bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezra 7
Ezra 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 8 →
1
Ɀino shure kwaiɀoɀo, Artashasta mambo wePersia aciɓata ʋushe, Ezra mŋanakomana waSeraya, mŋanakomana waAzaria, mŋanakomana waHirkia,
2
mŋanakomana waSharumi, mŋanakomana waZadoki, mŋanakomana waAhitubi,
3
mŋanakomana waAmaria, mŋanakomana waAzaria, mŋanakomana waMerayoti,
4
mŋanakomana waZerahia, mŋanakomana waUzi, mŋanakomana waBuki,
5
mŋanakomana waAbishua, mŋanakomana waPinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana waAroni, muprista mukuru —
6
uyu Ezra wakaenda acibva Babironi; iye wakaŋga ari munyori wakaŋgwara pamurairo waMosesi, wakaŋga wapiwa naJehova Mŋari waIsraeri; mambo akamupa ɀose ɀaakakumbira, nokuɗa kworuʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro pake.
7
Naʋamŋe ʋaʋana ʋaIsraeri, naʋaprista, naʋaRevi, naʋaimbi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaNetinimi, ʋakaenda Jerusarema negore recinomŋe ramambo Artashasta.
8
Akaȿika Jerusarema nomŋedzi wecishanu pagore recinomŋe ramambo.
9
Nokuti wakataŋga kubva Babironi ne zuʋa rokutaŋga romŋedzi wokutaŋga, akaȿika Jerusarema ne zuʋa rokutaŋga romŋedzi wecishanu, nokuɗa kworuʋoko rwakanaka rwaMŋari wake rwakaŋga ruri pamsoro pake.
10
Nokuti Ezra wakaŋga ashiŋgaira nomŋoyo wake wose kutȿaka murairo waJehova, nokuuita, nokudzidzisa pakati paIsraeri ɀaakatema neɀaakatoŋga.
11
Ɀino ndiwo mashoko eŋwadi iyo mambo Artashasta yaakapa Ezra muprista nomunyori, iye munyori wamashoko emirairo yaJehova neɀaakatemera Israeri:
12
Artashasta mambo wamadzimambo, kunaEzra muprista, munyori womurairo waMŋari wokuɗeŋga, wakakwana, namamŋe mashoko akaɗai.
13
Ini ndinotema cireʋo, kuti ʋanhu ʋose ʋaIsraeri, naʋaprista ʋaʋo, naʋaRevi, ʋari paʋushe bgaŋgu, ʋanoɗa nokuɗa kwaʋo kuenda Jerusarema, ŋgaʋaende haʋo newe.
14
Ɀawatumŋa namambo namakurukota ake manomŋe kundobvunzisisa pamsoro paJuda neJerusarema, seɀakarebga nomurairo waMŋari wako uri muruʋoko rwako;
15
nokuenda nesirveri nendarama yakapiwa namambo namakurukota ake nokuɗa kwaʋo Mŋari waIsraeri, iye ugere Jerusarema,
16
nesirveri nendarama yose yauŋgawana parutiʋi rwenyika yose yeBabironi, pamŋe cete neɀipo ɀaʋanhu ɀaʋacapa nokuɗa kwaʋo, neɀaʋaprista, ɀaʋacapa imba yaMŋari waʋo iri paJerusarema nomŋoyo yaʋo;
17
ɀino unofanira kukurumidza kuteŋga nemari iyo nzombe, namakondobge, namakwaiana, pamŋe cete neɀipiriso ɀaɀo ɀoʋupfu, neɀinoɗururwa, ugoɀiisa paartari paimba yaMŋari wenyu iri Jerusarema.
18
Kana iri sirveri nendarama yakasara, itai naɀo seɀamunofuŋga, iwe nehama dzako, seɀinoɗikanwa naMŋari wenyu.
19
Nemidziyo yaunopiwa kundoɓata nayo paimba yaMŋari wako, uiise pamberi paMŋari weJerusarema.
20
Neɀimŋe ɀinhu ɀipi neɀipi ɀinoɗikanwa paimba yaMŋari wako, ɀaunofanira kuripa, uɀiripe ucitora paimba yefuma yamambo.
21
Ini, iyeni mambo Artashasta, ndinoraira ʋaceŋgeti ʋose ʋefuma mhiri kworwizi, ndiciti: Ɀose Ezra muprista, munyori womurairo waMŋari wokuɗeŋga, ɀaanokumbira kwamuri, ŋgaɀiitwe nokukurumidza,
22
kuȿikira pamatarenta esirveri anezana, neɀiyero ɀinezana ɀeɀiyo, namabati ewaini anezana, namabati amafuta anezana, nomunyu usiŋgaʋereŋgwi.
23
Ɀose ɀinorairwa naMŋari wokuɗeŋga, ŋgaɀiitirwe ɀakanaka imba yaMŋari wokuɗeŋga; nokuti ʋushe bgamambo nobgaʋanakomana ʋake ʋucatsamŋirweiko?
24
Tinokuziʋisai ʋo, kuti kana ʋari ʋaprista ʋose, naʋaRevi, naʋaimbi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaNetinimi, naʋaranda ʋeimba iyi yaMŋari, haʋaŋgaripiswi mutero, kana ɀipo, kana muripo wenzira.
25
Ɀino iwe Ezra, nenjere dzaMŋari wako, dzawakapiwa iwe, cigadza ʋatambi ʋemhoȿa, naʋatoŋgi, ʋaŋgatoŋgera ʋanhu ʋose ʋari mhiri kworwizi mhaka dzaʋo, ʋaʋe ʋanhu ʋanoziʋa mirairo yaMŋari wako, ugodzidzisa mumŋe nomumŋe usiŋgaiziʋi.
26
Aninani, usiŋgaɗi kuita murairo waMŋari wako, nomurairo wamambo, ŋgaakurumidze kupiwa mhaka, kana yorufu, kana yokudziŋgwa, kana yokutorerwa nhumbi dzake, kana yokusuŋgwa mutoroŋgo.
27
Jehova Mŋari wamadziɓaɓa eɗu ŋgaakudzwe, iye wakaisa cinhu cakaɗai mumŋoyo wamambo, kuti anatse imba yaJehova iri Jerusarema;
28
iye wakandinzwisa tsitsi pamberi pamambo, napamberi pamakurukota ake, napamberi pamacinda ose anesimba amambo. Ini ndikasimbiswa nokuti ruʋoko rwaJehova Mŋari waŋgu rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu, ndikakoka ʋarume ʋakuru pakati paIsraeri, kuti ʋaende neni.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10