bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Leviticus 21
Leviticus 21
Shona 2009?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 22 →
1
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Taura navaprista, vanakomana vaAroni, uti kwavari, `muprista ngaarege kuzvisvibisa kuna vakafa pakati porudzi rwake;
2
asi kuhama yake yomumba, kana mai vake, kana baba vake, kana mwanakomana wake, kana mwanasikana wake, kana munun'una wake;
3
kana hanzvadzi yake ichiri mhandara, hama yomumba, usina kumbova nomurume; ungazvisvibisa kwaari.'
4
Ngaarege kuzvisvibisa, zvaari mukuru pakati pehama dzake, kuti azvishatise.
5
"Havafaniri kuveura misoro yavo, vachiita mhazha, kana kuveura rutivi rumwe rwendebvu dzavo, kana kutema nyora pamiviri yavo.
6
Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo, varege kumhura zita raMwari wavo; nokuti ndivo vanouya nezvipiriso zvaJehovha zvinopiswa, zvokudya zvaMwari wavo; naizvozvo ngavave vatsvene.
7
Havafaniri kutora mukadzi chifeve, kana wakachinyiwa; ngavarege kutora mukadzi wakarambwa nomurume wake, nokuti mutsvene kuna Mwari wake.
8
Naizvozvo unofanira iwe kumutsaura, nokuti ndiye unouya nezvokudya zvaMwari wako; anofanira kuva mutsvene kwauri, nokuti ini Jehovha ndinokutsaurai, ndiri mutsvene.
9
Kana mwanasikana womuprista upi noupi achizvishatisa nokupata, unoshatisa baba vake; anofanira kupiswa nomoto.
10
"Munhu, ari muprista mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake, wakatsaurwa kuti afuke nguvo dzomuprista mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kubvarura nguvo dzake.
11
Ngaarege kusvika pachitunha, kana kuzvisvibisa kuna baba vake kana mai vake;
12
ngaarege kubuda panzvimbo tsvene, kana kushatisa nzvimbo tsvene yaMwari wake, nokuti mafuta okugadza aMwari wake ari pamusoro pake; ndini Jehovha.
13
Ngaazvitorere mukadzi ichiri mhandara.
14
Ngaarege kutora chirikadzi, kana wakarambwa nomurume wake, kana wakachinyiwa, kana chifeve, asi ngaatore mukadzi ichiri mhandara pakati porudzi rwake.
15
Ngaarege kushatisa vana vake pakati porudzi rwake; nokuti ndini Jehovha ndinomutsaura."
16
zvino Jehovha wakataura naMozisi, akati,
17
"Taura naAroni, uti, `Ani naani wakaremara pakati pavana vako pamarudzi avo ose, ngaarege kuswedera kuuya nezvokudya zvaMwari wake.'
18
Nokuti munhu upi noupi wakaremara ngaarege kuswedera kana riri bofu, kana mhetamakumbo, kana wakaremara pachiso, kana uno mutezo wakarebesa,
19
kana munhu ano rutsoka rwakavhunika, kana ruoko rwakavhunika,
20
kana ano musana wakakombama, kana wakawonda kwazvo, kana uno ruvara paziso rake, kana ane mhizi, kana ane pakafunuka, kana wakaremara pamberi;
21
munhu upi noupi worudzi rwomuprista Aroni wakaremara haafaniri kuswedera kuuya nezvipiriso zvinopiswa zvaJehovha; wakaremara, haafaniri kuswedera kuuya nezvokudya zvaMwari wake.
22
Ungadya hake zvokudya zvaMwari wake, zvitsvene zvikuru nezvitsvene zvose.
23
Asi haafaniri kupinda mukati mechidzitiro, kana kuswedera kuaritari nokuti wakaremara; kuti arege kushatisa nzvimbo dzangu tsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovatsaura."
24
Mozisi akataura saizvozvo naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27