bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Hebrews 2
Hebrews 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
1
Saka tinofanira kuterera ɀikuru iɀo ɀatakanzwa, kuti tirege kukukurwa.
2
Nokuti kana shoko, rakaŋga rataurwa naʋatumŋa, rakaŋga rakasimba, ʋuye kana kuɗarika nokusaterera kwose kwakapiwa muɓairo wakarurama,
3
ko isu ticatiza sei, kana tisinehanya nokuponeswa kukuru kwakaɗai? uku kwakaparidzwa pakutaŋga naShe, kukasimbiswa kwatiri naiʋo ʋakanzwa;
4
naiye Mŋari ʋo acipupurirana naʋo neɀiratidzo neɀinoshamisa, namaɓasa esimba mazhinji, neɀipo ɀoMŋeya Mutȿene, nokuɗa kwake.
5
Nokuti nyika, inozoʋuya, yatinoreʋa, haana‐kuiisa pasi paʋatumŋa.
6
Asi mumŋe wakapupura kwaɀo paneimŋe nɀimbo, aciti: Ko munhu cinyiko, ɀamunomufuŋga? Kana mŋanakomana womunhu, ɀamunomushanyira?
7
Makamuita muɗuku ɀishoma kuʋatumŋa, Makamushoŋgedza korona yokubginya nokukudzwa,
8
Mukaisa ɀinhu ɀose pasi petsoka dzake. Nokuti pakuisa kwake ɀinhu ɀose pasi pake, haana‐kusiya cinhu cimŋe, cisinakuiswa pasi pake. Asi ɀino tigere kuʋona kuti ɀinhu ɀose ɀakaiswa pasi pake.
9
Asi tinomuʋona, iye Jesu, wakaitwa muɗuku ɀishoma kuʋatumŋa, akashoŋgedzwa korona yokubginya nokukudzwa nokuɗa kwokutambudzika kworufu, kuti nenyasha dzaMŋari anzwe rufu nokuɗa kwaʋose.
10
Nokuti ɀakaŋga ɀakafanira kuti iye, wakaitirwa ɀinhu ɀose, ʋuye wakaita ɀinhu ɀose, pakuisa kwake ʋanakomana ʋazhinji pakubginya, akwanise Mutuŋgamiriri wokuponeswa kwaʋo nenzira yokutambudzika.
11
Nokuti uyo, uno ʋa ita ʋatȿene, naiʋo ʋanoitwa ʋatsene, ʋose ʋakabva kunomumŋe; nemhaka iyi haanenyadzi kuʋaidza hama,
12
Ɀaanoti: Ndicaparidzira hama dzaŋgu zita renyu, Ndicakuimbirai pakati pekereke.
13
Ʋuye ɀe: Ndicatenda kwaari. Ʋuye ɀe: Tarira, ndini naʋana ʋandakapiwa naMŋari.
14
Naiɀoɀo, ʋana ɀaʋakagoʋerwa ropa nenyama, naiye ʋo wakagoʋana naʋo panaiɀoɀi; kuti nokufa kwake iye aparadze uyo unesimba rorufu, iye Diaborosi;
15
agosunuŋgura aʋo ʋaiʋa ʋaranda paʋupenyu bgaʋo bgose nokuɗa kwokutya rufu.
16
Nokuti ɀirokwaɀo, haaɓatsiri ʋatumŋa, asi unoɓatsira ʋana ʋaAbrahama.
17
Naiɀoɀo wakafanira kuti aenzaniswe nehama dzake paɀinhu ɀose, kuti aʋe muprista mukuru Uneŋgoni, wakatendeka paɀinhu ɀaMŋari, kuti adzikinure ɀiʋi ɀaʋanhu.
18
Nokuti ɀaakatambudzika iye amene pakuidzwa kwake, unogona kuɓatsira ʋanoidzwa.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13