bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Leviticus 14
Leviticus 14
Shona 2009?
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 15 →
1
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2
"Ndiwo murayiro womunhu una maperembudzi nomusi wokunatswa kwake: Unofanira kuiswa kumuprista;
3
zvino muprista anofanira kubuda kunze kwemisasa, muprista ugocherekedza munhu uyu; kana akaona kuti hosha yamaperembudzi yapora hayo kumunhu una maperembudzi;
4
muprista anofanira kuraira kuti unoda kunatswa atorerwe shiri mbiri mhenyu dzakanaka, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi.
5
Zvino muprista araire kuti shiri imwe iurawe muhari yevhu, pamusoro pemvura inoyerera.
6
Zvino anofanira kutora shiri mhenyu, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika pamwechete neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera.
7
Zvino anofanira kurisasa kanomwe pamusoro pomunhu unoda kunatswa pamaperembudzi ake, ndokureva kuti wakanaka; ipapo woregedza shiri mhenyu, iende hayo kusango.
8
Zvino munhu unoda kunatswa anofanira kusuka nguvo dzake, nokuveura vhudzi rake rose, ndokushamba mumvura, agova wakanaka; pashure anofanira kupinda mukati memisasa, asi ngaagare kunze kwetende mazuva manomwe.
9
Nomusi wechinomwe anofanira kuveura vhudzi rake rose romusoro wake, nendebvu dzake, netsiye dzake, aveure vhudzi rake rose; zvino ngaasuke nguvo dzake, ndokushamba muviri wake, agova wakanaka.
10
Nomusi worusere anofanira kutora makwayana maviri amakondobwe, asina mhosva, negwayana rimwe resheche rine gore rimwe, risina mhosva, nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nerogi imwe yamafuta.
11
"Zvino muprista, unomunatsa, anofanira kuisa munhu unoda kunatswa pamberi paJehovha, pamwechete nezvinhu izvi, pamukova wetende rokusangana;
12
muprista ndokutora rimwe ramakwayana amakondobwe, ndokuribayira, chive chipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, agozvizunguzira, chive chipiriso chokuzunguzira pamberi paJehovha;
13
zvino anofanira kuuraya gwayana regondobwe pavanourayira chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa panzvimbo tsvene; nokuti chipiriso chemhosva ndechomuprista sechipiriso chezvivi; chitsvene kwazvo.
14
Ipapo muprista anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, muprista agoriisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi;
15
zvino muprista anofanira kutora mamwe mafuta erogi, ndokuadira muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
16
zvino muprista ngaanyike mutendeka wake worudyi mumafuta ari muruoko rwake rworuboshwe, asase mamwe mafuta nomumwe wake kanomwe pamberi paJehovha;
17
mamwe mafuta akasara muruoko rwake muprista anofanira kuaisa pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagumwe roruoko rwake rworudyi, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi, pamusoro peropa rechipiriso chemhosva;
18
mamwe mafuta akasara muruoko rwomuprista anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa; kuti muprista amuyananisire pamberi paJehovha.
19
muprista anofanira kupisa chipiriso chezvivi, kuti ayananisire munhu unonatswa, nokuda kokusanaka kwake; pashure anofanira kuuraya chipiriso chinopiswa;
20
muprista anofanira kupisa chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu pamusoro pearitari, kuti muprista amuyananisire, anake.
21
"Kana ari murombo, asingagoni kuwana zvizhinji zvakadai, anofanira kutora gwayana rimwe regondobwe, chive chipiriso chemhosva chokuzunguzira, kumuyananisira, nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu, pamwechete nerogi yamafuta;
22
nenjiva mbiri, notwana tuviri twenjiva, sezvaanogona kuwana; imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa;
23
nomusi worusere anofanira kuuya nazvo kumuprista pamusoro pokunatswa kwake, kumukova wetende rokusangana pamberi paJehovha.
24
Zvino muprista anofanira kutora gwayana rechipiriso chemhosva, nerogi yamafuta, muprista agozvizunguzira, chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha;
25
zvino ngaauraye gwayana rechipiriso chemhosva, agotora rimwe ropa rechipiriso chemhosva, ariise pamucheto wenzeve yomunhu unonatswa, napagumwe roruoko rworudyi, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi;
26
zvino muprista ngaadire mamwe mafuta muchanza choruoko rwake rworuboshwe;
27
muprista agosasa nomutendeka wake worudyi mamwe mafuta ari muruoko rwake rworuboshwe kanomwe pamberi paJehovha.
28
Zvino muprista ngaaise mamwe mafuta ari muruoko rwake pamucheto wenzeve yorudyi yomunhu unonatswa, napagumwe roruoko rwake rworudyi, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi, panzvimbo yeropa rechipiriso chemhosva.
29
Mamwe mafuta akasara muruoko rwomuprista anofanira kuaisa pamusoro womunhu unonatswa, kuti amuyananisire pamberi paJehovha.
30
Zvino anofanira kubayira njiva imwe, kana kana kenjiva, sezvaanogona kuwana;
31
sezvaanogona kuwana, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa, pamwechete nechipiriso choupfu; kuti muprista ayananisire munhu unonatswa pamberi paJehovha.
32
Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi kumunhu usingagoni kuwana zvakakwanisira kunatswa kwake."
33
Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
34
"Kana masvika kunyika yeKanani, iyo yandakupai, kuti ive yenyu, kana ndikaisa hosha yamaperembudzi muimba yenyika yenyu;
35
muridzi weimba anofanira kuuya kuzoudza muprista, achiti, `Ndinoona kuti imba yangu inenge ine hosha.'
36
Ipapo muprista anofanira kuraira kuti vabudise zvose zviri mumba, iye muprista asina kupinda kundotarira hosha, kuti zvose zviri mumba zvirege kusvibiswa; pashure muprista apinde kundotarira imba iyo.
37
Zvino ngaacherekedze hosha; kana akaona kuti hosha iri mumadziro eimba; ina mavara akapinda, akaita samatema kana matsvuku, akaita saakapinda mukati mamadziro,
38
muprista anofanira kubuda paimba, ndokuenda kumukova weimba, ndokupfiga imba mazuva manomwe;
39
zvino muprista anofanira kudzokazve nezuva rechinomwe, kuti acherekedze; kana akaona kuti hosha yakapararira pamadziro eimba;
40
muprista anofanira kuraira kuti vabvise mabwe ane hosha paari, vaakandire panzvimbo isina kunaka kunze kweguta;
41
ipapo ngaaraire kuti imba iparwe mukati mayo kunhivi dzose, mavhu avanopara agodururirwa kunze kweguta panzvimbo isina kunaka;
42
zvino mamwe mabwe atorwe, aiswe panzvimbo yamamwe iwayo, iye atore aumbe imba naro.
43
Kana hosha ikadzokazve, ikabuda muimba iyo, mabwe ambobviswa, imba yaparwa nokuuyiwa,
44
muprista anofanira kupinda nokucherekedza; kana akaona kuti hosha yapararira mumba, ndiwo maperembudzi akaipa kwazvo, yava yakaipa.
45
Zvino anofanira kuputsa imba, namabwe ayo, namatanda ayo, nevhu rose reimba, ndokuzvitakurira kunze kweguta kunzvimbo isina kunaka.
46
Uye ani naani unopinda mumba panguva yose yokupfigwa kwayo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
47
Munhu wakavata muimba iyo, anofanira kusuka nguvo dzake.
48
"Kana muprista akapinda, akatarira, akaona kuti hosha haina kupararira mumba, kubva pakuuyiwa kweimba, muprista anofanira kureva kuti imba yakanaka, nokuti hosha yapora.
49
Zvino anofanira kutora shiri mbiri, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi, kuti anatse imba;
50
ipapo ngaauraye shiri imwe muhari yevhu pamusoro pemvura inoyerera,
51
ndokutora danda romusidhari, nehisopi, nomucheka mutsvuku, neshiri mhenyu, azvinyike muropa reshiri yakaurawa uye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomwe;
52
anofanira kunatsa imba neropa reshiri nemvura inoyerera neshiri mhenyu, nedanda romusidhari, nehisopi nomucheka mutsvuku;
53
asi shiri mhenyu anofanira kuiregedza kuti iende hayo kunze kweguta kusango; saizvozvo anofanira kuyananisira imba iyo, kuti ive yakanaka.
54
"Ndiwo murayiro wamarudzi ose wamaperembudzi napakafunuka;
55
nowamaperembudzi enguvo, neeimba,
56
nowapakazvimba, nowapakafunuka, nowechivara,
57
kuzivisa muprista kana chinhu chisina kunaka kana chakanaka. Ndiwo murayiro wamaperembudzi."
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27