bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Daniel 9
Daniel 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 10 →
1
Ɀino negore rokutaŋga raDariusi mŋanakomana waAhasuerosi, worudzi rwaʋaMedia, wakaŋga aitwa mambo woʋushe bgaʋaKardea,
2
negore rokutaŋga rokuɓata kwake ʋushe, ini Danieri ndakanzwisisa paɓuku kuti makore maŋgani akaŋga aʋudzwa muprofita Jeremia neshoko raJehova kuȿikira pakupera kwokuparadzwa kweJerusarema, kuti aiʋa makore makumi manomŋe.
3
Ndikarinzira ciso caŋgu kunaShe Mŋari, ndika mu tȿaka nokunyeŋgetera nokukumbira, nokuɀinyima ɀokudya, namasaga namaɗota.
4
Ndikanyeŋgetera kunaJehova Mŋari waŋgu, ndikaɀireʋurura ɀiʋi, ndikati: Haiwa, Ishe, Mŋari mukuru unotyisa, unosimbisa suŋgano yake nenyasha dzake kunaʋanomuɗa, ʋanoceŋgeta mirairo yake,
5
takatadza, takaita ɀisakarurama neɀakashata, takakumukirai, tikatsauka paɀireʋo ɀenyu neɀamakaraira;
6
hatina‐kuterera ʋo ʋaranda ʋenyu ʋaprofita, ʋakataura nezita renyu kunamadzimambo eɗu, namacinda eɗu, namadziɓaɓa eɗu nokuʋanhu ʋose ʋenyika.
7
Haiwa, Ishe, kururama kuri kwamuri, asi kwatiri isu kunyara kweɀiso ɀeɗu, sapazuʋa ranhasi; kuʋanhu ʋaJuda, nokunaʋagere Jerusarema, nokuʋaIsraeri ʋose, ʋari pedyo naʋari kure, panyika dzose kwamakaʋadziŋgira, nemhaka yokuɗarika kwaʋakakuɗarikirai imi.
8
Haiwa, Ishe, kunyara kweɀiso kuri kwatiri isu, kumadzimambo eɗu, namacinda eɗu, namadziɓaɓa eɗu, nokuti takakutadzirai.
9
KunaShe Mŋari weɗu ndi’ko kunenyasha nokukaŋganwira, nokuti takamumukira;
10
ʋuye hatina‐kuterera inzwi raJehova Mŋari weɗu, kuti tifambe nemirairo yake yaakaisa pamberi peɗu naʋaranda ʋake ʋaprofita.
11
Ɀirokwaɀo ʋaIsraeri ʋose ʋakaɗarika murairo wenyu, ʋacitsauka, kuti ʋarege kuterera inzwi renyu; nemhaka iyo kutuka kwenyu kwakaɗururirwa pamsoro peɗu, nokupika kwakanyorwa mumurairo waMosesi muranda waMŋari; nokuti takamutadzira.
12
Wakasimbisa mashoko ake aakatitaurira isu naʋatoŋgi ʋeɗu ʋaititoŋga, aciʋuyisa pamsoro peɗu cinhu cikuru cakaipa; nokuti pasi peɗeŋga rose hakuna‐kumboitwa cinhu cakaɗai cakaitirwa Jerusarema.
13
Seɀaɀakanyorwa pamurairo waMosesi, ɀakaipa iɀi ɀose ɀakatiwira; kunyaŋge ɀakaɗaro hatina‐kukumbira tsitsi kunaJehova Mŋari weɗu, kuti titsauke paɀakaipa ɀeɗu nokuŋgwarira ɀokwaɗi yenyu.
14
Naiɀoɀo Jehova wakarindira ɀakaipa, akaɀiʋuyisa pamsoro peɗu; nokuti Jehova Mŋari weɗu wakarurama pamaɓasa ake ose aanoita, asi isu hatina‐kuterera inzwi rake.
15
Ɀino imi Ishe Mŋari weɗu, makaɓuɗisa ʋanhu ʋenyu panyika yeEgipita noruʋoko runesimba, mukaɀiwanira mukurumbira, sapazuʋa ranhasi; takatadza, takaita ɀakashata.
16
Haiwa Ishe, nokuɗa kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyeŋgeterai kuti kutsamŋa kwenyu nehasha dzenyu ɀidzorwe paguta renyu reJerusarema, iro gomo renyu dɀene; nemhaka yeɀiʋi ɀeɗu, ʋuye nemhaka yeɀakaipa ɀamadziɓaɓa eɗu, Jerusarema naʋanhu ʋenyu ʋakaitwa cinhu cinoshoʋorwa pakati paʋose ʋanotipoteredza.
17
Naiɀoɀo ɀino, imi Mŋari weɗu, inzwai kunyeŋgetera kwomuranda wenyu, neɀaanokumbira, muvenekere neciso cenyu panɀimbo yenyu tȿene, yaʋa ɗoŋgo, nokuɗa kwaShe.
18
Haiwa, Mŋari waŋgu, rerekerai nzeʋe yenyu, munzwe; ȿinudzai meso enyu, muʋone kuparadzwa kweɗu, neguta rakatumidzwa zita renyu; nokuti hatiȿitsi mikumbiro yeɗu pamberi penyu nokuɗa kweɀakarurama ɀeɗu, asi nokuɗa kwenyasha dzenyu huru.
19
Haiwa, Ishe, inzwai; Ishe, kaŋganwirai; Ishe, tererai, muite; regai kunonoka, nokuɗa kwenyu, imi Mŋari waŋgu, nokuɗa kweguta renyu naʋanhu ʋenyu ʋakatumidzwa zita renyu.
20
Ɀino ndakati ndicataura nokunyeŋgetera nokuɀireʋurura ɀiʋi ɀaŋgu neɀiʋi ɀaʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, nokuisa kukumbira kwaŋgu pamberi paJehova Mŋari waŋgu pamsoro pegomo dɀene raMŋari waŋgu;
21
ndakati ndicataura pakunyeŋgetera, uya murume Gabrieri, wandakaŋga ndaʋona paneɀandakaratidzwa pakutaŋga, ndaneta kwaɀo, wakaȿika kwandiri neŋguʋa ineŋge yecipo camaɗekwana.
22
Akandiɗudzira, akataura neni, akati: Danieri, ndaʋuya ɀino kukuʋigira njere nokunzwisisa.
23
Cireʋo cakatemŋa, ucaŋgotaŋga kukumbira, ɀino ndaʋuya kuzokuʋudza; nokuti uri murume unoɗikanwa kwaɀo; naiɀoɀo fuŋga shoko iri, unzwisise ɀawakaratidzwa.
24
Viki dzinamakumi manomŋe dzakatemerwa ʋanhu ʋako neguta rako dɀene, kupedzisa kuɗarika nokugumisa ɀiʋi, nokuyananisira ɀakaipa, nokuʋuyisa kururama kusiŋgaperi, nokusimbisa ɀakaratidzwa noʋuprofita, nokuzodza nɀimbo tȿene‐tȿene.
25
Naiɀoɀo ciziʋa unzwisise, kuti kubva pakutemŋa kwomurairo wokuʋandudza nokuʋaka Jerusarema kuȿikira kunowakazodzwa, iye mucinda, ɀicaita viki nomŋe; ʋuye viki dzinamakumi matanhatu nembiri dzicaʋa’po dzokuʋakwa kwaro, rinenɀimbo mhamhi nemigero, asi ɀicaitwa neŋguʋa yokutambudzika.
26
Ɀino kana viki idzo dzinamakumi matanhatu nembiri dzapera, wakazodzwa ucabviswa, akasara asinecinhu; ʋanhu ʋomucinda, unozoʋuya, ʋacaparadza guta nenɀimbo tȿene; asi kuguma kwaɀo kucaʋuya nokukukurwa, kurwa kucaʋa’po kuȿikira pakuguma; kuparadzwa kwakatemŋa.
27
Ɀino iye ucaita suŋgano yakasimba naʋazhinji viki imŋe; pakati peviki ucagumisa ciɓayiro necipo, ɀino muparadzi ucaȿika neɓapiro reɀinonyaŋgadza; kuȿikira pakuguma kwaɀo kwakagara kwatarwa, kutsamŋa kucaɗururirwa pamsoro peɀakaparadzwa.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12