bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hebrews 12
Hebrews 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
1
Naiɀoɀo, nesu ʋo, ɀatakakomberedzwa negore reɀapupu rakakura rikaɗai, ŋgatibvisei ɀose ɀinoremedza, neɀiʋi ɀinoŋgotinamatira, ŋgatimhanye nokutsuŋgirira nhaŋgemutaŋge yatakaisirwa,
2
ticitarira kunaJesu, muʋambi nomukwanisi wokutenda kweɗu, iye wakatsuŋga pamucinjikwa nokuɗa kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashoʋora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwecigaro coʋushe caMŋari.
3
Nokuti cerekedzai uyo wakatsuŋga pakukakaʋara kwakaɗai kwaʋatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba pamŋeya yenyu.
4
Mucigere kudziʋirira kuȿikira ropa riciɓuɗa pakurwa kwenyu neɀiʋi.
5
Ʋuye makakaŋganwa kwaɀo kuraira kunotaura kwamuri sokuʋanakomana, kuciti: Mŋanakomana waŋgu, usaɀidza kuraŋga kwaShe, Usapera mŋoyo kana ucirairwa naye;
6
Nokuti waanoɗa Ishe unomuraŋga, Unoroʋa ɀikuru mŋanakomana mumŋe nomumŋe waanogamucira.
7
Tsuŋgai henyu mŋoyo kuti muraŋgwe; Mŋari unoɓata nemi saʋanakomana; nokuti mŋanakomana ndoupi usiŋgaraŋgwi naɓaɓa?
8
Asi kana musiŋgaraŋgwi, seɀinoitirwa ʋose, muri ʋana ʋoʋupombge, hamuzi ʋanakomana caiʋo.
9
Ʋuye ɀe isu taiʋa namadziɓaɓa eɗu enyama, ʋaitiraŋga, tikaʋakudza; ko hatiŋgaɀiisi ɀikuru pasi paƂaɓa ʋemŋeya, kuti tirarame here?
10
Nokuti iʋo, ɀirokwaɀo, ʋakatiraŋga mazuʋa mashoma, seɀaʋaifuŋga: asi iye unotiraŋga kuti tiɓatsirwe, tigogoʋerwa ʋutȿene bgake.
11
Ɀino kuraŋga kwose, kana kucaitwa, kwakaita sokusiŋgafadzi, kunocemedza; asi pashure kunoɓerekera iʋo, ʋakadzidziswa nako, ɀiɓereko ɀorugare, ndiɀo ɀiɓereko ɀokururama.
12
Saka simbisai ɀe maʋoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba;
13
gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti ico cinokamhina cirege kushoɗoka, asi ciporeswe.
14
Tȿakai rugare naʋanhu ʋose, noʋutȿene, nokuti kunze kwabgo hakunomunhu ucaʋona Ishe;
15
mucenjere kuti kurege kuʋa nomunhu unodzokera shure panyasha dzaMŋari; kuti mudzi wokuʋaʋa urege kumuka, ukutambudzei, ʋazhinji ʋagoȿiɓiswa nawo;
16
kurege kuʋa’po nemhombge, kana nousinehanya naMŋari, saEsau wakateŋgesa ʋuɗaŋgwe bgake nokudya kamŋe cete.
17
Nokuti munoziʋa kuti acizoɗa hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, wakarambga; nokuti haana‐kuwana ŋguʋa yokutendeʋuka, kunyaŋge akaitȿaka ɀikuru nemisodzi.
18
Nokuti hamuna‐kusweɗera kugomo riŋgaɓatwa namaʋoko, rinopfuta, ʋuye kurima, nokukuȿiɓa, nokuɗutu guru,
19
nokukurira kwehwamanda, nokunzwi ramashoko; iʋo ʋakarinzwa ʋakakumbira kuti shoko rimŋe rirege kuzoʋataurirwa;
20
nokuti ʋakakoniwa kuteʋera cakaŋga carairwa, cokuti: Kunyaŋge nemhuka kana ikaɓata gomo, icatakwa namabge;
21
ico cakaʋonekwa cakatyisa kuɗai, kuti naMosesi wakati: Ndinotya kwaɀo, ndinoɗeɗera;
22
asi imi makasweɗera kugomo reZioni, nokuguta raMŋari mupenyu, Jerusarema riri kuɗeŋga, nokumazana namazana aʋatumŋa ʋasiŋgaʋereŋgwi,
23
nokuʋuŋgano huru, nokukereke yamataŋgwe akanyorwa kuɗeŋga, nokunaMŋari, mutoŋgi waʋose, nokumŋeya yaʋakarurama ʋakakwaniswa,
24
nokunaJesu, Mureʋereri wesuŋgano itȿa, nokuropa rakasaswa, rinotaura ɀakanaka kupfuʋura Aberi.
25
Cenjerai kuti murege kuramba unotaura; nokuti kana aʋo ʋakamuramba ŋguʋa yaakaʋaraira panyika, ʋasina‐kupukunyuka, ɀikuru isu kana tikafuratira iye wokuɗeŋga;
26
inzwi rake rakazunuŋgusa nyika neŋguʋa iyo; asi ɀino wakapikira, aciti: Ndicabvundisa ɀe kamŋe cete, isati iri nyika ɓedzi, asi neɗeŋga ʋo.
27
Ɀino shoko iri rokuti, kamŋe cete, rinoratidza kubviswa kweɀinozunuŋguka, seɀinhu ɀakaitwa, kuti iɀo ɀisiŋgazunuŋguki ɀigare.
28
Saka, ɀatinopiwa ʋushe bgusiŋgazunuŋguki, ŋgatiʋe nokuʋoŋga, kuti tishumire Mŋari nako, ticimufadza nokukudza nokutya.
29
Nokuti Mŋari weɗu mŋoto unoparadza.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13