bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Leviticus 4
Leviticus 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 5 →
1
Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2
"Taura navana vaIsiraeri, uti, `Kana munhu akatadza nokusaziva pachinhu chimwe chezvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, akaita chimwe chazvo;
3
kana muprista wakazodzwa akatadza, akapinza vanhu pamhosva, anofanira kuvigira Jehovha nzombe duku isina mhosva, nokuda kwezvivi zvake zvaakatadza, kuti chive chipiriso chezvivi.'
4
Ngaauye nenzombe duku pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, aise ruoko rwake pamusoro wenzombe, ndokuuraya nzombe pamberi paJehovha.
5
Zvino muprista wakazodzwa ngaatore rimwe ropa renzombe, ariise patende rokusangana,
6
muprista agonyika mumwe wake muropa, ndokusasa rimwe ropa kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pechidzitiro chenzvimbo tsvene.
7
Zvino muprista aise rimwe ropa pamberi paJehovha panyanga dzearitari yezvinonhuhwira zvakanaka, iri mutende rokusangana, agodurura rimwe ropa rose renzombe mujinga mearitari yezvipiriso zvinopiswa, iri pamukova wetende rokusangana.
8
Zvino ngaabvise mafuta ose enzombe yechipiriso chezvivi, mafuta anofukidza ura, namafuta ose ari pamusoro peura,
9
netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiwuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo,
10
sezvaanobviswa panzombe yechipiriso chokuyananisa nacho; zvino muprista ngaazvipise pamusoro pearitari yezvipiriso zvinopiswa.
11
Debwe renzombe, nenyama yayo yose, pamwechete nomusoro wayo namakumbo ayo, neura hwayo, namazvizvi ayo;
12
nzombe yose iyo unofanira kuitakurira kunze kwemisasa, pakanaka, panorasirwa madota, ndokuipisira pamusoro pehuni nomoto; ngaipisirwe panorasirwa madota.
13
"Kana ungano yose yaIsiraeri ikatadza, chinhu icho chikasazikamwa neungano, kana vakaita chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, vakapara mhaka;
14
kana chivi chavakatadza chikazozikamwa, zvino ungano ngaiuye nenzombe duku, chive chipiriso chezvivi, iwuyiswe pamberi petende rokusangana.
15
Zvino vakuru veungano ngavaise maoko avo pamusoro wenzombe pamberi paJehovha, nzombe igourawa pamberi paJehovha.
16
Zvino muprista wakazodzwa ngaauye nerimwe ropa renzombe patende rokusangana,
17
muprista anyike mumwe wake muropa, arisase kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pechidzitiro.
18
Zvino ngaaise rimwe ropa panyanga dzearitari iri pamberi paJehovha, iri mutende rokusangana; rimwe ropa rose agoridururira mujinga mearitari yezvipiriso zvinopiswa, iri pamukova wetende rokusangana.
19
Zvino ngaabvise mafuta ose aripo, aapise pamusoro pearitari.
20
Ndizvo zvaanofanira kuitira nzombe; sezvaakaitira nzombe yechipiriso chezvivi, ndizvo zvaanofanira kuitira iyi; muprista anofanira kuvayananisira, vakangamwirwe.
21
Zvino unofanira kutakurira nzombe kunze kwemisasa, andoipisa, sezvaakapisa nzombe yokutanga; ndicho chipiriso chezvivi cheungano.
22
"Kana mukuru akatadza, akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvose zvakarairwa naJehovha Mwari wake kuti zvirege kuitwa, akapara mhaka;
23
kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nenhongo yembudzi isina mhosva, chive chipiriso chake.
24
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wembudzi, aiuraye panourayirwa chipiriso chinopiswa pamberi paJehovha, chive chipiriso chezvivi.
25
Zvino muprista ngaatore rimwe ropa rechipiriso chezvivi nomumwe wake, ariise panyanga dzearitari yechipiriso chinopiswa, nerimwe ropa rayo aridururire muzasi mearitari yechipiriso chinopiswa.
26
Mafuta ayo ose ngaapiswe pamusoro pearitari, sezvavakaita namafuta echipiriso chokuyananisa; muprista amuyananisire pamusoro pezvivi zvake, akangamwirwe.
27
"Kana mumwe wavanhu zvavo akatadza akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, akapara mhaka;
28
kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nesheshe yembudzi isina mhosva, chive chipiriso chake pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza.
29
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvivi, auraye chipiriso chezvivi panourayirwa chipiriso chinopiswa.
30
Zvino muprista ngaatore rimwe ropa rayo nomumwe wake, ariise panyanga dzearitari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa rayo rose ngaaridururire mujinga mearitari.
31
Zvino ngaabvise mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta ezvipiriso zvokuyananisa nazvo, muprista agoapisa pamusoro pearitari, chive chinhu chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha; muprista anofanira kumuyananisira, akangamwirwe.
32
"Kana akauya negwayana rokuita naro chipiriso chake chezvivi, ngaauye nesheshe isina mhosva.
33
Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvivi, agoriuraya panourayirwa chipiriso chinopiswa.
34
Zvino muprista ngaatore rimwe ropa rechipiriso chezvivi nomumwe wake, ariise panyanga dzearitari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa raro rose ngaaridururire mujinga mearitari;
35
zvino ngaabvise mafuta aro ose, sezvinobviswa mafuta egwayana pachibayiro chezvipiriso zvokuyananisa nazvo; muprista aapise pamusoro pearitari sezvinoitwa nezvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; muprista anofanira kumuyananisira pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza, akangamwirwe.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27