bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hebrews 1
Hebrews 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
1
Mŋari wakataura kare kunamadziɓaɓa muʋaprofita nemigoʋe mizhinji, ʋuye nemitoʋo mizhinji,
2
ɀino pakupedzisira kwamazuʋa ano wakataura kwatiri muMŋanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yeɀinhu ɀose, waakaita ʋo naye nyika;
3
iye cadzera cokubginya kwake, nomufananidzo wake caiye, unoceŋgeta ɀinhu ɀose nenzwi resimba rake, wakati apedzisa kunatswa kweɀiʋi, akagara kurudyi rwoƲumambo kuɗeŋga,
4
akapfuʋura ʋatumŋa nokunaka saiɀoɀo, sezita raakagara nhaka yaro, rakanyanya kunaka kupfuʋura raʋo.
5
Nokuti wakambotaura kunani waʋatumŋa, aciti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, Nhasi ndakakuɓereka? Ʋuye ɀe: Ndicaʋa Ƃaɓa ʋake, Iye ucaʋa Mŋanakomana waŋgu?
6
Ʋuye, kana acizoʋuyisa ɀe ɗaŋgwe rake panyika, unoti: Ʋatumŋa ʋose ʋaMŋari ŋgaʋamunamate.
7
Napamsoro paʋatumŋa unoti: Iye unoita ʋatumŋa ʋake kuti ʋaʋe mhepo, Naʋaranda ʋake, kuti ʋaʋe muraɀo womŋoto;
8
Asi pamsoro poMŋanakomana, unoti: Cigaro cenyu coʋushe, imi Mŋari, ciri’po nokusiŋgaperi‐peri, Netȿimbo yokururama ndiyo tȿimbo yoʋushe bgako.
9
Makaɗa kururama, mukaʋeŋga kusarurama; Saka Mŋari, iye Mŋari wenyu, wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuʋura shamŋari dzenyu.
10
Ʋuye, Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutaŋga, Neɗeŋga ndiro ɓasa ramaʋoko enyu;
11
Iro ricapera, asi imi mucaramba muri’po; Ricasakara rose seŋguʋo;
12
Mucaripeta secinofukwa, Seŋguʋo, rikashandurwa; Asi imi hamushanduki, namakore enyu haaŋgagumi.
13
Asi wakambotaura kunani waʋatumŋa, aciti: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndiciita ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako?
14
Ko haʋazi ʋose mŋeya inoshumira, yakatumŋa kuzoɓata nokuɗa kwaʋanodya nhaka yokuponeswa here?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13