bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Daniel 1
Daniel 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 2 →
1
Negore recitatata ʋushe kwaJehoiakimo waJuda, Nebukadnezari mambo weBabironi, wakaȿika Jerusarema, akarikomba.
2
Ishe akaisa Jehoiakimi mambo waJuda muruʋoko rwake, pamŋe cete nedzimŋe nhumbi dzeimba yaMŋari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamŋari wake, akaisa nhumbi muimba yokuceŋgeta fuma yamŋari wake.
3
Mambo akaʋudza Ashpenazi, mutariri waʋaranda ʋake, kuti aʋuye na ʋamŋe ʋana ʋaIsraeri, ʋorudzi rwamambo norwamacinda;
4
majaya akaŋga asinemhoȿa, asi akaŋga akanaka pameso, akacenjera panjere dzose, akaŋgwara pakuziʋa, nokunzwisisa ʋucenjeri bgose, akaŋga akakwana kumira mumba mamambo; ʋuye kuti aʋadzidzise magwaro norurimi rwaʋaKardea.
5
Mambo akaraira kuti ʋapiwe mumŋe mugoʋe weɀokudya ɀamambo zuʋa rimŋe nerimŋe, nowewaini yaainwa, ʋuye kuti ʋaceŋgetwe makore matatu, kuti kana apera ʋagomira pamberi pamambo.
6
Ɀino pakati paʋo pakaŋga panaDanieri naHanania naMishaeri naAzaria, ʋari ʋana ʋaJuda.
7
Mucinda waʋaranda akaʋatumidza mazita, Danieri akamutumidza zita rinonzi Berteshazari, naHanania rinonzi Shadraki, naMishaeri rinonzi Meshaki, naAzaria rinonzi Abedi‐nego.
8
Asi Danieri wakaɀisuŋga mumŋoyo make kuti haaŋgaɀiȿiɓisi neɀokudya ɀamambo kana newaini yaainwa; saka wakakumbira kunomucinda waʋaranda kuti arege kuɀiȿiɓisa.
9
Ɀino Mŋari wakanzwisa Danieri ʋunyoro netsitsi pamberi pomucinda waʋaranda.
10
Mucinda waʋaranda akati kunaDanieri: Ndinotya ishe waŋgu mambo, wakaraira ɀamunofanira kudya nokunwa; nokuti ucaʋonereiko ɀiso ɀenyu ɀakawonda kupfuʋura ɀamajaya ezero renyu? Kana ɀakaɗaro mucaparisa musoro waŋgu mhoȿa kunamambo.
11
Ipapo Danieri akati kumutariri wakaŋga arairwa nomucinda waʋaranda kuceŋgeta Danieri naHanania naMishaeri naAzaria:
12
Ƌoidzai henyu ʋaranda ʋenyu mazuʋa anegumi; ŋgaʋatipei miriʋo tidye, nemvura tinwe.
13
Ipapo muŋgacerekedza ɀiso ɀeɗu neɀiso ɀamajaya anodya ɀokudya ɀamambo, mugoita naʋaranda ʋenyu seɀamunoʋona.
14
Naiɀoɀo wakatenda shoko raʋo pamsoro pecinhu ici, akaʋaidza mazuʋa anegumi.
15
Mazuʋa anegumi akati apera ɀiso ɀaʋo ɀikaʋonekwa kuti ɀakanaka, nemiʋiri yaʋo yakakura, ʋacipfuʋura majaya ose aidya ɀokudya ɀamambo.
16
Naiɀoɀo mutariri wakabvisa ɀokudya ɀaʋo ɀamambo, newaini yaʋakanzi ʋanwe, akaʋapa miriʋo.
17
Ɀino kana ari majaya awa manna, Mŋari wakaʋapa ziʋo nokuŋgwara pamagwaro ose noʋucenjeri bgose; asi Danieri wakaŋga acigona kunzwisisa ɀose ɀairatidzwa naMŋari neɀairotwa.
18
Ɀino mazuʋa akati apera akaŋga atarwa namambo okuti ʋaʋuyiswe nawo, mucinda waʋaranda akapinda naʋo pamberi paNebukadnezari.
19
Mambo akataurirana naʋo, pakati paʋose kukasawanikwa ʋakaŋga ʋakafanana naDanieri naHanania naMishaeri naAzaria; saka iʋo ʋakamira pamberi pamambo.
20
Pamashoko ose oʋucenjeri nookunzwisisa, aʋaivunzwa namambo, wakawana kuti iʋo ʋaipfuʋura kagumi ʋacenjeri ʋose neŋaŋga dzose dzaiʋa paʋushe bgake.
21
Danieri akaramba ari’po kuȿikira pagore rokutaŋga ramambo Koreshi.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12