bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Daniel 8
Daniel 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 9 →
1
Negore recitatu rokuɓata ʋushe kwamambo Bershazari, ini Danieri ndakaratidzwa ciratidzo, shure kweciya candakaratidzwa pakutaŋga.
2
Ndikaʋona paneɀandakaratidzwa; ɀino ndakati ndicitarira, ndakaŋga ndiri paShushani, paimba yamambo, iri panyika yeErami; ndikaʋona paneɀandakaratidzwa, ndiri parwizi Urai.
3
Ndikarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona gondobge rimire pamberi porwizi, rinenyaŋga mbiri; nyaŋga mbiri dzakaŋga dzakareɓa, asi rumŋe rwakaŋga rwakapfuʋura rumŋe nokureɓa; rwakaŋga rwakareɓa ndirwo rwakaɓuɗa shure.
4
Ndikaʋona gondobge ricituŋga kumatiʋi amaʋirazuʋa, nokumsoro, nezasi; hakuneɀipfuwo ɀaigona kuramba ɀimire pamberi paro, ʋuye kwakaŋga kusina‐waigona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakaɗa napo, rikaɀikudza.
5
Ɀino ndakati ndicafuŋga iɀoɀo, ndikaʋona nhoŋgo icibva kumaʋirazuʋa icifamba panyika pose, asi isiŋgatsiki pasi; ɀino nhoŋgo yakaŋga inorunyaŋga rukuru pakati pameso ayo.
6
Ikaȿika pagondobge, raiʋa nenyaŋga mbiri, randakaʋona rimire pamberi porwizi, ikamhanyira kwariri nehasha dzesimba rayo.
7
Ndikaʋona icisweɗera pedyo negondobge, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatuŋga gondobge, ikavuna nyaŋga dzaro mbiri; gondobge rakaŋga risinesimba kumira pamberi payo; asi yakariwisira pasi, ikatsika pamsoro paro, hakuna‐wakagona kurwira gondobge pasimba rayo.
8
Nhoŋgo ikaɀikudza ɀikuru kwaɀo; ɀino yakati yasimba, runyaŋga rukuru ndokuvunika, nyaŋga huru inna dzikaɓuɗa panɀimbo yarwo, dzakatarira kumhepo inna dzokuɗeŋga.
9
Ɀino kunorumŋe rwadzo kwakaɓuɗa runyaŋga ruɗuku, rwakazokura kwaɀo, kumatiʋi ezasi, nokumaʋirazuʋa, no kunyika yakaiȿo‐naka.
10
Rukakura kuȿikira iko kuhondo dzokuɗeŋga, rukawisira pasi dzimŋe hondo nenyeredzi, ndokutsika pamsoro paɀo.
11
Rukaɀikudza kuȿikira kumucinda wehondo; rukamutorera cipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, nɀimbo yeimba yake tȿene ikaputswa.
12
Hondo ikamutswa kuzorwa necipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose nokuɗa kwokuɗarika; rukawisira pasi ɀokwaɗi, rukafara paneɀose ɀarwakaita.
13
Ipapo ndakanzwa mumŋe mutȿene acitaura; ɀino mumŋe mutȿene ɀe akati kunaiye wakaŋga acitaura: Ko iɀo ɀakaratidzwa ɀicaȿika rini, iɀo ɀecipiriso cinopiswa nokusiŋgaperi nokuɗarika kunoparadza, kuti nɀimbo tȿene nehondo ɀiregwe ɀicitsikwa netsoka?
14
Akati kwandiri: Kuȿikira maɗekwana namaŋgwanani aneɀuru ɀiʋiri namazana matatu; ipapo nɀimbo tȿene icanatswa.
15
Ɀino ini, iyeni Danieri, ndakati ndaʋona ɀandaratidzwa, ndikatȿaka kuɀinzwisisa, ndikaʋona mumŋe wakaŋga akaita somunhu amire pamberi paŋgu.
16
Ndikanzwa inzwi romunhu ricibva pakati pe mhenderekedzo dza Urai, riciɗana riciti: Gabrieri, ɗudzira munhu uyu ɀaakaratidzwa.
17
Ipapo akasweɗera kwandakaŋga ndimire; ɀino wakati aciȿika, ndikatya, ndokuwira pasi neciso caŋgu; asi wakati kwandiri: Cinzwisisa, iwe mŋanakomana womunhu, nokuti ɀawakaratidzwa ndeɀeŋguʋa yokupedzisira.
18
Ɀino wakati acataura neni, ndikaɓatwa nehope kwaɀo ndiʋete neciso caŋgu pasi; asi wakandiɓata, akandimisa.
19
Akati: Tarira, ndicakuziʋisa ɀicaʋa’po paŋguʋa yokupedzisira yokutsamŋa kwaJehova, nokuti ndeɀeŋguʋa yakatarwa yokupedzisira.
20
Gondobge rawakaʋona, rakaŋga rinenyaŋga mbiri, ndiwo madzimambo aʋaMedia naʋaPersia.
21
Ʋuye nhoŋgo inemvere ndiye mambo weGirisi; runyaŋga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutaŋga.
22
Kana ruri runyaŋga rwakavunika, dzimŋe inna dzikaɓuɗa panɀimbo yarwo, ʋushe ʋunna ʋucaɓuɗa parudzi urwo, asi haʋuŋgaʋi nesimba rarwo.
23
Ɀino paŋguʋa yokupedzisira yoʋushe bgaʋo, kana ʋaɗariki ʋazadza ciyero caʋo, mambo uneciso cinehasha, unoziʋa kuita namano akaipa, ucamuka.
24
Simba rake ricaʋa guru, asi haɀiŋgaitwi nesimba rake cairo; ucaparadza ɀinoshamisa, asi ucafara paneɀose ɀaanoita; ucaparadza ʋanesimba naʋanhu ʋatȿene.
25
Ɀino nokuŋgwara kwake ucafambisa nhema noruʋoko rwake; ucaɀikudza mumŋoyo make, nokuparadza ʋazhinji ʋakafara haʋo; ucamukira ʋo mucinda waʋacinda, asi ucaputswa ɀisiŋgaitwi noruʋoko rwomunhu.
26
Ɀawakaratidzwa ɀamaɗekwana neɀamaŋgwanani, ɀawakaʋudzwa, ndeɀaɀokwaɗi; asi iwe ʋanza ɀawaʋona, nokuti ndeɀamazuʋa mazhinji anozoʋuya.
27
Ini Danieri ndikapera simba, ndikarwara mazuʋa; ipapo ndikamuka, ndikaɓata maɓasa amambo, ndikashamiswa neɀandakaratidzwa, asi kwakaŋga kusinomunhu waiɀinzwisisa.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12