bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Daniel 12
Daniel 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
1
Neŋguʋa iyo Mikaeri ucasimuka, iye mucinda mukuru unorindira ʋana ʋaʋanhu ʋako; ipapo ŋguʋa yenjodzi icaʋa’po, isinakumboʋa’po yakaɗaro kubva pakumuka kwamarudzi aʋanhu kuȿikira ŋguʋa iyo; neŋguʋa iyo ʋanhu ʋako ʋacarwirwa, iʋo ʋose ʋakanyorwa mubuku.
2
Ɀino ʋazhinji ʋaʋaʋete muguruʋa rapasi ʋacamuka, ʋamŋe ʋacamukira ʋupenyu ʋusiŋgaperi, ʋamŋe kukunyadziswa nokuɀidzwa kusiŋgaperi.
3
Ʋakacenjera ʋacapenya sokupenya kwokuɗeŋga, ʋuye ʋanodzorera ʋazhinji kukururama ʋacapenya senyeredzi nokusiŋgaperi‐peri.
4
Asi iwe Danieri, ʋanza mashoko, unamire buku necisimbiso, kuȿikira kuŋguʋa yokupedzisira; ʋazhinji ʋacamhanya pose‐pose, neziʋo icawanda.
5
Ipapo ini Danieri ndakatarira, ndikaʋona ʋamŋe ʋaʋiri, mumŋe pamhenderekedzo yorwizi necoʋuno mhiri, mumŋe pamhenderekedzo yorwizi necemhiri.
6
Mumŋe akati kumurume wakaŋga akapfeka muceka, wakaŋga ari pamsoro pemvura yorwizi: Iŋguʋa yakaɗini kuȿikira pakuguma kweɀishamiso iɀi?
7
Ndikanzwa murume wakaŋga akapfeka muceka, wakaŋga ari pamsoro pemvura yorwizi, acisimudzira kuɗeŋga ruʋoko rwake rworudyi noruʋoko rwake rworuɓoshwe, acipika naiye unorarama nokusiŋgaperi, kuti ɀicaita ŋguʋa imŋe, nedzimŋe ŋguʋa, nehafu yeŋguʋa; kana ʋapedza kuputsanya simba raʋanhu ʋatȿene, iɀi ɀose ɀicapedziswa.
8
Ndikanzwa, asi handinakuɀinzwisisa; ipapo ndikati: Haiwa ishe waŋgu, kupera kweɀinhu iɀi ndokweiko?
9
Iye akati: Cienda hako, iwe Danieri; nokuti mashoko awa akaʋanzwa nokunamirwa necisimbiso kuȿikira paŋguʋa yokupedzisira.
10
Ʋazhinji ʋacaɀinatsa nokuɀicenesa nokubviswa tȿina, asi ʋakaipa ʋacaita ɀakaipa; hakuna pakati paʋakaipa ucanzwisisa, asi ʋakacenjera ndiʋo ʋacanzwisisa.
11
Kubva paŋguʋa yokubviswa kwe cipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, nokumutswa kwecinonyaŋgadza cinoparadza, ɀicaita mazuʋa anecuru cimŋe namazana maʋiri namakumi mapfumbamŋe.
12
Wakaropafadzwa unoramba acimirira kuȿikira pamazuʋa anecuru cimŋe namazana matatu namakumi matatu namashanu.
13
Asi iwe cienda hako kuȿikira kuguma kwaʋa’po; nokuti iwe ucazorora, ndokumukira ɀe mugoʋe wako pakupera kwamazuʋa iwayo.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12