bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hebrews 6
Hebrews 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
1
Naiɀoɀo ŋgatisiye shoko rokutaŋga kwaKristu, tipfuʋurire mberi pakukwaniswa, tisiŋgaisi ɀe nheyo dzokutendeʋuka pamaɓasa akafa, nedzokutenda kunaMŋari,
2
nedzedzidziso yokubapatidza, nedzokuisa maʋoko, nedzokumuka kwaʋakafa, nedzokutoŋgwa kusiŋgaperi.
3
Ndiɀo ɀaticaita, kana Mŋari acitendera.
4
Nokuti kana ʋari iʋo, ʋakambovenekerwa, ʋakaraʋira cipo cokuɗeŋga, ʋakagoʋerwa Mŋeya Mutȿene,
5
ʋakaraʋira shoko rakanaka raMŋari, namasimba enyika inoʋuya,
6
kana ʋakazotsauka, haɀibviri kuʋaʋandudza ɀe kuti ʋatendeʋuke, nokuti ʋanoɀiroʋerera ɀe Mŋanakomana waMŋari pamucinjikwa, ʋacimunyadzisa pacena.
7
Nokuti nyika iyo, inoti kana yanwa mvura inosinaya pamsoro payo kazhinji, ikaɓereka miriʋo yakafanira ʋo aʋo ʋainorimirwa, ndiyo inoropafadzwa naMŋari;
8
asi kana ikaɓereka minzwa norukato, inorashwa, yobva yotukwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.
9
Asi ʋaɗikanwa, kunyaŋge ticitaura kuɗai, tinoziʋa kwaɀo pamsoro penyu ɀinhu ɀinopfuʋura nokunaka, ɀinoisa kukuponeswa.
10
Nokuti Mŋari haazati ari usakarurama, uŋgakaŋganwa ɓasa renyu noruɗo rwamakaratidza nokuɗa kwezita rake, ɀamakashumira ʋatȿene, muciʋashumira naɀino.
11
Ɀino tinoɗa kuti mumŋe nomumŋe wenyu ashiŋgaire saiɀoɀo, kuti muʋe netariro yakakwana kuȿikira pakuguma.
12
Kuti murege kuʋa noʋusimbe, asi muʋe ʋateʋeri ʋaiʋo ʋanodya nhaka yeɀipikirwa nenzira yokutenda nokutsuŋgirira.
13
Nokuti Mŋari pakupikira Abrahama, wakapika naiye amene, nokuti wakaŋga asinomukuru kwaari waaŋgapika naye,
14
akati: Ɀirokwaɀo nokuropafadza ndicakuropafadza, nokuwanza ndicakuwanza.
15
Nokuɗaro, wakati atsuŋgirira, akawana cipikirwa.
16
Nokuti ʋanhu ʋanopika nomukuru kwaʋari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakaʋa rose pakati paʋo.
17
Saiɀoɀo Mŋari wakati aciɗa ɀikuru kuratidza ʋadyi ʋenhaka yecipikirwa, kuti cireʋo cake hacishandurwi, wakapinda pakati nokupika;
18
kuti neɀinhu ɀiʋiri ɀisiŋgashandurwi, ( nokuti paɀiri Mŋari haagoni kureʋa nhema), tiʋe nesimbiso yakaɓata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi peɗu, kuti tiiɓate;
19
yatinayo seciɓatiso coMŋeya, tariro isiŋgazunuŋguswi, yakasimba, inopinda kuneɀiri mukati mecidzitiro cetembere;
20
pakapinda mutuŋgamiriri nokuɗa kweɗu, iye Jesu wakaitwa muprista mukuru nokusiŋgaperi, unorudzi naMerkisedeki.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13