bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Leviticus 24
Leviticus 24
Shona 2009?
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 25 →
1
Jehovha wakataura naMozisi akati,
2
"Raira vana vaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta akanaka amaorivhi, akaisvonaka akasviniwa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose.
3
Kunze kwechidzitiro chechipupuriro, mutende rokusangana, Aroni anofanira kuigadzira kubva madekwana kusvikira mangwanani nguva dzose pamberi paJehovha; unofanira kuva mutemo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose.
4
Anofanira kugadzira mwenje pachigadziko chakaisvonaka nguva dzose pamberi paJehovha.
5
"Iwe unofanira kutora upfu hwakatsetseka, ugobika nahwo zvingwa zvine gumi nezviviri; chingwa chimwe nechimwe chinofanira kuitwa nezvegumi zviviri zveefa.
6
Unofanira kuzvigadzika patafura yakaisvonaka pamberi paJehovha uchiita nhurikidzwa mbiri, zvitanhatu panhurikidzwa.
7
Unofanira kuisawo pamusoro penhurikidzwa imwe neimwe zvinonhuhwira zvakanaka, kuti chive chokurangaridza chechingwa, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
8
Musi mumwe nomumwe weSabata unofanira kuzvirongedza pamberi paJehovha nguva dzose; isungano isingaperi inoitwa navana valsiraeri.
9
Zvinofanira kuva zvaAroni navanakomana vake; vazvidye panzvimbo tsvene, nokuti chitsvene kwazvo kwaari pakati pezvipiriso zvinopisirwa Jehovha nomutemo usingaperi."
10
Zvino mwanakomana womukadzi muIsiraeri, asi baba vake vaiva munhu weIjipiti, wakafamba pakati pavana vaIsiraeri, mwanakomana womukadzi muIsiraeri akarwa nomurume muIsiraeri pamisasa.
11
Mwanakomana womukadzi muIsiraeri akamhura zita raJehovha, akatuka, vakaenda naye kuna Mozisi. Zita ramai vake rakanga riri Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri, worudzi rwaDhani.
12
Vakamuisa mutirongo, kuti vaziviswe zvinorehwa naJehovha.
13
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
14
"Budisa mutuki kunze kwemisasa; zvino vose, vakamunzwa, vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake, ungano yose igomutaka namabwe.
15
Zvino iwe utaure navana vaIsiraeri, uti, `Ani naani anotuka Mwari wake anofanira kurohwa pamusoro pezvivi zvake.'
16
Munhu unomhura zita raJehovha, zvirokwazvo anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namabwe, kana ari mutorwa, kana ari wakaberekerwa munyika, kana achimhura zita raJehovha unofanira kuurawa.
17
"Munhu anorova mumwe, akafa, zvirokwazvo anofanira kuurawa;
18
nomunhu anorova chipfuwo, chikafa, anofanira kuchiripa; upenyu pachigaro choupenyu.
19
"Kana munhu akamanikidza wokwake, sezvaakaita iye, anofanira kuitirwawo;
20
kuvhunika kuchatsibwa nokuvhunika, ziso neziso, zino nezino, sezvaakamanikidza mumwe, naiye anofanira kuitirwa saizvozvo.
21
Munhu unouraya chipfuwo, anofanira kuripa; anouraya munhu, anofanira kuurawa.
22
Munofanira kuva nomurayiro mumwe chete kumutorwa kana kunowakaberekerwa panyika; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu."
23
Mozisi akataura navana vaIsiraeri, ivo vakabudisa mutuki kunze kwemisasa, vakamutaka namabwe. Vana vaIsiraeri vakaita sezvakarairwa naMozisi.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27