bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezra 9
Ezra 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 10 →
1
Ɀino iɀi ɀakati ɀapera, macinda akasweɗera kwandiri, akati: Ʋanhu ʋaIsraeri, naʋaprista, naʋaRevi haʋana‐kuɀiraʋura paʋanhu ʋenyika paneɀinonyaŋgadza ɀaʋo, iʋo ʋaKanaani, naʋaHiti, naʋaPerezi, naʋaJebusi, naʋaAmoni, naʋaMoabi, naʋaEgipita, naʋaAmori.
2
Nokuti ʋakatora ʋakunda ʋaʋo ʋaʋe ʋakadzi ʋaʋo naʋaʋanakomana ʋaʋo; naiɀoɀo rudzi rutȿene rwakaɀiveŋganisa naʋanhu ʋenyika; ɀirokwaɀo maʋoko amacinda naʋaɓati ndiwo akanyanya pakuɗarika uku.
3
Ɀino ini ndakati ndiciɀinzwa, ndikabvarura ŋguʋo yaŋgu nejasi raŋgu, ndikataʋura vudzi romusoro waŋgu nendebvu dzaŋgu, ndikagara pasi ndakakanuka.
4
Ipapo ʋakaʋuŋgana kwandiri ʋose ʋakaŋga ʋaciɗeɗera nokuɗa kwamashoko aMŋari waIsraeri pamsoro pokuɗarika kwaʋatapxa; ndikagara pasi ndakakanuka kuȿikira paŋguʋa yecipiriso camaɗekwana.
5
Ɀino paŋguʋa yecipiriso camaɗekwana ndikasimuka pakuɀininipisa kwaŋgu, ndicineŋguʋo yaŋgu nejasi raŋgu ɀakabvaruka; ndikawira pasi namabvi aŋgu, ndikatambanudzira maʋoko aŋgu kunaJehova Mŋari waŋgu;
6
ndikati: Haiwa, Mŋari waŋgu, ndinonyara, ndinotȿeruka kusimudzira ciso caŋgu kwamuri Mŋari waŋgu; nokuti ɀiʋi ɀeɗu ɀaɗarika misoro yeɗu, mhoȿa yeɗu yakakwira kuȿikira kuɗeŋga.
7
Kubva pamazuʋa amadziɓaɓa eɗu takapara mhaka kwaɀo kuȿikira nhasi; ɀino nokuɗa kweɀiʋi isu namadzimambo eɗu, naʋaprista ʋeɗu, takaiswa mumaʋoko amadzimambo enyika, tiʋurawe nomunondo, titapxe, nokuparadzwa, nokunyadzwa, sapazuʋa ranhasi.
8
Ɀino takanzwirwa tsitsi naJehova Mŋari weɗu ŋguʋa ɗuku‐ɗuku, akatisiyira ʋamŋe ʋakapukunyuka, nokutipa mbambo panɀimbo yake tȿene, kuti Mŋari weɗu avenekere meso eɗu, nokutiponesa paɗuku paʋuranda bgeɗu.
9
Nokuti tiri ʋaranda; kunyaŋge ɀakaɗaro Mŋari haana‐kutirasha paʋuranda bgeɗu, asi wakatinzwisa tsitsi pamberi pamadzimambo ePersia, akatiponesa ɀe, kuti timutse ɀe imba yaMŋari weɗu, nokugadzira matoŋgo ayo, nokutipa ruȿiŋgo paJuda napaJerusarema.
10
Ɀino, Mŋari weɗu, ticareʋeiko shure kwaiɀoɀi? Nokuti takarasha mirairo yenyu,
11
yamakatiraira naʋaranda ʋenyu ʋaprofita, muciti: Nyika kwamunoenda, kuzoiita yenyu, inyika yakaȿiɓiswa nokuipa kwaʋanhu ʋenyika idzo, nemhaka yeɀinonyaŋgadza ɀaʋo, ɀakaizadza namatȿina aʋo kubva parutiʋi rumŋe kuȿikira panorumŋe rutiʋi.
12
Naiɀoɀo ɀino, regai kupa ʋanakomana ʋaʋo ʋakunda ʋenyu, kana kutora ʋakunda ʋaʋo kupa ʋanakomana ʋenyu, kana kuʋatȿakira rugare nomufaro nokusiŋgaperi; kuti muʋe nesimba, mudye ɀakanaka ɀenyika, mugoisiyira ʋana ʋenyu iʋe nhaka yaʋo nokusiŋgaperi.
13
Ɀatakaitirwa iɀi ɀose nokuɗa kwamaɓasa eɗu akaipa, ʋuye nokuɗa kwemhoȿa dzeɗu huru, imi Mŋari weɗu ɀamusina‐kutiroʋa ɀakariŋgana ɀakaipa ɀeɗu, mukatisiyira ʋamŋe ʋakaɗai,
14
ɀino tiŋgapamhidza ɀe kuɗarika mirairo yenyu here, nokushamŋaridzana naʋanhu ʋanoita iɀi ɀinonyaŋgadza here? Hamuŋgazotitsamŋiri kuȿikira matiparadza here, kuȿikira kusinawakasiyiwa, kana wakapukunyuka?
15
Jehova, Mŋari waIsraeri, imi makarurama; nokuti tasiyirwa ʋamŋe ʋakapukunyuka, seɀaɀakaita nhasi; tarirai tiri pamberi penyu nemhoȿa dzeɗu, nokuti hakuna‐uŋgamira pamberi penyu nokuɗa kwecinhu ici.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10