bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezra 3
Ezra 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 4 →
1
Ɀino mŋedzi wecinomŋe wakati waȿika, ʋana ʋaIsraeri ʋaʋa mumaguta aʋo, ʋanhu ʋakaʋuŋgana pamŋe cete nomŋoyo mumŋe paJerusarema.
2
Ipapo Jeshua mŋanakomana waJozadaki, nehama dzake ʋaprista, naZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, nehama dzake, ʋakasimuka, ʋakaʋaka artari yaMŋari waIsraeri, kuti ʋaɓayire’po ɀipiriso ɀinopiswa, seɀakanyorwa pamurairo waMosesi munhu waMŋari.
3
Ʋakagadzika artari panɀimbo yayo, nokuti ʋakatya ʋanhu ʋenyika idzo; ʋakaɓayira Jehova ɀipiriso ɀinopiswa pamsoro payo, iɀo ɀipiriso ɀaipiswa maŋgwanani namaɗekwana.
4
Ʋakaita ʋo mutambo wamatumba, seɀakaŋga ɀanyorwa; ʋakaʋuya neɀipiriso ɀaipiswa zuʋa rimŋe nerimŋe seɀakatarwa, seɀaʋakarairwa, ɀakaɗikanwa pazuʋa rimŋe nerimŋe.
5
Ʋuye pashure cipiriso caipiswa ŋguʋa dzose, neɀipiriso ɀapakugara kwemŋedzi, neɀemitambo yose yakatarwa yaJehova yakaŋga yakatsaurwa, nenhendo dzakaʋigirwa Jehova nokuɀiɗira naaninani.
6
Ʋakataŋga kuɓayira Jehova ɀipiriso ɀinopiswa pazuʋa rokutaŋga romŋedzi wecinomŋe; asi nheyo dzetembere yaJehova dzakaŋga dzicigere kuteyiwa.
7
Ʋakapa ʋo ʋaʋezi ʋamabge namatanda mari, ʋuye ʋeZidoni naʋeTire ɀokudya neɀokunwa namafuta, kuti ʋatore miti yemisidari paRebanoni, ʋaiise Jopa paguŋgwa, seɀaʋakaŋga ʋatenderwa naKoreshi mambo wePersia.
8
Ɀino negore recipiri rokuȿika kwaʋo paimba yaMŋari paJerusarema, nomŋedzi wecipiri, Zerubaberi mŋanakomana waSheartieri, naJeshua mŋanakomana waJozadaki, nedzimŋe hama dzaʋo ʋaprista naʋaRevi, naʋose ʋakaŋga ʋadzokera Jerusarema pakutapxa kwaʋo, ʋakataŋga ɓasa raʋo; ʋakagadza ʋaRevi ʋamakore makumi maʋiri naʋakapfuʋura, kuti ʋaʋe ʋatariri ʋeɓasa paimba yaJehova.
9
Ipapo Jeshua naʋanakomana ʋake nehama dzake, naKadmieri naʋanakomana ʋake, ʋanakomana ʋaJuda, ʋakamira nomŋoyo mumŋe ʋacitarira ʋaiɓata paimba yaMŋari; naʋanakomana ʋaHenadadi, naʋanakomana ʋaʋo nehama dzaʋo, ʋaRevi.
10
Ɀino ʋaʋaki ʋakati ʋaciteya nheyo dzetembere yaJehova, ʋaprista ʋakamira’po ʋakafuka ŋguʋo dzaʋo, ʋakaɓata hwamanda, naʋaRevi, iʋo ʋanakomana ʋaAsafi, ʋakaɓata makandira, kuti ʋarumbidze Jehova seɀakaŋga ɀarairwa naDavidi mambo waIsraeri.
11
Ʋakateŋgezana ʋaciimba, ʋacirumbidza nokuʋoŋga Jehova, ʋaciti: Nokuti wakanaka, nokuti nyasha dzake hadziperi kunaIsraeri. Ʋanhu ʋose ʋakapururudza nokupururudza kukuru pakurumbidza kwaʋo Jehova; nokuti nheyo dzeimba yaJehova dzakaŋga dzateyiwa.
12
Asi ʋazhinji ʋaʋaprista naʋaRevi, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, ʋaya ʋatana ʋakaŋga ʋaʋona imba yokutaŋga, ʋakacema kwaɀo ʋaciʋona nheyo dzeimba iyi dziciteyiwa; ʋazhinji ʋakapururudza nomufaro;
13
naiɀoɀo ʋanhu ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kutsaura inzwi rokupururudza romufaro nenzwi rokucema kwaʋanhu; nokuti ʋanhu ʋakapururudza nokupururudza kukuru, inzwi rikanzwika kure kwaɀo.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10