bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezra 5
Ezra 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 6 →
1
Ɀino ʋaprofita, ʋaiti muprofita Hagai, naZekaria mŋanakomana waIdo, ʋakaprofitera ʋaJuda ʋakaŋga ʋari paJuda neJerusarema; ʋakaprofitera nezita raMŋari waIsraeri.
2
Ipapo Zerubaberi mŋanakomana waSheartieri, naJeshua mŋanakomana waJozadaki, ʋakasimuka, ʋakataŋga kuʋaka imba yaMŋari paJerusarema; ʋaprofita ʋaMŋari, ʋakaŋga ʋanaʋo, ʋaciʋaɓatsira.
3
Ɀino paŋguʋa iyo Tatenai, muɓati wenyika mhiri kworwizi, naShetari‐bozenai, neshamŋari dzaʋo ʋakaȿika kwaʋari, ʋakati kwaʋari: Makarairwa nani kuʋaka imba iyi, nokupedza ruȿiŋgo urwu here?
4
Ipapo takataura ʋo naʋo, tikati: Mazita aʋarume ʋanoʋaka imba iyi ndianiko?
5
Asi ziso raMŋari waʋo rakaŋga rakatarira ʋakuru ʋaʋaJuda, ʋakakoniwa kuʋaregesa ɓasa, kuȿikira mhaka yaiswa kunaDariusi nemhinduro pamsoro payo icizodzoka neŋwadi.
6
Ndiwo mashoko eŋwadi yakatumirwa mambo Dariusi naTatenai muɓati mhiri kworwizi, naShetari‐bozenai, neshamŋari dzake ʋaAfarsaki, ʋakaŋga ʋari mhiri kworwizi;
7
ʋakamutumira ŋwadi makaŋga makanyorwa kuɗai: Kunamambo Dariusi, rugare rwose ŋgaruʋe nemi.
8
Mambo ŋgaaziʋiswe kuti takaenda kurutiʋi rwenyika yaJuda, kuimba yaMŋari mukuru, inoʋakwa namabge makuru, ʋuye matanda anoiswa mumaȿiŋgo; ɓasa iri rinoshiŋgairirwa, rinopfuʋurira mberi ɀakanaka pamaʋoko aʋo.
9
Ɀino takabvunza ʋakuru iʋaʋo, tikati kwaʋari: Ndianiko wakakurairai kuʋaka imba iyi nokupedza ruȿiŋgo urwu?
10
Takaʋabvunza ʋo mazita aʋo, kuti tikuziʋisei, tinyore mazita aʋarume ʋanoʋatuŋgamirira.
11
Ʋakapindura ʋaciti: Isu tiri ʋaranda ʋaMŋari wokuɗeŋga napasi, tinoʋaka imba yakaɗeya kuʋakwa makore mazhinji akapfuʋura, yakaʋakwa nomumŋe mambo mukuru waIsraeri, ikapera.
12
Asi madziɓaɓa eɗu akati atsamŋisa Mŋari wokuɗeŋga, iye akaʋaisa mumaʋoko aNebukadnezari mambo weBabironi, muKardea; iye akaparadza imba ino, akatapa ʋanhu, ndokuenda naʋo Babironi.
13
Asi negore rokutaŋga raKoreshi mambo weBabironi, mambo Koreshi akaraira, kuti imba ino yaMŋari iʋakwe.
14
Nemidziyo yendarama neyesirveri yeimba yaMŋari, yakaŋga yatorwa naNebukadnezari patembere yaiʋa Jerusarema, ikaiswa mutembere yeBabironi, mambo Koreshi wakabvisa iɀoɀo mutembere yeBabironi, ɀikapiwa mumŋe wainzi Sheshbazari, waakaŋga aita muɓati;
15
akati kwaari: Tora midziyo iyi, undoiisa mutembere iri Jerusarema, imba yaMŋari iʋakwe panɀimbo yayo.
16
Ipapo uyu Sheshbazari wakaʋuya, akateya nheyo dzeimba yaMŋari iri Jerusarema; ɀino kubva paŋguʋa iyo kuȿikira ɀino yakaramba iciʋakwa, naɀino icigere kupera.
17
Naiɀoɀo ɀino, kana mambo acifara naɀo, ŋgaʋanɀere muimba yefuma yamambo iri Babironi, ʋaʋone kana ɀiri iɀo, kana mambo Koreshi akaraira kuti imba ino yaMŋari iʋakwe Jerusarema, mambo agotiziʋisa kuɗa kwake pamsoro pemhaka iyi.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10