bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Daniel 3
Daniel 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 4 →
1
Ɀino mambo Nebukadnezari wakaita cifananidzo cendarama; cakaŋga cakaita makubiti makumi matanhatu pakureɓa, namakubiti matanhatu paʋupamhi; akacimisa paɓani reDura munyika yaBabironi.
2
Ipapo mambo Nebukadnezari akatuma ʋanhu kundokokera macinda naʋarairi namadzishe naʋatoŋgi naʋaceŋgeti ʋefuma namakurukota naʋaziʋi ʋemirairo naʋaɓati ʋose ʋamatiʋi enyika, kuti ʋaʋuye kumutambo wokugadzwa kwecifananidzo cakaŋga camiswa naNebukadnezari.
3
Ipapo macinda naʋarairi namadzishe naʋatoŋgi naʋaceŋgeti ʋefuma namakurukota naʋaziʋi ʋemirairo naʋaɓati ʋose ʋamatiʋi enyika ʋakaʋuŋganira kumutambo wokugadzwa kwecifananidzo cakaŋga camiswa naNebukadnezari; ʋakamira pamberi pecifananidzo cakaŋga camiswa naNebukadnezari.
4
Ɀino muɗanidziri wakaɗanidzira aciti: Munorairwa imi ʋanhu, namarudzi, namarimi,
5
kuti neŋguʋa yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, muwire pasi mucinamata cifananidzo cendarama cakamiswa namambo Nebukadnezari;
6
aninani usiŋgawiri pasi acinamata, neŋguʋa iyo ucawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo.
7
Naiɀoɀo neŋguʋa iyo ʋanhu ʋose ʋacinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose ʋakawira pasi ʋakanamata cifananidzo cendarama cakaŋga camiswa namambo Nebukadnezari.
8
Ɀino neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋaKardea ʋakasweɗera ʋakapomera ʋaJuda.
9
Ʋakapindura, ʋakati kunamambo Nebukadnezari: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi.
10
Imi mambo makatema cireʋo, kuti munhu mumŋe nomumŋe kana aciŋge acinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, awire pasi acinamata cifananidzo cendarama;
11
asi aninani usiŋgawiri pasi acinamata, ucawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo.
12
Ɀino ʋamŋe ʋaJuda ʋari’po, ʋamakagadza ʋaʋe ʋarairi ʋeɀinhu ɀose ɀenyika yeBabironi, ʋanaShadraki naMeshaki naAbedi‐nego; ʋarume aʋa haʋana‐kuʋa nehanya nemi, imi mambo; haʋashumiri ʋamŋari ʋenyu, kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa.
13
Ipapo Nebukadnezari akaraira nehasha nokutsamŋa kwake kuti Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋaʋuyiswe. Ɀino ʋakaʋuyisa ʋarume aʋa pamberi pamambo.
14
Nebukadnezari akapindura, akati kwaʋari: Maʋune here, imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ɀamunoramba kushumira mŋari waŋgu, nokunamata cifananidzo cendarama candakamisa ini?
15
Ɀino kana mucitenda kuwira pasi mucinamata cifananidzo candakaita neŋguʋa yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira noruɗimbga nomuteŋgeranwa namarimba, neɀimŋe ɀose ɀinoridzwa, ɀakanaka haɀo; asi kana musiŋganamati, mucawisirwa neŋguʋa iyo mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo; mŋari ucakurwirai mumaʋoko aŋgu ndoupiko?
16
Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Imi Nebukadnezari, hatiŋgafaniri heɗu kukupindurai pamsoro peshoko iri.
17
Kana ɀikaitika haɀo, Mŋari weɗu watinoshumira uŋgagona kutirwira pacoto comŋoto unopfuta kwaɀo; iye ucatirwira paruʋoko rwenyu, imi mambo.
18
Asi kana ɀikasaitika, ziʋai imi mambo, kuti hatiŋgashumiri ʋamŋari ʋenyu kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa imi.
19
Ipapo Nebukadnezari wakatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikashandukira Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego; akataura akaraira kuti coto comŋoto ciʋeserwe mŋoto unopisa kwaɀo kukunda unosiʋeserwa’mo kanomŋe.
20
Akaraira ʋamŋe ʋarume ʋanesimba guru ʋaiʋa pahondo yake, kuti ʋasuŋge Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋaʋawisire mucoto comŋoto unopfuta kwaɀo.
21
Ipapo ʋarume aʋo ʋakasuŋgwa ʋanamajasi aʋo namaburuku aʋo neŋgowani dzaʋo nedzimŋe ŋguʋo dzaʋo, ʋakawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo.
22
Ɀino murairo wamambo ɀawakaŋga unehasha, ʋuye coto ɀacakaŋga cicipisisa kwaɀo, muraɀo womŋoto wakaʋuraya ʋarume ʋakaŋga ʋaciisa’ko Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego.
23
Ʋarume aʋa ʋatatu, ʋana‐Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋakawira pasi ʋakasuŋgwa mukati mecoto comŋoto waipfuta kwaɀo.
24
Ipapo mambo Nebukadnezari wakavunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake: Hatina‐kuwisira ʋarume ʋatatu ʋakasuŋgwa mukati momŋoto here? Iʋo ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Ndiɀoɀo, imi mambo.
25
Iye akapindura, akati: Tarirai, ndinoʋona ʋarume ʋanna, ʋakasunuŋguka, ʋacifamba mumŋoto, ʋasina‐paʋakakuʋadzwa; wecinna pakuʋonekwa kwake wakaita somŋanakomana waʋamŋari.
26
Ipapo Nebukadnezari akasweɗera kumuromo wecoto comŋoto wakaŋga ucipfuta kwaɀo, akataura, akati: Nhai imi Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, imi ʋaranda ʋaMŋari Wokumsoro‐soro, ɓuɗai muʋuye pano. Ipapo Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakaɓuɗa mukati momŋoto.
27
Ɀino macinda naʋarairi namadzishe namakurukota amambo ʋakaʋuŋgana ʋakaʋona ʋarume aʋa, kuti mŋoto wakaŋga washaiwa simba pamiʋiri yaʋo, kunyaŋge nevudzi remisoro yaʋo rakaŋga risina‐kufuwurwa, namajasi aʋo akaŋga asina‐kushanduka; kunyaŋge nomunhuwi womŋoto wakaŋga usina‐kuȿika kwaʋari.
28
Nebukadnezari akataura akati: Mŋari waShadraki naMeshaki naAbedi‐nego ŋgaaʋoŋgwe, iye wakatuma mutumŋa wake, akarwira ʋaranda ʋake ʋakaŋga ʋaciʋimba naye, iʋo ʋakaŋga ʋaramba shoko ramambo, ʋakaisa miʋiri yaʋo, kuti ʋarege kushumira kana kunamata mŋari upi noupi, asi iye Mŋari waʋo.
29
Naiɀoɀo ndinotema cireʋo, kuti ʋanhu ʋose namarudzi ose namarimi ose, ʋanotaura ɀisino‐kufanira pamsoro paMŋari waShadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋatemŋe‐temŋe, nedzimba dzaʋo dziitwe maturunhuru; nokuti hakuno‐mumŋe mŋari unogona kurwira saiɀoɀo.
30
Ipapo mambo akawedzera ʋukuru bgaShadraki naMeshaki naAbedi‐nego panyika yeBabironi.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12