bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hebrews 9
Hebrews 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
1
Ɀino, neyiyi suŋgano yokutaŋga yakaŋga inemirairo yokushumira Mŋari nayo, neimba tȿene yenyika.
2
Nokuti tabernakeri, yaiʋa yokutaŋga, yakagadzirwa, makaŋga munecigadziko cemŋenje, netafura, neɀiŋgwa ɀokuratidza; ndipo panonzi Patȿene.
3
Ɀino mberi kwecidzitiro cecipiri pakaŋga panetabernakeri yainzi Patȿene‐tȿene;
4
pakaŋga panendiro yendarama yeɀinonhuwira, neareka yesuŋgano, yakaŋga yakanamŋa nhiʋi dzose nendarama, imomo makaŋga munehari yendarama, yakaŋga inemana, netȿimbo yaAroni yakaɗeya kutuŋgira, namahwendefa esuŋgano;
5
pamsoro payo pakaŋga panamakerubi okubginya, akadzikatidza cifunhiro ceŋgoni; hatigoni kurondedzera iɀoɀo ticiita cimŋe‐cimŋe ɀino.
6
Ɀinhu iɀi ɀakati ɀagadzirwa saiɀoɀo, ʋaprista ʋaipinda mutabernakeri yokutaŋga ŋguʋa dzose, ʋaciɓata maɓasa okushumira Mŋari;
7
asi muneyecipiri muprista mukuru waipinda ari oga, kamŋe cete negore, asiŋgapindi asineropa, raaiɀiɓayirira iye neɀiʋi ɀaʋanhu;
8
Mŋeya Mutȿene aciratidza cinhu ici, kuti nzira inoenda kuNɀimbo Tȿene yakaŋga isati yataridzwa, tabernakeri yokutaŋga icimire;
9
wakaŋga uri mufananidzo weŋguʋa ino — ʋanoɓayira nayo ɀipo neɀiɓayiro, ɀisiŋgagoni kukwanisa pahana yake iye unoshumira;
10
nokuti yaiŋgoʋa mirairo yenyama, yeɀokudya, neɀokunwa, nokushamba kuzhinji, yaʋakatemerwa kuȿikira paŋguʋa yokuʋandudzwa.
11
Asi Kristu wakati aȿika ari muprista mukuru weɀinhu ɀakanaka ɀinozoʋuya, akapinda napatabernakeri yakapfuʋura pakukura napakukwana, isinakuitwa namaʋoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno,
12
haana‐ kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake cairo, kamŋe cete, ɀikapera, panɀimbo tȿene, akatiwanira rudzikinuro rusiŋgaperi.
13
Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namaɗota etsiru, kana ɀicisaswa pamsoro paʋakaȿiɓiswa, ɀiciʋaita ʋatȿene, kuti ʋanatswe panyama,
14
ɀikuru sei ropa raKristu, iye wakaɀiita noMŋeya usiŋgaperi ciɓayiro kunaMŋari, cisina‐caciŋgapomerwa, ricanatsa hana dzeɗu pamaɓasa akafa, kuti tishumire Mŋari mupenyu.
15
Nemhaka iyo, iye ndiMureʋereri wesuŋgano itȿa, kuti, rufu ɀarwakaȿika kuzodzikinura aʋo ʋakaɗarika pasuŋgano yokutaŋga, ʋakaɗanwa ʋagopiwa cipikirwa cenhaka isiŋgaperi.
16
Nokuti apo panetestamente, panofanira kuʋa’po ʋo rufu rwaiye wakaiita.
17
Nokuti testamente inesimba kana ʋanhu ʋafa; nokuti haitoŋgoʋi nesimba kana wakaiita aciri mupenyu.
18
Naiɀoɀo ne suŋgano yokutaŋga haina‐kuʋambga pasineropa.
19
Nokuti ɀireʋo ɀose ɀakati ɀataurwa kuʋanhu ʋose naMosesi seɀakareʋa murairo, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamŋe cete nemvura namakushe matȿuku, nehisopi, akasasa buku imene naʋanhu ʋose,
20
aciti: Iri iropa resuŋgano, yamakarairwa naMŋari.
21
Ʋuye ɀe, wakasasa saiɀoɀo neropa tabernakeri nemidziyo yose yokushumira nayo.
22
Ɀirokwaɀo, tiŋgati pamurairo ɀinhu ɀineŋge ɀose ɀinonatswa neropa; ʋuye kana kusineropa rinoteʋurwa, hakunekaŋganwiro.
23
Naiɀoɀo mifananidzo yeɀiri kuɗeŋga yaifanira kuti inatswe ne ɀiɓayiro iɀi; asi ɀinhu ɀokuɗeŋga ɀimene kuti ɀinatswe neɀiɓayiro ɀinopfuʋura iɀi nokunaka.
24
Nokuti Kristu haana‐kupinda panɀimbo tȿene yakaitwa namaʋoko, inofananidza iyo iri caiyo, asi wakapinda kuɗeŋga kumene, kuti ɀino aɀiise pamberi paMŋari nokuɗa kweɗu;
25
ʋuye haana‐kupinda kuti aɀiite ciɓayiro kazhinji, somuprista mukuru unopinda panɀimbo tȿene gore rimŋe nerimŋe, akaɓata ropa reɀimŋe ɀinhu;
26
nokuti ɗai ɀakaŋga ɀakaɗaro, uŋgaɗai aitambura kazhinji kubva pakuʋambga kwenyika; asi ɀino wakaʋonekwa kamŋe cete pakupedzisira kweŋguʋa, kuti aparadze ɀiʋi, nokuɀiita ciɓayiro kwake.
27
Ʋuye ʋanhu ɀaʋakatemerwa kuti ʋafe kamŋe cete, kutoŋgeswa kugoteʋera,
28
saiɀoɀo Kristu ʋo, ɀaakaitwa ciɓayiro kamŋe cete, kuti atakure ɀiʋi ɀaʋanhu ʋazhinji, ucazoʋonekwa rwecipiri, asi ŋgatakuri ɀiʋi, naiʋo ʋanomutarira kuti aʋaponese.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13