bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hebrews 8
Hebrews 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
1
Ɀino, shoko guru panaiɀoɀo ɀatataura, ndiro kuti: Tinomuprista mukuru wakaɗai wakagara kurudyi rwecigaro coʋushe coƲumambo kuɗeŋga;
2
iye mushumiri weɀinhu ɀitȿene, nowetabernakeri caiyo, yakamiswa naShe, isina‐kumiswa nomunhu.
3
Nokuti muprista mukuru mumŋe nomumŋe wakagadzwa, kuti aɓayire Mŋari ɀipo neɀiɓayiro; naiɀoɀo naiye waifanira kuti aʋe necaaŋgaɓayira ʋo;
4
nokuti ɗai aiʋa panyika, uŋgaɗai asina‐kuʋa muprista, nokuti ʋaprista ʋari’po, ʋanoɓayira Mŋari ɀipo seɀinorebga nomurairo;
5
iʋo ʋanoshumira mufananidzo nomumvuri weɀokuɗeŋga, seɀaakarairwa iye Mosesi oɗa kuita tabernakeri; nokuti wakati: Tarira, uite ɀose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.
6
Asi ɀino wakapiwa ɓasa rakanyanya kunaka, seɀaari Mureʋereri wesuŋgano inopfuʋura nokunaka, yakasimbiswa neɀipikirwa ɀinopfuʋura nokunaka.
7
Nokuti ɗai iya yokutaŋga yakaŋga isina‐caiŋgapomerwa, yecipiri iŋgaɗai isina‐kutȿakirwa nɀimbo.
8
Nokuti unoʋapa mhoȿa, aciti: Tarirai, mazuʋa anoʋuya, ndiɀo ɀinotaura Ishe, Andicaita nawo suŋgano itȿa neimba yaIsraeri, ʋuye neimba yaJuda;
9
Isina‐kuita sesuŋgano yandakaita namadziɓaɓa aʋo, Pazuʋa randakaɓata ruʋoko rwaʋo, kuti ndiʋaɓuɗise munyika yeEgipita; Nokuti haʋana‐kurambira musuŋgano yaŋgu, Neni ndikasaʋa nehanya naʋo, ndiɀo ɀinotaura Ishe.
10
Nokuti ndiyo suŋgano yandicaita neimba yaIsraeri Kana mazuʋa iwayo apfuʋura, ndiɀo ɀinotaura Ishe; Ndicaisa mirairo yaŋgu pakufuŋga kwaʋo, Napamŋoyo yaʋo ndicainyora, Ndicaʋa Mŋari waʋo, Iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu;
11
Mumŋe nomumŋe haaŋgazodzidzisi wokwake, Kana mumŋe nomumŋe hama yake, aciti: Ziʋa Ishe; Nokuti ʋose ʋacandiziʋa, Kubva kumuɗuku kuȿikira kumukuru pakati paʋo.
12
Nokuti ndicaʋa neŋgoni nokusarurama kwaʋo, Neɀiʋi ɀaʋo handicazoɀiraŋgariri.
13
Ɀaanoti: Suŋgano itȿa, wakasakadza yokutaŋga; ɀino cinhu cosakara, coʋa cakare, coɗa kuroʋa.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13