bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ezra 6
Ezra 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 7 →
1
Ipapo mambo Dariusi wakaraira, ʋakanɀera paimba yamabuku, paʋaiceŋgeta fuma paBabironi.
2
Ʋakawana paAkmeta, paimba yamambo yakaŋga iri parutiʋi rwenyika yeMedia, rugwaro rwakapetwa makaŋga makanyorwa kuɗai kuti ʋaraŋgarire:
3
Pagore rokutaŋga ramambo Koreshi, mambo Koreshi wakaraira, aciti: Kana iri imba yaMŋari paJerusarema, imba ŋgaiʋakwe, paʋe paʋaŋgaɓayira ɀiɓayiro, nenheyo dzayo dziteyiwe nesimba; kukwirira kwayo kuȿike makubiti anamakumi matanhatu, nokufara kwayo makubiti anamakumi matanhatu;
4
ŋgaiʋe nemisara mitatu yamabge makuru, nomusara mumŋe wamatanda matȿa; mari yokuʋaka nayo ŋgaitorwe paimba yamambo.
5
Nemidziyo yendarama nesirveri yeimba yaMŋari, yakaɗeya kutorwa naNebukadnezari patembere paJerusarema, ikaiswa naye Babironi, ŋgaidzoswe, iiswe ɀe patembere iri Jerusarema, cimŋe necimŋe panɀimbo yaco, mugoɀiisa muimba yaMŋari.
6
Naiɀoɀo ɀino imi Tatenai muɓati wenyika mhiri kworwizi, naShetari‐bozenai, neshamŋari dzenyu dzaʋaAfarsaki, imi muri mhiri kworwizi, cibvai ipapo;
7
ʋaregei paɓasa reimba yaMŋari; muɓati waʋaJuda naʋakuru ʋaʋaJuda ŋgaʋaʋake imba iyi yaMŋari panɀimbo yayo.
8
Ʋuye ndinoraira ɀamunofanira kuitira ʋakuru aʋa ʋaʋaJuda, kuti imba iyi yaMŋari iʋakwe: Mari yokuʋaka nayo ŋgaitorwe pafuma yamambo, pamutero unoripxa mhiri kworwizi, ikurumidze kupiwa ʋarume aʋo, kuti ʋarege kudziʋiswa.
9
Ʋuye ɀose ɀaʋanoshaiwa, kana nzombe ɗuku, kana makondobge, kana makwaiana, ɀokuita naɀo ɀipiriso ɀinopisirwa Mŋari wokuɗeŋga, kana ɀiyo, kana munyu, kana waini, kana mafuta, seɀinotaura ʋaprista ʋari Jerusarema, ŋgaʋapiwe iɀoɀo zuʋa rimŋe nerimŋe, musiŋgaɗariki;
10
kuti ʋagone kuʋigira Mŋari wokuɗeŋga ɀiɓayiro ɀinonhuwira ɀakanaka, ʋanyeŋgeterere ʋo ʋupenyu bgamambo, nobgaʋanakomana ʋake.
11
Ndatema ʋo cireʋo, kuti aninani unoshandura shoko iri, ɓaŋgo ribviswe paimba yake, iye aturikwe aroʋerwe pariri; ʋuye imba yake iitwe ɗurunhuru pamsoro pecinhu ici;
12
Mŋari, wakagarisa zita rake ipapo, ŋgaaparadze madzimambo ose naʋanhu ʋacatambanudza maʋoko aʋo kushandura cinhu ici, nokuparadza imba iyi yaMŋari iri paJerusarema. Ini Dariusi ndatema cireʋo ici; ŋgaɀiitwe nokukurumidza.
13
Ipapo Tatenai muɓati wenyika mhiri kworwizi, naShetari‐bozenai, neshamŋari dzaʋo, ʋakaita iɀoɀo nokukurumidza, nemhaka yeshoko rakaŋga ratumŋa namambo Dariusi.
14
Ʋakuru ʋaʋaJuda ʋakaʋaka, ʋakapfuʋurira mberi ɀakanaka, ʋacisimbiswa nokuprofita kwaHagai muprofita naZekaria mŋanakomana waIdo. Ʋakaʋaka, ʋakaipedza, seɀakarairwa naMŋari waIsraeri, ʋuye necireʋo caKoreshi, naDariusi, naArtashasta mambo wePersia.
15
Imba iyi ikapedzwa nezuʋa retatu romŋedzi weAdari pagore retanhatu rokuɓata ʋushe kwamambo Dariusi.
16
Ʋana ʋaIsraeri naʋaprista, naʋaRevi, naʋamŋe ʋakaŋga ʋatapxa ʋakatsaurira Mŋari imba iyi nomufaro.
17
Ʋakaɓayira pakutsaura imba iyi yaMŋari nzombe dzinezana rimŋe, namakondobge anamazana maʋiri, namakwaiana anamazana manna; ʋuye nhoŋgo dzembudzi dzinegumi nembiri, dzakaenzana namarudzi aʋaIsraeri, ciʋe cipiriso ceɀiʋi caʋaIsraeri ʋose.
18
Ʋakagadza ʋaprista pamakamu aʋo, naʋaRevi pamapoka aʋo, paɓasa raMŋari paJerusarema; seɀakaŋga ɀanyorwa pabuku yaMosesi.
19
Ʋatapxa ʋakaita paseka ne zuʋa regumi namanna romŋedzi wokutaŋga.
20
Nokuti ʋaprista naʋaRevi ʋakaŋga ʋaɀinatsa nomŋoyo mumŋe; ʋose ʋaʋo ʋakaŋga ʋanatswa; ʋakaɓayira ʋatapxa ʋose paseka, nehama dzaʋo dzaʋaprista, naiʋo ʋamene.
21
Ipapo ʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋadzoka pakutapxa, ʋakadya, iʋo naʋose ʋakaŋga ʋaɀitsaurira kwaʋari ʋacibva pamatȿina aʋahedeni ʋenyika iyo, kuti ʋatȿake Jehova Mŋari waIsraeri;
22
ʋakaita mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe; nokuti Jehova wakaŋga aʋafadza, akarereʋudzira mŋoyo wamambo weAsiria kwaʋari, kuti asimbise maʋoko aʋo paɓasa reimba yaMŋari waIsraeri.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10