bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hebrews 7
Hebrews 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
1
Nokuti Merkisedeki uyo, mambo weSaremi, muprista waMŋari Wokumsoro‐soro, wakasoŋgana naAbrahama pakudzoka kwake andoʋuraya madzimambo, akamuropafadza;
2
Abrahama akamupa ʋo cegumi ceɀose; iye pakutaŋga ari mambo wokururama, kana ɀicishandurwa, ʋuye ɀe, mambo weSaremi, ndokuti, mambo worugare;
3
asinaɓaɓa, asinamai, asinamadzisekuru, asina‐kutaŋga kwamazuʋa, kana kuguma kwoʋupenyu, asi wakafananidzwa noMŋanakomana waMŋari, unogara ari muprista nokusiŋgaperi.
4
Ɀino fuŋgai kukura kwomunhu uyu, wakapiwa nateteguru Abrahama cegumi ceɀaakapamba.
5
Ɀino aʋo, ʋari ʋanakomana ʋaRevi, ʋanopiwa ɓasa roʋuprista, ʋakarairwa nomurairo kuti ʋatore cegumi kuʋanhu, iko kuhama dzaʋo, kunyaŋge ʋakabva muciʋuno caAbrahama;
6
asi uyu, usinakuraʋirwa rudzi rwake kwaʋari, wakapiwa ɀegumi naAbrahama, akamuropafadza iye wakaŋga aneɀipikirwa.
7
Ɀino hatiŋgarambi kuti muɗuku ndiye unoropafadzwa nounopfuʋura nokunaka.
8
Ʋuye pano, ʋanhu, ʋanofa, ʋanopiwa ɀegumi; asi apo uyo unopiwa, unopupurirwa ɀicinzi mupenyu.
9
Ɀino tiŋgati, naRevi, unopiwa ɀegumi, iye ʋo wakapa ɀegumi munaAbrahama;
10
nokuti wakaŋga aciri muciʋuno caɓaɓa ʋake, pakusoŋgana kwaMerkisedeki naye.
11
Naiɀoɀo, kana kukwaniswa kwaiʋa’po nenzira yoʋuprista bgaRevi (nokuti ʋanhu ʋakapiwa murairo nokuɗa kwabgo), ko mumŋe muprista waifanira kuzomuka seiko unorudzi naMerkisedeki, asiŋganzi unorudzi naAroni?
12
Nokuti kana ʋuprista bgucishandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwe ʋo.
13
Nokuti uyo unorebga ɀinhu iɀi pamsoro pake, wakaŋga ari worumŋe rudzi, rwakaŋga rusinomunhu wakamboɓate‐ɓasa paartari.
14
Nokuti ɀinoʋonekwa pacena, kuti Ishe weɗu wakabva kunaJuda; pamsoro porudzi urwu Mosesi haana‐kureʋa ɀaʋaprista.
15
Iɀi ɀinoratidzwa ʋo kwaɀo, kana kucimuka mumŋe muprista wakafanana naMerkisedeki,
16
usinakuitwa muprista nomurairo wokuraira kwenyama, asi nesimba roʋupenyu bgusiŋgapedzwi.
17
Nokuti iye unopupurirwa, ɀicinzi: Iwe uri muprista nokusiŋgaperi, Unorudzi naMerkisedeki.
18
Nokuti murau wokutaŋga unokoneswa nokuɗa kwoʋutera bgawo, ʋuye nokuti haunamaturo,
19
(nokuti murairo hauna‐kukwanisa cinhu), ɀino tariro, inopfuʋura nokunaka, ikaiswa’po, yatinosweɗera nayo kunaMŋari.
20
Ʋuye ɀe, ɀaasina‐kuitwa muprista kusinemhiko;
21
(nokuti iʋo ʋakaitwa ʋaprista kusinemhiko, asi iye nokupika kwaiye, wakati kwaari: Ishe wakapika, haaŋgaɀidyi mŋoyo ɀe, aciti: Iwe uri muprista nokusiŋgaperi);
22
Saiɀoɀo Jesu wakaitwa ruɓatso rwesuŋgano inopfuʋura nokunaka.
23
Iʋo ʋaiʋa ʋaprista ʋazhinji, nokuti ʋakadziʋiswa norufu kugara nokusiŋgaperi;
24
asi iye, ɀaanogara nokusiŋgaperi, unoʋuprista bgusiŋgapfuʋudzwi kunomumŋe.
25
Naiɀoɀo unesimba rokuponesa kwaɀo‐kwaɀo aʋo ʋanosweɗera kunaMŋari naye, ɀaanorarama nokusiŋgaperi kuti aʋareʋerere.
26
Nokuti muprista mukuru wakaɗai ndiye wataifanira kuʋa naye, mutȿene, usinecakaipa, usina‐kuȿiɓiswa, wakaparadzaniswa naʋatadzi, wakakwidzwa kumsoro kweɗeŋga;
27
usiŋgafaniri, saʋaya ʋaprista ʋakuru, kuɓayira zuʋa rimŋe nerimŋe, pakutaŋga pamsoro peɀiʋi ɀaʋo, pashure pamsoro peɀiʋi ɀaʋanhu; nokuti wakaita iɀoɀi kamŋe cete, ɀikapera, pakuɀiita kwake ciɓayiro.
28
Nokuti murairo unogadza ʋanhu ʋanoʋutera, kuti ʋaʋe ʋaprista ʋakuru; asi shoko rokupika, rakateʋera murairo, rinogadza Mŋanakomana, wakakwaniswa nokusiŋgaperi.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13