bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezra 10
Ezra 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
1
Ɀino Ezra wakati acinyeŋgetera, aciɀireʋurura, acicema nokuɀiwisira pasi pamberi peimba yaMŋari, ʋuŋgano huru‐huru yaʋarume naʋakadzi naʋana ʋaʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana kwaari; nokuti ʋanhu ʋakacema ɀikuru kwaɀo.
2
Ipapo Shekania mŋanakomana waJehieri, mumŋe waʋanakomana ʋaErami, akapindura, akati kunaEzra: Takatadzira Mŋari weɗu ɀatakawana ʋakadzi ʋatorwa ʋendudzi dzenyika iyi; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋaIsraeri ʋacinetariro pamsoro pecinhu ici.
3
Naiɀoɀo ɀino ŋgatiite suŋgano naMŋari weɗu, tibvise ʋakadzi aʋa ʋose, naʋana ʋakaɓerekwa naʋo, seɀatakarairwa naShe, ʋuye naʋanobvundiswa nomurairo waMŋari weɗu; ŋgaɀiitwe seɀinoreʋa murairo.
4
Simukai, nokuti ndimi muneɓasa iri, isu tinemi; tsuŋgai mŋoyo, muɀiite.
5
Ipapo Ezra akasimuka, akapikisa ʋakuru ʋaʋaprista, naʋaRevi, naʋaIsraeri ʋose, kuti ʋacaita neshoko iri. Iʋo ʋakapika.
6
Ipapo Ezra akasimuka, akabva pamberi peimba yaMŋari, akapinda mukamuri yaJohanani mŋanakomana waEriashibi; akagara’po, akasadya ɀokudya, kana kunwa mvura; nokuti wakaŋga acicema pamsoro pokuɗarika kwaʋatapxa.
7
Ʋakaparidza shoko kuʋatapxa ʋose pose‐pose paJuda napaJerusarema, kuti ʋaʋuŋgane paJerusarema;
8
ʋuye kuti aninani usina‐kuʋuya mazuʋa matatu agere kupera, seɀakaŋga ɀarairwa namacinda naʋakuru, fuma yake yose itorwe ipiwe Mŋari, naiye amene aɓuɗiswe paʋuŋgano yaʋatapxa.
9
Ipapo ʋarume ʋose ʋaJuda naBenjamini ʋakaʋuŋgana paJerusarema mazuʋa matatu agere kupera; wakaŋga uri mŋedzi wepfumbamŋe, nezuʋa ramakumi maʋiri romŋedzi; ʋanhu ʋose ʋakagara paɗare pamberi peimba yaMŋari, ʋacibvunda pamsoro peshoko iro napamsoro pemvura zhinji yainaya.
10
Ipapo muprista Ezra akasimuka, akati kwaʋari: Imi makaɗarika, mukawana ʋakadzi ʋatorwa, mukanyanyisa mhoȿa yaIsraeri.
11
Naiɀoɀo ɀino ciɀireʋururai pamberi paJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu, mumufadze; muɀiraʋure kuʋanhu ʋenyika ino, naʋakadzi ʋatorwa.
12
Ipapo ʋuŋgano yose yakapindura, ikati nenzwi guru: Seɀamataura pamsoro peɗu, ndiɀo ɀatinofanira kuita.
13
Asi ʋanhu ʋazhinji, ʋuye iŋguʋa yokunaya kwemvura zhinji, hatigoni kumira kunze; ɓasa iri harizi rezuʋa rimŋe, kana mazuʋa maʋiri, nokuti takaɗarika kwaɀo pacinhu ici.
14
Ɀino macinda eɗu ŋgaagadzwe paʋuŋgano yose, kuti ʋose ʋakawana ʋakadzi ʋatorwa pamaguta eɗu, ʋaʋuye paŋguʋa dzakatarwa ʋanaʋakuru ʋeguta rimŋe nerimŋe, naʋatoŋgi ʋaro, kuȿikira kutsamŋa kukuru kwaMŋari weɗu kwabviswa kwatiri, kuȿikira mhaka iyi yapera.
15
Asi Jonatani mŋanakomana waAsaheri, naJazeya mŋanakomana waTikva, iʋo ʋoga ʋakaramba cinhu ici; Meshurami nomuRevi Shabetai ʋakasimbisa.
16
Ʋatapxa ʋakaita saiɀoɀo. Ezra muprista, naʋamŋe ʋaʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, ʋakatsaurwa nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, naʋose ʋaʋo namazita aʋo; ʋakaʋuŋgana nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wegumi kunɀera cinhu ico.
17
Ʋakapedza naʋarume ʋose ʋakaŋga ʋawana ʋakadzi ʋatorwa nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wokutaŋga.
18
Napakati paʋanakomana ʋaʋaprista ʋakawana ʋamŋe ʋakaŋga ʋawana ʋakadzi ʋatorwa: Pakati paʋanakomana ʋaJeshua ʋaiti mŋanakomana waJozadaki nehama dzake, Maaseya, naEriezeri, naJaribi, naGedaria.
19
Ʋakapika noruʋoko rwaʋo, kuti ʋacarega ʋakadzi ʋaʋo; ʋuye, ɀaʋakaŋga ʋanemhoȿa, ʋakaɓayira gondobge ramakwai pamsoro pemhoȿa yaʋo.
20
Pakati paʋanakomana ʋaImeri; Hanani naZebadia.
21
Pakati paʋanakomana ʋaHarimi: Maaseya, naEria, naShemaya naJehieri, naUzia.
22
Pakati paʋanakomana ʋaPashuri: Erioenai, naMaaseya, naIshmaeri, naNetaneri, naJozabadi, naErasa.
23
Pakati paʋaRevi: Jozabadi, naShimei, naKeraya (ndiye Kerita), naPetahia, naJuda, naEriezeri.
24
Pakati paʋaimbi: Eriashibi; napakati paʋarindi ʋemikoʋa: Sharumi, naTeremi, naUri.
25
Napakati paIsraeri: Pakati paʋanakomana ʋaParoshi: Ramia, naIzia, naMarkiya, naMiyamini, naEreazari, naMarkiya, naBenaya.
26
Pakati paʋanakomana ʋaErami: Matania, naZekaria, naJehieri, naAbdi, naJeremoti, naEria.
27
Pakati paʋanakomana ʋaZatu: Erioenai, naEriasibi, naMatania, naJeremoti, naZabadi, naAziza.
28
Pakati paʋanakomana ʋaBebai: Jehohanani, naHanania, naZabai, naAtrai.
29
Pakati paʋanakomana ʋaBani: Meshurami, naMaruki, naAdaya, naJashubi, naSheari, naJeremoti.
30
Pakati paʋanakomana ʋaPahati‐moabi: Adna, naKerari, naBenaya, naMaaseya, naMatania, naBezareri, naBinui, naManase.
31
Pakati paʋanakomana ʋaHarimi: Eriezeri, naIsishiya, naMarkiya, naShemaya, naShimeoni:
32
naBenjamini, naMaruki, naShemaria.
33
Pakati paʋanakomana ʋaHashumi: Matenai, naMatata, naZabadi, naErifereti, naJeremai, naManase, naShimei.
34
Pakati paʋanakomana ʋaBani: Maadai, naAmrami, naUeri;
35
naBenaya, naBedeya, naKeruhi;
36
naVania, naMeremoti, naEriashibi;
37
naMatania, naMatenai, naJaasu;
38
naBani, naBinui, naShimei;
39
naSheremia, naNatani, naAdaya;
40
naMaknedabai, naShashai, naSharai;
41
naAzareri, naSheremia, naShemaria;
42
naSharumi, naAmaria, naJosefa.
43
Pakati paʋanakomana ʋaNebo: Jeieri, naMatitia, naZabadi, naZebina, naIdo, naJoeri, naBenaya.
44
Aʋa ʋose ʋakaŋga ʋawana ʋakadzi ʋatorwa; ʋamŋe ʋaʋo ʋakaŋga ʋaɓerekerwa ʋana naʋakadzi ʋaʋo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10