bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezra 1
Ezra 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 2 →
1
Ɀino negore rokutaŋga raKoreshi mambo wePersia, kuti shoko raJehova rakarebga nomuromo waJeremia riitike, Jehova wakamutsa mŋeya waKoreshi mambo wePersia, akaparidza paʋushe bgake bgose, akaɀinyora ʋo, akati:
2
Ɀanzi naKoreshi mambo wePersia: Jehova Mŋari wokuɗeŋga wakandipa ʋushe bgose bgenyika, akandiraira kuti ndimuʋakire imba paJerusarema riri paJuda.
3
Ɀino aninani uri’po pakati penyu waʋanhu ʋake, Jehova Mŋari wake ŋgaaʋe naye, ŋgaakwire hake Jerusarema riri paJuda, kundoʋaka imba yaJehova Mŋari waIsraeri, (ndiye Mŋari), unogara Jerusarema.
4
Aninani wakasara, papi napapi paanogara, ʋarume ʋokwake ŋgaʋamuɓatsire nesirveri, nendarama, nenhumbi, neŋombe, ʋuye neɀipo ɀaʋanopa nokuɀiɗira, kuzoʋaka imba yaMŋari iri paJerusarema.
5
Ipapo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aJuda naBenjamini ʋakaɀigadzira, naʋaprista, naʋaRevi, iʋo ʋose ʋakaŋga ʋamutswa mŋeya yaʋo naMŋari, kundoʋaka imba yaJehova yakaŋga iri paJerusarema.
6
Ʋuye ʋose ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza ʋakasimbisa maʋoko aʋo nemidziyo yesirveri, nendarama, nenhumbi, neŋombe, neɀinhu ɀinokosha, pamŋe cete neɀose ɀaʋakaʋapa nomŋoyo waʋo.
7
Naiye mambo Koreshi ʋo wakaɓuɗisa midziyo yeimba yaJehova, yakaŋga yatorwa paJerusarema naNebukadnezari ikaiswa naye paimba yaʋamŋari ʋake;
8
Koreshi mambo wePersia akaraira Mitredati muceŋgeti wefuma kuɓuɗisa iyeyo, akaiʋereŋga aciipa Sheshibazari, mucinda waJuda.
9
Kuwanda kwayo ndikoku: Ndiro dzendarama dzinamakumi matatu, nendiro dzesirveri dzinecuru cimŋe, namapaŋga anamakumi maʋiri namapfumbamŋe;
10
nembiya dzendarama dzinamakumi matatu, nembiya dzesirveri dzorumŋe rudzi dzinamazana manna negumi, nemimŋe midziyo inecuru cimŋe.
11
Midziyo yose yendarama neyesirveri yakaŋga ineɀuru ɀishanu namazana manna. Iɀo ɀose Sheshibazari wakaenda naɀo paŋguʋa yokubva kwaʋatapxa Babironi ʋacienda Jerusarema.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10