bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Leviticus 13
Leviticus 13
Shona 2009?
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 14 →
1
Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
2
"Kana munhu anapakazvimba kana panofunuka, kana chivara paganda romuviri wake, pakaita sehosha yamaperembudzi paganda romuviri wake, anofanira kuiswa kuna Aroni muprista, kana kuno mumwe wavanakomana vake vaprista;
3
muprista zvino anofanira kucherekedza hosha iri paganda romuviri wake; kana mvere dziri pane hosha dzakashanduka dzikava chena, hosha ikaonekwa kuti yakapinda kwazvo mukati meganda romuviri wake, ihosha yamaperembudzi; muprista ngaamucherekedze, agoreva kuti haana kunaka.
4
Kana chivara chiri chichena paganda romuviri wake, chakaonekwa kuti hachina kupinda mukati meganda kwazvo, mvere dzisina kushanduka, dzikava chena, muprista anofanira kupfigira munhu uyo une hosha mazuva manomwe;
5
nomusi wechinomwe muprista anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yakaita seyamira, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino muprista anofanira kumupfigira mamwe mazuva manomwezve;
6
zvino muprista anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana akaona kuti hosha yaita nani, kuti hosha haina kunyenga paganda, zvino muprista uchareva kuti munhu wakanaka hake; pakanga pakafunuka hapo; ipapo anofanira kusuka nguvo dzake agova wakanaka.
7
Asi kana pakafunuka pachiramba pachinyenga paganda, ambozviratidza kumuprista kuti anzi wakanaka, ipapo anofanira kuzviratidzazve kumuprista;
8
zvino muprista anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ipapo muprista anofanira kureva kuti haana kunaka, maperembudzi.
9
"Kana hosha yamaperembudzi iri pamunhu, anofanira kuiswa kumuprista;
10
zvino muprista anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pachena paganda, mvere dzikashanduka, dzikaita chena, pakazvimba pakava nenyama yakatsvuka,
11
ndiwo maperembudzi anguva avapo paganda romuviri wake, zvino muprista ngaarege kumupfigira, nokuti haana kunaka, ngaareve kuti haana kunaka.
12
Kana maperembudzi akabuda pose-pose paganda, maperembudzi akafukidza ganda rose romunhu une hosha, kubva pamusoro wake kusvikira kutsoka dzake, pose panoonekwa nomuprista;
13
zvino muprista anofanira kutarira; kana akaona kuti maperembudzi akazadza muviri wake wose, anofanira kureva kuti munhu une hosha wakanaka, zvose zvashanduka zvachena, wakanaka hake.
14
Asi kana nyama tsvuku ikaonekwa kwaari, uchava usina kunaka.
15
Kana muprista akaona nyama yakatsvuka, anofanira kureva kuti haana kunaka; nyama yakatsvuka haina kunaka, maperembudzi.
16
Kana nyama yakatsvuka ikashandukazve, ikaita chena, anofanira kuuya kumuprista.
17
Ipapo muprista anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti hosha yashanduka, ikaita chena, muprista anofanira kureva kuti une hosha yakanaka, wakanaka hake.
18
"Zvino kana nyama ine mota paganda, pakapora,
19
panzvimbo yemota pakauya pakazvimba pakachena, kana chivara chakaita sechitsvuku, zvinofanira kuratidzwa muprista;
20
zvino muprista anofanira kucherekedza; kana akaona kuti pakadzika pasi peganda, mvere dzapo dzikashanduka dzikaita chena, muprista anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi yabuda napamota.
21
Asi kana muprista akapacherekedza, akaona kuti hakuna mvere chena ipapo, pasina kudzika pasi peganda, asi pava nani; muprista anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
22
Kana pakanyenga pose paganda, muprista anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha.
23
Asi kana chivara chikarambira panzvimbo yacho, chikasanyenga, ivanga haro remota; muprista anofanira kuti wakanaka.
24
"Kana nyama yomunhu ina pakatsva paganda rake, nyama yakatsvuka yapo ikaita chivara chichena chakaita sechitsvuku kana chichena,
25
muprista anofanira kupacherekedza; kana akaona kuti mvere dzapachivara dzashanduka, dzikaita chena, akaona kuti pakaita sapakadzika paganda, ava maperembudzi akabuda napakatsva; muprista anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
26
Asi kana muprista akapacherekedza, akaona kuti hapana mvere chena pachivara, uye kuti hapana kudzika pasi peganda, asi pava nani hapo, muprista anofanira kumupfigira mazuva manomwe.
27
Zvino muprista anofanira kumucherekedza nezuva rechinomwe; kana pakaramba pachinyenga paganda, muprista anofanira kureva kuti haana kunaka; ihosha yamaperembudzi.
28
Kana chivara chikaramba chiri panzvimbo yacho, chikasanyenga paganda, asi chava nani, ndiko kuzvimba kokutsva hako, muprista anofanira kureva kuti wakanaka hake, nokuti chivara chokutsva.
29
"Kana murume kana mukadzi ane hosha pamusoro kana pandebvu,
30
muprista anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti yakapinda mukati, pasi peganda, mvere dziripo dziri tsvuku dzakaita sechena, dziri nhete, muprista anofanira kureva kuti haana kunaka; pafunuka, ndiwo maperembudzi omusoro kana endebvu.
31
Kana muprista akacherekedza hosha yakafunuka, akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda, pasina mvere nhema ipapo, muprista anofanira kupfigira munhu une hosha yokufunuka mazuva manomwe.
32
Nomusi wechinomwe muprista anofanira kucherekedza hosha; kana akaona kuti haina kupinda mukati pasi peganda,
33
anofanira kuveurwa, asi ngaarege kuveura pakafunuka; zvino muprista anofanira kupfigira munhu unapakafunuka mamwe mazuva manomwezve;
34
nomusi wechinomwe muprista anofanira kucherekedza pakafunuka; kana akaona kuti pakafunuka hapana kunyenga paganda, uye kuti hapana kupinda mukati pasi peganda, muprista anofanira kureva kuti wakanaka hake; zvino iye ngaasuke nguvo dzake, anake.
35
Asi kana pakafunuka pakanyenga pose paganda shure kokunatswa kwake;
36
muprista anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakafunuka panyenga paganda, ngaarege hake kutsvaka mvere tsvuku dzakaita sechena; haana kunaka.
37
Asi kana iye akaona kuti pakafunuka paita sapamira, nemvere nhema dzabudapo, pakafunuka papora hapo, wakanaka; muprista anofanira kureva kuti wakanaka hake.
38
"Kana murume kana mukadzi vane zvivara paganda renyama yavo, zviri zvivara zvichena;
39
muprista anofanira kuzvicherekedza; kana akaona kuti zvivara paganda renyama zviri zvichena, zvisingabwinyi, imhezi dzakabuda paganda, vakanaka havo.
40
"Kana vhudzi romunhu rakabva pamusoro wake, wava nemhazha; asi wakanaka hake.
41
Kana vhudzi rake rakabva pamusoro wake nechemberi, une mhazha pahuma, asi wakanaka hake.
42
Asi kana pamhazha, kana pamhazha yapahuma, pane hosha chena yakaita setsvuku, maperembudzi anobuda pamhazha, kana pamhazha yapahuma.
43
Zvino muprista anofanira kumucherekedza; kana akaona kuti pakazvimba pehosha pachena pakaita sapatsvuku pamhazha yake, kana pamhazha yake yapahuma, pakafanana namaperembudzi paganda renyama,
44
munhu uyo una maperembudzi, haana kunaka; muprista anofanira kureva kwazvo kuti haana kunaka; hosha yake iri pamusoro wake.
45
Zvino munhu una maperembudzi, une hosha iyo, nguvo dzake dzinofanira kubvarurwa, nevhudzi romusoro wake rinofanira kufukurwa, uye anofanira kufukidza muromo wake wokumusoro, agodanidzira, achiti, `Ndakaipa, ndakaipa!'
46
Mazuva ose aane hosha iyo, uchava usina kunaka; haana kunaka; ngaagare ari oga; pokugara kwake panofanira kuva kunze kwemisasa.
47
"nguvowo ine hosha yamaperembudzi, kana iri nguvo yamakushe amakwai, kana iri nguvo yomucheka;
48
kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa; kana yamucheka, kana yamakushe amakwai; kana yedebwe, kana chinhu chakaitwa nedebwe;
49
kana hosha yakaita senhema, kana tsvuku panguvo, kana padebwe, kana pane zvakarukwa, kana pane zvakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedebwe; ihosha yamaperembudzi inofanira kuratidzwa muprista;
50
zvino muprista anofanira kucherekedza hosha iyo, agopfigira chinhu chine hosha mazuva manomwe;
51
zvino anofanira kucherekedza hosha nezuva rechinomwe; kana hosha yakanyenga panguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yedebwe, rine basa ripi neripi; hosha iyo ndeyamaperembudzi akaipa kwazvo; haina kunaka.
52
Zvino anofanira kupisa nguvo, kana iri yakarukwa, kana yakakoshwa, kana yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana ipi neipi yedebwe, ine hosha iyo; nokuti maperembudzi akaipa kwazvo; inofanira kupiswa nomoto.
53
"Kana muprista akatarira, akaona kuti hosha haina kunyenga panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedebwe;
54
muprista anofanira kuraira kuti vasuke chinhu chine hosha, zvino achipfigire mamwe mazuva manomwezve;
55
muprista agocherekedzazve kana hosha yasukwa; kana akaona kuti hosha haina kushanduka ruvara rwayo, uye kuti hosha haina kunyenga, hachina kunaka; anofanira kuchipisa nomoto; yapinda mukati kwazvo, kana nechapamusoro kana nechapanyasi.
56
Kana muprista akacherekedza, akaona kuti hosha yava nani pakusukwa kwayo, anofanira kubvarura nguvo kupabvisapo, kana padebwe, kana pakarukwa, kana pakakoshwa;
57
asi kana ikaramba ichionekwa panguvo, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana pachinhu chipi nechipi chedebwe, ihosha inobuda; anofanira kupisa chinhu icho chine hosha nomoto;
58
asi nguvo yaunosuka, kana pakarukwa, kana pakakoshwa, kana chiri chinhu chipi nechipi chedebwe, kana hosha ikabva kwachiri, chinofanira kusukwa rwechipiri, chigova chakanaka.
59
"Ndiwo murayiro wehosha yamaperembudzi panguvo yamakushe amakwai, kana yomucheka, kana chinhu chipi nechipi chedebwe, kuti chigonzi chakanaka, kana hachina kunaka."
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27