bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Daniel 11
Daniel 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 12 →
1
Kana ndiri’ni, negore rokutaŋga raDariusi muMedia, ini ndakasimuka kundomutsigira nokumusimbisa.
2
Ɀino ndicakuziʋisa ɀokwaɗi. Tarira, paPersia pacamuka ɀe madzimambo matatu; wecinna ucaʋa mufumi kupfuʋura iʋaʋo ʋose; ɀino kana asimba kwaɀo nefuma yake, ucamutsa ʋamŋe ʋose kuzorwa noʋushe bgeGirisi.
3
Ɀino mambo unesimba ucamuka, ucaɓata ʋushe nesimba guru, aciita seɀaanoɗa.
4
Kana amuka, ʋushe bgake ʋucaputswa, ndokuparadzirwa kumhepo inna dzokuɗeŋga, asi haʋuŋgaendi kuʋazukuru ʋake, ʋuye haʋuŋgaenzani nesimba raakaɓata naro iye; nokuti ʋushe bgake ʋucadzurwa, ndokupiwa ʋamŋe kunze kwaiʋaʋo.
5
Mambo wezasi ucaʋa nesimba, nomumŋe wamacinda ake; ɀino iye ucamupfuʋura nesimba, ndokuɓata ʋushe; ʋushe bgake ʋucaʋa ʋushe ʋukuru.
6
Kana mamŋe makore apfuʋura, ʋacaita suŋgano; mukunda wamambo wezasi ucaenda kunamambo wokumsoro kuzotȿaka suŋgano, asi iye mukunda haaŋgarambi anesimba roruʋoko rwake; kunyaŋge naiye mambo haaŋgamiri, nesimba roruʋoko rwake; asi mukunda, naʋakaʋuya naye, naiye wakamuɓereka, naiye wakamusimbisa neŋguʋa idzo ʋacaiswa kukuparadzwa.
7
Asi paɓukira remidzi yake mumŋe ucamuka panɀimbo yake; iye ucarwa nehondo, ndokupinda munhare yamambo wokumsoro, ucarwa naʋo nokuʋakunda.
8
Ucatapa ʋo ʋamŋari ʋaʋo, pamŋe cete nemifananidzo yaʋo yakaʋumbga, nemidziyo yaʋo yakanaka yesirveri nendarama, acindoɀiisa Egipita; ipapo ucarega mambo wokumsoro mamŋe makore.
9
Ucapinda ʋo muʋushe bgamambo wezasi, asi ucazodzokera kunyika yake.
10
Ʋanakomana ʋake ʋacandorwa, ʋacaʋuŋganidza ɓoka guru raʋarwi, ricaʋuya, nokupararira, ndokupfuʋura neseri; ipapo ricadzoka ndokuzorwa kuȿikira panhare yake.
11
Ɀino mambo wezasi ucatsamŋa, ucandorwa naye, naiye mambo wokumsoro; asi iye ucakokera ɓoka guru, ɓoka iro ricaiswa mumaʋoko ake.
12
Ƃoka iro ricatapxa, ɀino mŋoyo wake ucaɀikudza; ucaparadza ʋanamakumi eɀuru, asi haaŋgakundi.
13
Ɀino mambo wokumsoro ucadzoka, ndokukokera ɓoka guru kunerokutaŋga; ucaʋuya pakupera kweŋguʋa dziya, dziya dzamakore, anehondo huru nenhumbi zhinji.
14
Neŋguʋa idzo ʋazhinji ʋacamukira mambo wezasi; ʋuye ʋana ʋaʋanopeŋga pakati paʋanhu ʋako ʋacaɀikudza, kuti ʋasimbise ɀawakaratidzwa; asi ʋacaparadzwa.
15
Ɀino mambo wokumsoro ucaȿika, ndokuʋatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakaʋakirwa kwaɀo; hondo dzezasi hadziŋgagoni kumira, kunyaŋge naʋanhu ʋake ʋakatsaurwa, ʋuye ʋacashaiwa simba rokumira naro.
16
Asi uyo unoʋuya kuzorwa naye ucaita seɀaanoɗa, hakuna‐uŋgamira pamberi pake; ɀino iye ucamira panyika yakaiȿo‐naka, akaɓata kuparadza muruʋoko rwake.
17
Ipapo ucashiŋgaira kuʋuya nesimba roʋushe bgake bgose, anesuŋgano yake; ucaita iɀoɀo, ucamupa mŋanasikana waʋakadzi, kuti amuparadze; asi ɀicakona, haana‐caacawana.
18
Shure kwaiɀoɀo ucarinzira ciso cake kuɀiwi, ndokukunda ɀizhinji; asi mumŋe mukuru wehondo ucagumisa kushoʋora kwake; ucadzosera kushoʋora kwake kunaiye amene.
19
Ipapo ucarinzira ciso cake kunhare dzenyika yake; asi ucagumburwa nokuwa, ndokushaikwa.
20
Ɀino panɀimbo yake kucamuka mumŋe ucatuma muteresi kupfuʋura napakaiȿo‐naka paʋushe bgake, asi kana mazuʋa mashoma apera ucaparadzwa, ɀisiŋgaitwi nokutsamŋa kana nokurwa.
21
Panɀimbo yake kucamuka munhu unofanira kuɀidzwa, wakaŋga asinokupiwa kukudzwa kwoʋushe; asi iye ucaȿika neŋguʋa yokufara kwaʋanhu, ndokutora ʋushe nokuɓata kumeso.
22
Hondo dzinokukura dzicakukurwa pamberi pake, dzicaparadzwa; ɀirokwaɀo, naiye mucinda wesuŋgano ʋo.
23
Kana apedza kuita suŋgano naʋo, ucaʋanyeŋgera; nokuti ucakwirira, nokuʋanesimba naʋanhu ʋashoma.
24
Neŋguʋa yokufara kwaʋanhu ucapinda pamatiʋi akaʋorera enyika; ucaita ɀisino‐kumboitwa namadziɓaɓa ake, kunyaŋge namadziɓaɓa amadziɓaɓa ake; ucaparadzira pakati paʋo ɀaakatapa neɀaakapamba nenhumbi; ucatanda mano ake pamsoro penhare, asi neŋguʋa ɓedzi.
25
Ipapo ucamutsira mambo wezasi simba rake nomŋoyo wake, anehondo huru; mambo wezasi ucarwa anehondo huru kwaɀo inesimba; asi haaŋgamiri, nokuti ʋacamutandira mano.
26
Ʋanodya ɀokudya ɀake, ndiʋo ʋacamuparadza; hondo yake icapararira, ʋazhinji ʋacawira pasi ʋaʋurawa.
27
Kana ari madzimambo awo maʋiri, mŋoyo yaʋo icaɗa kuita ɀakashata, ʋacareʋa nhema ʋari patafura rimŋe; asi haɀiŋgaɓatsiri, nokuti kuguma kucaȿika neŋguʋa yakatarwa.
28
Ipapo ucadzokera kunyika yake nenhumbi zhinji; mŋoyo wake ucaʋeŋga suŋgano, ucaita seɀaanoɗa, ndokudzokera kunyika yake.
29
Neŋguʋa yakatarwa ucadzoka, ndokuȿika kunyika yezasi; asi neŋguʋa yokupedzisira haɀiŋgaiti sapakutaŋga.
30
Nokuti ɀikepe ɀeKitimi ɀicaʋuya kuzorwa naye; naiɀoɀo ucaʋora mŋoyo, ndokudzoka akatsamŋa pamsoro pesuŋgano, ndokuita seɀaanoɗa; ucadzoka, ndokuʋa nehanya naʋakaramba suŋgano tȿene.
31
Hondo dzicamutswa naye, dzicamhura nɀimbo tȿene, iyo nhare, ʋacabvisa cipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, ndokumutsa cinonyaŋgadza cinoparadza.
32
Ʋanoitira suŋgano ɀakaipa, ucaʋatsausa nokuɓata kumeso; asi ʋanhu ʋanoziʋa Mŋari waʋo, ʋacaʋa nesimba, ʋacaita maɓasa makuru.
33
Ʋakacenjera pakati paʋanhu ʋacadzidzisa ʋazhinji; asi ʋacaparadzwa nomunondo, ʋuye nomuraɀo womŋoto, ʋuye nokutapxa, ʋuye nokupambga mazuʋa mazhinji.
34
Ɀino kana ʋoparadzwa ʋacaɓatsirwa nokuɓatsirwa kuɗuku; asi ʋazhinji ʋacaɀiisa kwaʋari nokuɓata kumeso.
35
Ʋamŋe ʋaʋo ʋakacenjera ʋacaparadzwa, kuti ʋaidzwe, ʋanatswe, ʋaceneswe, kuȿikira kuŋguʋa yokupedzisira; nokuti ŋguʋa yokupedzisira icigere kuȿika.
36
Mambo uyo ucaita seɀaanoɗa; ucaɀiita mukuru, ucaɀikudza aciti ndinopfuʋura ʋamŋari ʋose, ucataura ɀinhu ɀinoshamisa pamsoro paMŋari waʋamŋari; iye ucafara paneɀaanoita kuȿikira kutsamŋa kwapera, nokuti ɀakatemŋa ɀicaitika.
37
Ʋuye haaŋgaʋi nehanya naʋamŋari ʋamadziɓaɓa ake, kana noruɗo rwaʋakadzi, haaŋgaʋi nehanya namŋari upi noupi; nokuti ucaɀikudza aciti ndakapfuʋura ʋose.
38
Asi panɀimbo yaɀo ucakudza mŋari wenhare; mŋari wakaŋga asiŋgazikanwi namadziɓaɓa ake, ndiye waacakudza nendarama nesirveri namabge anokosha neɀinhu ɀinoɗikanwa.
39
Ucarwa nenhare dzakaiȿo‐ɓata aciɓatsirwa namŋari waʋatorwa; aninani unoɗikanwa naye, iye ucakudzwa naye ɀikuru; ucaʋaɓatisa ʋushe pamsoro paʋanhu ʋazhinji, aciʋagoʋera nyika uʋe muɓairo waʋo.
40
Ɀino neŋguʋa yokupedzisira mambo wezasi ucapesana naye; mambo wokumsoro ucaʋuya kuzorwa naye secampupuri, aneŋgoro naʋataȿi ʋamabiza neɀikepe ɀizhinji; ucapinda munyika idzo, ndokupararira, ndokupfuʋura neseri.
41
Ucapinda ʋo munyika yakaiȿo‐naka, nyika zhinji dzicakundwa, asi idzi dzicarwirwa paruʋoko rwake, dzinoti Edomi, neMoabi norutiʋi rwakanaka rwaʋana ʋaAmoni.
42
Ucatambanudzira ʋo ruʋoko rwake kunedzimŋe nyika; nyika yeEgipita haiŋgapukunyuki.
43
Asi ucaʋa unesimba pamsoro pefuma yendarama nesirveri, napamsoro peɀinhu ɀose ɀinokosha ɀeEgipita; ʋaRibia naʋaEtiopia ʋacateʋera makwara ake.
44
Asi mashoko anobva kumabvazuʋa nokumsoro acamuvundusa; ipapo ucaɓuɗa nehasha kwaɀo kundoparadza nokupedza cose ʋazhinji.
45
Ucadzika matente ake oʋushe pakati peguŋgwa negomo dɀene rakaiȿo‐naka; kunyaŋge ɀakaɗaro ucaȿika pakuguma kwake, ucashaiwa unomuɓatsira.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12