bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezra 4
Ezra 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 5 →
1
Ɀino ʋadziʋisi ʋaʋaJuda naʋaBenjamini ʋakati ʋacinzwa kuti ʋatapxa ʋoʋakira Jehova Mŋari waIsraeri tembere;
2
ʋakasweɗera kunaZerubaberi, nokuʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, ʋakati kwaʋari: Ŋgatiʋake nemi, nokuti tinotȿaka Mŋari wenyu, semi ʋo; tinomuɓayira kubva pamazuʋa aEsarihadoni mambo waAsiria, wakatiȿitsa pano.
3
Asi Zerubaberi, naJeshua, naʋamŋe ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aIsraeri ʋakati kwaʋari: Imi hamuŋgatoŋgoɓatsirani nesu pakuʋakira Mŋari weɗu imba; asi isu toga ticaʋakira Jehova Mŋari waIsraeri, seɀatakarairwa namambo Koreshi mambo wePersia.
4
Ipapo ʋanhu ʋenyika iyo ʋakashaisa maʋoko aʋanhu ʋaJuda simba, ʋakaʋatambudza pakuʋaka;
5
ʋakaripira ʋanhu ʋokuʋaraira, kuti ʋakaŋganise ɀaʋakaŋga ʋaciɗa kuita, mazuʋa ose aKoreshi mambo wePersia, kuȿikira Dariusi mambo wePersia acizoɓata ʋushe.
6
Ɀino Ahasheroshi wakati oɓata ʋushe, ʋakanyora ŋwadi yokukwirira ʋakaŋga ʋagere kwaJuda neJerusarema.
7
Ɀino pamazuʋa aArtashasta, Bishrami, naMitredati, naTabeeri nedzimŋe shamŋari dzake, ʋakanyorera Artashasta mambo wePersia; iyo ŋwadi yakaŋga yakanyorwa namareteri eCiAramia, nokuɗudzirwa ʋo neCiAramia.
8
Rehumi mukuru naShimshai munyori ʋakanyorera mambo Artashasta ŋwadi yokukwirira ʋeJerusarema yaiti:
9
Rehumi mukuru, naShimshai munyori, nedzimŋe shamŋari dzaʋo, iʋo ʋaDinai, naʋaAfarsatki, naʋaTarperi, naʋaAfarsi, naʋaArkevi, naʋaBabironi, naʋaShushanki, naʋaDehai, naʋaErami,
10
nedzimŋe ndudzi dzakaʋuya naOsnapari mukuru wakakurumbira, dzikaiswa paguta reSamaria, napanamamŋe matiʋi enyika mhiri kworwizi, namamŋe mashoko akaɗai.
11
Ndiwo mashoko eŋwadi yaʋakatuma kunamambo Artashasta: Ʋaranda ʋenyu, iʋo ʋarume ʋari mhiri kworwizi, namamŋe mashoko akaɗai.
12
Mambo ŋgaaziʋiswe kuti ʋaJuda, ʋakabva kwenyu ʋakaȿika ʋuno kwatiri paJerusarema, ʋoʋaka guta rokumukira mambo, rakaipa; ʋapedza maȿiŋgo, nokugadzira nheyo.
13
Ɀino mambo ŋgaaziʋiswe, kuti kana guta iri rikaʋakwa, namaȿiŋgo aro akapera, haʋaŋgaɓuɗisi mutero, kana ɀipo, kana muripo wenzira, pashure madzimambo acatadzirwa.
14
Ɀino isu, ɀatinodya munyu unobva paimba yamambo, ʋuye ɀatisiŋgafaniri kuʋona mambo acininipiswa, tatuma ŋwadi kuzoziʋisa mambo;
15
kuti ʋanɀere pabuku yenhau yamadziɓaɓa enyu; mucaʋona mubuku yenhau, kuti guta iri raimukira mambo, raitadzira madzimambo nenyika, ʋuye kuti mukati maro ʋairamba ʋacimukira madzimambo kubva kare nakare. Guta iri rakaparadzwa nemhaka iyo.
16
Tinoziʋisa mambo kuti kana guta iri rikaʋakwa ɀe, namaȿiŋgo akapera, nemhaka iyo hamuŋgazoʋi nomugoʋe mhiri kworwizi.
17
Ipapo mambo akatuma mhinduro kunaRehumi mukuru, naShimshai munyori, nedzimŋe shamŋari dzaʋo dzaigara Samaria napamŋe mhiri kworwizi, aciti: Rugare ŋgaruʋe nemi, namamŋe mashoko akaɗai.
18
Ŋwadi yamakatitumira, ndairaʋirwa ɀakanaka.
19
Ndikaraira, ʋakanɀera ʋakaʋona kuti guta iri raimukira madzimambo kubva kare nakare, ʋuye kuti mukati maro maiʋa nokumukira mambo nokuraŋgana ɀakaipa.
20
Ʋuye madzimambo anesimba aiʋa’po paJerusarema, aiɓata ʋushe pose pamhiri porwizi; iʋo ʋaiɓuɗisirwa mutero, neɀipo, nomuripo wenzira.
21
Ɀino temai cireʋo cokuti ʋanhu aʋo ʋarege ɓasa raʋo, guta iri rirege kuʋakwa, kuȿikira ini ndatema cireʋo.
22
Cenjerai, musanonoka pacinhu ici; cakaipa cicakurireiko, kuzotadzira madzimambo?
23
Ɀino mashoko eŋwadi yamambo Artashasta akati araʋirwa Rehumi, naShimshai munyori, neshamŋari dzaʋo, ʋakakurumidza kuenda Jerusarema kuʋaJuda, ʋakaʋadziʋisa nokumanikidza nesimba.
24
Ipapo ɓasa reimba yaMŋari paJerusarema rakaregwa; rikaregwa kuȿikira pagore recipiri rokuɓata ʋushe kwaDariusi mambo wePersia.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10