bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Daniel 4
Daniel 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 5 →
1
Mambo Nebukadnezari kuʋanhu ʋose, namarudzi ose, namarimi ose, ʋagere pasi pose: Muwanzirwe rugare!
2
Ndakati ɀakanaka kuti ndi ku ziʋisei ɀiratidzo neɀishamiso, ɀandakaitirwa naMŋari Wokumsoro‐soro.
3
Ɀiratidzo ɀake ɀakakura sei! Ɀishamiso ɀake ɀinesimba guru sei! Ʋushe bgake ʋushe ʋusiŋgaperi, kuɓata kwake ʋushe kunoȿikira kumarudzi namarudzi.
4
Ini Nebukadnezari ndakaŋga ndigere norugare mumba maŋgu, ndinomufaro muimba yaŋgu yoʋushe.
5
Ndikaʋona kurota kwakandityisa, pfuŋgwa dzaŋgu panhoʋo dzaŋgu, neɀandakaratidzwa mumusoro maŋgu ɀikanditambudza.
6
Naiɀoɀo ndakatema cireʋo kuti ʋacenjeri ʋose ʋeBabironi ʋaʋuyiswe pamberi paŋgu, kuti ʋandiziʋise kuɗudzirwa kwokurota.
7
Ipapo ʋakacenjera neŋaŋga naʋaKardea naʋafemberi ʋakaʋuya, ndikaʋaʋudza kurota kwaŋgu, asi haʋana‐kundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo.
8
Asi pakupedzisira Danieri wakaʋuya pamberi paŋgu, iye unezita rinonzi Berteshazari, wakatumidzwa nezita ramŋari waŋgu, unomŋeya waʋamŋari ʋatȿene mukati make; ini ndikamuʋudza kurota kwaŋgu, ndiciti:
9
Iwe Berteshazari, mukuru waʋakacenjera, ɀandinoziʋa kuti mŋeya waʋamŋari ʋatȿene uri mukati mako, ʋuye kuti hakune‐cakaʋanzika cinokutambudza, cindiʋudza ɀandakaʋona pakurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo.
10
Ɀandakaʋona mumusoro maŋgu, ndiri panhoʋo dzaŋgu, ndiɀeɀi: Ndakatarira, ndikaʋona muti pakati penyika, kureɓa kwawo kwakaŋga kuri kukuru.
11
Muti ukakura, ukasimba, kureɓa kwawo kukaȿika kuɗeŋga, ʋuye wakaŋga uciʋonekwa kuȿikira kumigumo yenyika yose.
12
Mashizha awo akaŋga akanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀakaŋga ɀiri ɀizhinji, ɀose ɀaiwana’po ɀokudya; mhuka dzesaŋgo dzakawana mumvuri pasi pawo, neshiri dzokuɗeŋga dzaigara mumataʋi awo, ʋuye ɀipenyu ɀose ɀaidya’po.
13
Ndikaʋona paneɀandakaʋona mumusoro maŋgu ndiri panhoʋo dzaŋgu, ndikaʋona murindi, iye ari mutȿene, aciɓuruka kuɗeŋga.
14
Akaɗanidzira, akati: Temai muti, raŋgurai mataʋi awo, pururai mashizha awo, paradzirai ɀiɓereko ɀawo; mhuka ŋgadzibve pasi pawo, neshiri pamataʋi awo.
15
Asi siyai hunde yemidzi yawo muvu, wakasuŋgwa necisuŋgo ceɗare nendarira pakati peɓumhudza resaŋgo; ŋgaanyoroʋeswe neɗoʋa rokuɗeŋga, apiwe mugoʋe wake woʋuswa pamŋe cete nemhuka dzenyika;
16
mŋoyo wake ŋgaushandurwe, urege kuʋa womunhu, apiwe mŋoyo wemhuka, ŋguʋa nomŋe dzipere ari’po.
17
Kutoŋga uku kwaʋuya necireʋo caʋarindi, cinhu ici carebga neshoko raʋatȿene, kuti ʋapenyu ʋaziʋe kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa, nokugadza paʋuri ʋaɗuku pakati paʋanhu.
18
Ndiko kurota kwandakaʋona, ini mambo Nebukadnezari; ɀino iwe Berteshazari, ci ndi ziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ʋakacenjera ʋose ʋoʋushe bgaŋgu ɀaʋasiŋgagoni kundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo; asi iwe unogona, nokuti mŋeya waʋamŋari ʋatȿene uri mukati mako.
19
Ɀino Danieri, wakaŋga anezita rinonzi Berteshazari, wakashaiwa shoko ciŋguʋa ciɗuku, pfuŋgwa dzake dzikamuvundusa. Mambo akapindura, akati: Berteshazari, kurota uku nokuɗudzirwa kwaɀo ŋgaɀirege kukuvundusa. Berteshazari akapindura, akati: Ishe waŋgu, kurota uku ŋgakuitirwe ʋanokuʋeŋgai, nokuɗudzirwa kwaɀo ʋadziʋisi ʋenyu.
20
Muti wamakaʋona, iwo wakakura ukasimba, wakaȿika kuɗeŋga pakureɓa kwawo, wakaŋga uciʋonekwa kuȿikira kumigumo yenyika yose;
21
wakaŋga unamashizha akanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀiri ɀizhinji, paiwana ɀose ɀokudya, waigara mhuka dzesaŋgo pasi pawo, ʋuye paigara shiri dzokuɗeŋga mumataʋi awo,
22
ndiyemi mambo; imi makakura, mukaʋa nesimba, nokuti ʋukuru bgenyu bgakakura, ʋunoȿikira kuɗeŋga, ʋuye ʋushe bgenyu ʋunoȿikira kumugumo wenyika.
23
Ɀino mambo ɀaakaʋona murindi, ari mutȿene, aciɓuruka kuɗeŋga aciti: Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvu, wakasuŋgwa necisuŋgo ceɗare nendarira pakati peɓumhudza resaŋgo, anyoroʋeswe neɗoʋa rokuɗeŋga, ʋuye apiwe mugoʋe wake pamŋe cete nemhuka dzesaŋgo, kuȿikira ŋguʋa nomŋe dzapera ari’po;
24
uku ndiko kuɗudzirwa kwaɀo, imi mambo, ndico cireʋo coWokumsoro‐soro, cicaʋuya pamsoro pashe waŋgu mambo:
25
Mucadziŋgwa pakati paʋanhu, ʋugaro bgenyu ʋucaʋa pakati pemhuka dzesaŋgo, mucadyiswa ʋuswa senzombe, mucanyoroʋeswa neɗoʋa rokuɗeŋga, ʋuye ŋguʋa nomŋe dzicapera muri’po, kuȿikira maziʋa kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa.
26
Ʋuye ɀaʋakaraira kuti hunde yemidzi yomuti isiyiwe, ʋushe bgenyu ʋucakumutsirwai ɀe, kana matenda kuti Wo kuɗeŋga ndiye unoɓata ʋushe.
27
Naiɀoɀo imi mambo, tendai ɀandinokurairai, muparadzane neɀiʋi ɀenyu muciita ɀakarurama, ʋuye neɀakaipa ɀenyu, muciitira ʋarombo nyasha; ɀimŋe ŋguʋa yenyu yorugare iŋgawedzerwa.
28
Iɀeɀi ɀose ɀakawira mambo Nebukadnezari.
29
Mŋedzi inegumi nemiʋiri yakati yapera, wakaŋga acifamba paimba yoʋushe paBabironi.
30
Mambo akataura, akati: Ko iri harizi Babironi, guta guru, randakaʋaka ini nesimba raŋgu guru, ndikurise ʋumambo bgaŋgu, ʋuʋe ʋugaro bgamadzimambo, here?
31
Shoko iri rakaŋga riciri mumuromo wamambo, inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Iwe mambo Nebukadnezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti: Ʋushe bgabva kwauri.
32
Ucadziŋgwa pakati paʋanhu, ʋugaro bgako ʋucaʋa pakati pemhuka dzesaŋgo; ucadyiswa ʋuswa senzombe; ŋguʋa nomŋe dzicapera uri’po, kuȿikira watenda kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa.
33
Neŋguʋa iyo cinhu ici cakaitika pamsoro paNebukadnezari; wakadziŋgwa pakati paʋanhu, akadya ʋuswa senzombe, muʋiri wake ukanyoroʋeswa neɗoʋa rokuɗeŋga, kuȿikira vudzi rake rareɓa se minheŋga yegondo, nenzara dzake dzafanana nedzeshiri.
34
Ɀino mazuʋa iwayo akati apera, ini Nebukadnezari ndikatarira kuɗeŋga nameso aŋgu, simba raŋgu rokufuŋga rikadzokera ɀe kwandiri, ndikaʋoŋga Wokumsoro‐soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye uri mupenyu nokusiŋgaperi; nokuti ʋushe bgake haʋuperi, nokuɓata kwake ʋushe kunoȿikira kumarudzi namarudzi;
35
ʋose ʋagere panyika ʋakaita saʋasinamaturo; iye unoita seɀaanoɗa pahondo yokuɗeŋga, napakati paʋagere panyika; hakunauŋgadzora ruʋoko rwake, kana uŋgati kwaari: Unoiteiko?
36
Neŋguʋa iyeyo simba raŋgu rokufuŋga rakadzokera kwandiri; ʋuye kana iri mbiri yoʋushe bgaŋgu, ʋumambo bgaŋgu nokubginya kwaŋgu ɀakadzokera kwandiri; makurukota aŋgu namadzishe aŋgu akandishanyira ɀe, ndikagadzwa ɀe paʋushe bgaŋgu, ʋukuru bgakaiȿo‐naka ʋukandiwedzerwa.
37
Ɀino ini Nebukadnezari ndinorumbidza nokuwombera nokukudza Mambo wokuɗeŋga; nokuti maɓasa ake ose ndeeɀokwaɗi, nzira dzake dzakarurama; iye unogona kuɗeredza ʋanofamba ʋaciɀikudza.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12