bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hebrews 4
Hebrews 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
1
Naiɀoɀo, cipikirwa cokupinda muzororo rake ɀacici’po, tinofanira kutya kuti ɀimŋe kurege kuʋa nomumŋe wenyu ucawanikwa asiŋgaȿiki ikoko.
2
Nokuti nesu ʋo takaparidzirwa Evaŋgeri, saiʋo; asi shoko raʋakanzwa, harina‐kuʋaɓatsira, nokuti harina‐kuveŋganiswa nokutenda kwaiʋo ʋakanzwa.
3
Nokuti isu ʋakatenda, tinopinda pazororo irero, seɀaakareʋa, aciti: Naiɀoɀo ndakapika pakutsamŋa kwaŋgu, ndikati: Haʋaŋgapindi muzororo raŋgu; kunyaŋge maɓasa ake akaŋga akwaniswa kubva pakuʋambga kwenyika.
4
Nokuti paneimŋe nɀimbo wakataura pamsoro pezuʋa recinomŋe, aciti: Mŋari wakazorora nezuʋa recinomŋe pamaɓasa ake ose;
5
napano ɀe: Haʋaŋgapindi muzororo raŋgu.
6
Naiɀoɀo, shoko ɀarici’po kuti ʋamŋe ʋacapinda pariri, ʋuye kuti aʋo ʋakaparidzirwa Evaŋgeri kare haʋana‐kupinda nokusaterera kwaʋo,
7
unotara ɀe rimŋe zuʋa, rinonzi Nhasi — ndiɀo ɀaanotaura naDavidi, ŋguʋa huru yakaɗai yapfuʋura, (seɀakwakambotaurwa kare, ɀicinzi:) Nhasi, kana mucinzwa inzwi rake, Musawomesa mŋoyo yenyu.
8
Nokuti ɗai Joshua akaŋga aʋapa zororo, haazaizoreʋa rimŋe zuʋa pashure.
9
Ɀino zororo resaɓata raʋanhu ʋaMŋari rici’po.
10
Nokuti uyo wakapinda muzororo rake, wakazorora iye amene pamaɓasa ake, saMŋari panaake.
11
Naiɀoɀo ŋgatishiŋgaire kuti tipinde muzororo irero, kuti munhu arege kuʋa’po unozowa aciteʋera nzira iyo yokusaterera.
12
Nokuti shoko raMŋari iɓenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unoceka kumatiʋi maʋiri, rinoɓaya kuȿikira panoparadzana mŋoyo nomŋeya, namafundo nomŋoŋgo; rinotoŋga mifuŋgo nendaŋgariro dzomŋoyo.
13
Hakunecisikwa cisiŋgaʋonekwi naye, asi ɀinhu ɀose ɀakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuɀiɗaʋirira kwaari.
14
Naiɀoɀo, ɀatinomuprista mukuru kwaɀo, wakapinda napakati pokuɗeŋga, iye Jesu, Mŋanakomana waMŋari, ŋgatiɓatisise kupupura kweɗu.
15
Nokuti hatinomuprista mukuru usiŋgagoni kutinzwira tsitsi paʋutera bgeɗu, asi wakaidzwa paɀinhu ɀose sesu, asineɀiʋi.
16
Naiɀoɀo, ŋgatisweɗerei tisiŋgatyi kucigaro coʋushe cenyasha, kuti tinzwirwe ŋgoni, tiwane nyasha, tiɓatsirwe neŋguʋa yakafanira.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13