bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Daniel 10
Daniel 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 11 →
1
Negore recitatu raKoreshi mambo wePersia, cimŋe cinhu cakaratidzwa Danieri, wainzi Berteshazari; cinhu ico cakaŋga ciri caɀokwaɗi, ciri cokurwa kukuru; akanzwisisa cinhu ico, nokuziʋa kuɗudzirwa kweɀaakaratidzwa.
2
Namazuʋa iwayo ini Danieri ndakaŋga ndicicema viki nhatu dzose.
3
Ndakaŋga ndisiŋgadyi ɀokudya ɀinozipa, kunyaŋge nenyama newaini haɀina‐kupinda mumuromo maŋgu, ʋuye handina‐kutoŋgozora mafuta kuȿikira viki nhatu dzose dzapera.
4
Ɀino nezuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi wokutaŋga, ndakati ndiri pamhenderekedzo yorwizi rukuru, irwo Hidekeri,
5
ndikarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona murume akapfeka muceka, akasuŋgwa ciʋuno cake nendarama yakaiȿo‐naka yeUfazi;
6
muʋiri wake wakaŋga wakaita seberiri, ciso cake cakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maʋoko ake netsoka dzake ɀakaŋga ɀakafanana nendarira yakakweshwa, ʋuye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwaʋazhinji.
7
Ɀino ini Danieri ndakaʋona iɀo ɀakaratidzwa ini ndoga; nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋaneni haʋana‐kuʋona ɀakaratidzwa; asi ʋakaɓatwa nokuɗeɗera kukuru, ʋakatiza kundoʋanda.
8
Ini ndikasiyiwa ndiri ndoga, ndikaʋona cinhu ici cikuru candakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nokuti kunaka kweciso caŋgu kwakashanduka kuipa mukati maŋgu, ndikasazoʋa nesimba.
9
Kunyaŋge ɀakaɗaro ndakanzwa kutinhira kwamashoko ake; ɀino ndakati ndicinzwa kutinhira kwamashoko ake, ndikaɓatwa nehope kwaɀo ndiʋete paciso caŋgu, ciso caŋgu cakatarira pasi.
10
Ipapo tarira, ruʋoko rwakandiɓata, rukandimisa namabvi aŋgu neɀanza ɀamaʋoko aŋgu ndicidzedzereka.
11
Akati kwandiri: Iwe Danieri, murume unoɗikanwa kwaɀo, cinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwaɀo; nokuti ndatumŋa kwauri iwe ɀino. Wakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndiciɗeɗera.
12
Ipapo akati kwandiri: Usatya Danieri, nokuti kubva pazuʋa rokutaŋga rawakafuŋga nomŋoyo wako wose kunzwisisa nokuɀininipisa pamberi paMŋari wako, mashoko ako akanzwika; ndaʋuya nokuɗa kwamashoko ako.
13
Asi mucinda woʋushe bgaʋaPersia wakandidziʋisa mazuʋa anamakumi maʋiri nerimŋe; asi tarira, Mikaeri, mumŋe wamacinda makuru, wakaʋuya kuzondiɓatsira, ndikasara’ko kunamadzimambo aʋaPersia.
14
Ɀino ndaʋuya kuzokuziʋisa ɀicaitirwa ʋanhu ʋako namazuʋa okupedzisira; nokuti ɀawakaratidzwa ndeɀamazuʋa mazhinji aci’ko.
15
Ɀino wakati ataura neni namashoko iwayo, ndikaramba ndakatarira pasi neciso caŋgu, ndikashaiwa shoko.
16
Ipapo tarira, mumŋe wakafanana naʋanakomana ʋaʋanhu akagunɀa miromo yaŋgu; ɀino ndikashamisa muromo waŋgu, ndikataura, ndikati kunaiye wakaŋga amire pamberi paŋgu: Haiwa, ishe waŋgu, ndaɓatwa nokutya kukuru, handicinesimba nokuɗa kweɀandakaratidzwa.
17
Nokuti muranda washe waŋgu uyu uŋgataura seiko nashe waŋgu uyu? Nokuti kana ndiri’ni, pakarepo ndakasara ndisinesimba, ʋuye ndakaŋga ndisisina‐mŋeya mukati maŋgu.
18
Ipapo mumŋe wakafanana nomunhu wakandiɓata ɀe, akandisimbisa.
19
Akati: Iwe murume unoɗikanwa kwaɀo, usatya hako; rugare ruʋe newe, iʋa nesimba, iʋa nesimba. Ɀino wakati acitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati: Ishe waŋgu ŋgaataure hake, nokuti makandisimbisa.
20
Ɀino akati: Unoziʋa candakaʋuyira kwauri here? Ɀino ndicadzokera kundorwa nomucinda wePersia; kana ndabva’po, tarira, mucinda weGirisi ucaʋuya.
21
Asi ndicakuʋudza ɀakanyorwa murugwaro rwaɀokwaɗi; asi hakuna‐unoɀisimbisa kundorwa naʋaʋa pamŋe cete neni, asi Mikaeri mucinda wenyu.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12