sezvakaitwa zuva ranhasi, Jehovha wakaraira kuti zviitwe saizvozvo, kuti muyananisirwe.
35
Garai pamukova wetende rokusangana masikati nousiku mazuva manomwe, muchengete zvamakarairwa naJehovha, kuti urege kufa; nokuti ndizvo zvandakarairwa."
36
Zvino Aroni navanakomana vake vakaita zvose zvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27